Numeri 9:1-23

  • Zvaiitwa kana munhu atadza kuchengeta Paseka (1-14)

  • Gore uye moto pamusoro petebhenekeri (15-23)

9  Jehovha akataura naMozisi murenje reSinai mumwedzi wekutanga+ wegore rechipiri vabuda munyika yeIjipiti, achiti:  “VaIsraeri vanofanira kugadzira chibayiro chePaseka+ kana nguva yacho yasvika.+  Pazuva rechi14 remwedzi uno panguva yerubvunzavaeni* munofanira kuchigadzira kana nguva yacho yasvika. Munofanira kuchigadzira maererano nemirau yacho yese nezvese zvinofanira kutevedzerwa.”+  Saka Mozisi akaudza vaIsraeri kuti vagadzire chibayiro chePaseka.  Vakabva vagadzira chibayiro chePaseka mumwedzi wekutanga, pazuva rechi14 remwedzi wacho panguva yerubvunzavaeni,* murenje reSinai. VaIsraeri vakaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.  Kwaiva nevarume vakanga vaitwa vasina kuchena nekubata chitunha chemunhu,*+ zvekuti havana kukwanisa kugadzira chibayiro chePaseka pazuva iroro. Saka varume ivavo vakauya pamberi paMozisi naAroni pazuva iroro+  uye vakati kwaari: “Hatina kuchena nekuti tabata chitunha chemunhu.* Tingabva tarambidzwa here kupa Jehovha chibayiro pakati pevaIsraeri kana nguva yacho yasvika?”+  Mozisi akabva ati kwavari: “Mirai ipapo ndinzwe zvichataurwa naJehovha nezvenyu.”+  Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 10  “Udza vaIsraeri kuti, ‘Kunyange munhu ari pakati penyu kana wemuzvizvarwa zvenyu zvinotevera akava asina kuchena nekubata chitunha chemunhu*+ kana kuti achinge asipo akaenda kure, anofanira kungogadzirira Jehovha chibayiro chePaseka. 11  Vanofanira kuchigadzira mumwedzi wechipiri,+ pazuva rechi14 panguva yerubvunzavaeni.* Vanofanira kuchidya pamwe chete nechingwa chisina mbiriso nemiriwo inovava.+ 12  Havafaniri kuchisiya kusvikira mangwanani,+ uye havafaniri kutyora mapfupa acho.+ Vanofanira kuchigadzira maererano nemirau yese yePaseka. 13  Asi kana munhu wacho akanga akachena hake kana kuti akanga asiri parwendo uye akarega hake kugadzira chibayiro chePaseka, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pevanhu vake,*+ nekuti haana kuuya nechibayiro chaJehovha pakakwana nguva yacho. Munhu iyeye achazvidavirira chivi chake. 14  “‘Uye kana mutorwa achigara nemi, anofanirawo kugadzira chibayiro chePaseka chinoitirwa Jehovha.+ Anofanira kuita maererano nemurau wePaseka uye maererano nezvinofanira kutevedzerwa.+ Panofanira kuva nemurau mumwe chete kwamuri, kumutorwa nekuchizvarwa chemunyika yenyu.’”+ 15  Pazuva rakamiswa tebhenekeri,+ gore rakafukidza tebhenekeri, kureva tende reChipupuriro, asi manheru chinhu chaioneka semoto chakaramba chiri pamusoro petebhenekeri kusvikira mangwanani.+ 16  Izvi ndizvo zvairamba zvichiitika: Gore raiifukidza masikati, uye chinhu chaioneka semoto chaiifukidza usiku.+ 17  Pese paisimuka gore kubva pamusoro petende, vaIsraeri vaibva vatama,+ uye panzvimbo paimira gore, ndipo paidzika vaIsraeri musasa.+ 18  VaIsraeri vaitama kana vanzi naJehovha vadaro, uye vaidzika musasa kana vanzi naJehovha vadaro.+ Gore parairamba riri pamusoro petebhenekeri, vairambawo vakadzika musasa. 19  Gore racho parairamba riri pamusoro petebhenekeri kwemazuva mazhinji, vaIsraeri vaiteerera Jehovha uye vaisasimuka.+ 20  Dzimwe nguva gore racho raingoita mazuva mashoma riri pamusoro petebhenekeri. Vairamba vakadzika musasa kana Jehovha ati vadaro, uye vaisimuka kana Jehovha ati vadaro. 21  Dzimwe nguva gore racho raingomira kubvira manheru kusvikira mangwanani, uye paisimuka gore racho mangwanani, vaibva vasimukawo. Angava masikati kana usiku paisimuka gore racho, ivo vaisimukawo.+ 22  Gore racho parairamba riri pamusoro petebhenekeri, angava mazuva maviri, mwedzi, kana kupfuura, vaIsraeri vairambawo vakadzika musasa uye vaisasimuka. Asi paraisimuka ivo vaisimukawo. 23  Vaidzika musasa kana Jehovha ati vadaro, uye vaisimuka kana Jehovha ati vadaro. Vaiteerera Jehovha vachiita zvavaiudzwa naJehovha achishandisa Mozisi.

Mashoko Emuzasi

Iyi inguva inenge ichangovira zuva asi kusati kwasviba.
Iyi inguva inenge ichangovira zuva asi kusati kwasviba.
Kana kuti “nemweya wemunhu.”
Kana kuti “nemhaka yemweya wemunhu.”
Kana kuti “nemweya wemunhu.”
Iyi inguva inenge ichangovira zuva asi kusati kwasviba.
Kana kuti “mweya iwoyo unofanira kuurayiwa.”