Numeri 36:1-13

  • Mutemo wekuroorwa kwevanhukadzi vanopiwa nhaka (1-13)

36  Vakuru vemadzibaba emhuri yevanakomana vaGiriyedhi mwanakomana waMakiri+ mwanakomana waManase wemhuri dzevanakomana vaJosefa, vakaswedera pedyo vakataura vari pamberi paMozisi nemachinda, vakuru vemadzibaba evaIsraeri.  Vakati: “Jehovha akarayira ishe wangu kuti agove nhaka kuvaIsraeri pachishandiswa mujenya;+ uye ishe wangu akarayirwa naJehovha kuti agove nhaka yehama yedu Zerofehadhi kuvanasikana vake.+  Kana vakaroorwa nevarume vemamwe madzinza aIsraeri, nhaka yevakadzi vacho ichabva yabviswa panhaka yemadzibaba edu yowedzerwa kunhaka yedzinza ravanenge varoorwa kwariri, zvekuti inenge yabviswa pamugove wenhaka yedu.  Panoitwa Jubheri+ revaIsraeri, nhaka yevakadzi vacho ichabva yawedzerwa kunhaka yedzinza ravanenge varoorwa kwariri, zvekuti nhaka yavo inenge yabviswa panhaka yedzinza remadzibaba edu.”  Mozisi akabva audza vaIsraeri zvaakanga arayirwa naJehovha achiti: “Zviri kutaurwa nedzinza revanakomana vaJosefa ndizvozvo.  Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha nezvevanasikana vaZerofehadhi: ‘Vanogona kuroorwa nevavanoda. Asi vanofanira kuroorwa nemunhu anobva mumhuri yedzinza rababa vavo.  Hapana nhaka yevaIsraeri inofanira kutenderera ichibva kune rimwe dzinza ichienda kune rimwe, nekuti vaIsraeri vanofanira kuramba vaine nhaka yedzinza remadzitateguru avo.  Uye mwanasikana wese anowana nhaka pakati pemadzinza aIsraeri, anofanira kuroorwa nemunhu anobva mudzinza rababa vake,+ kuti vaIsraeri varambe vaine nhaka yemadzitateguru avo.  Hapana nhaka inofanira kutenderera ichibva kune rimwe dzinza ichienda kune rimwe, nekuti madzinza aIsraeri anofanira kuramba aine nhaka dzawo.’” 10  Vanasikana vaZerofehadhi vakaita sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.+ 11  Saka Mahra, Tiza, Hogra, Mirika, naNoa, vanasikana vaZerofehadhi,+ vakaroorwa nevanakomana vehama dzababa vavo. 12  Vakava madzimai evarume vemhuri dzaManase mwanakomana waJosefa, kuti nhaka yavo irambe iri mudzinza remhuri yababa vavo. 13  Iyi ndiyo mirayiro uye mitongo yakapiwa vaIsraeri naJehovha achishandisa Mozisi murenje reMoabhi pedyo naJodhani kuJeriko.+

Mashoko Emuzasi