Revhitiko 1:1-17

  • Chibayiro chinopiswa (1-17)

1  Uye Jehovha akashevedza Mozisi akataura naye ari mutende rekusanganira,+ achiti:  “Taura nevaIsraeri,* uvaudze kuti, ‘Kana mumwe wenyu achipa Jehovha chibayiro kubva pazvipfuwo, chibayiro chacho chinofanira kunge chiri chemombe kana gwai kana mbudzi.+  “‘Kana chibayiro chake chiri chibayiro chinopiswa chemombe, anofanira kuuya nemukono wakanaka.+ Anofanira kuuya nacho pasuo retende rekusanganira pamberi paJehovha opa zvichibva pamwoyo.+  Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro wechibayiro chacho chinopiswa, uye chichagamuchirwa kuti iye ayananisirwe.  “‘Mukono wacho mudiki unofanira kubva waurayirwa pamberi paJehovha, uye vanakomana vaAroni, vapristi,+ vanofanira kuuya neropa racho, vosasa ropa racho kumativi ese eatari+ iri pasuo retende rekusanganira.  Chibayiro chinopiswa chinofanira kuvhiyiwa, chochekwa-chekwa.+  Vanakomana vaAroni, vapristi, vanofanira kuisa moto paatari,+ voisa huni mumoto.  Vanakomana vaAroni, vapristi, vanofanira kuronga nhengo dzacho dzechibayiro,+ pamwe nemusoro nemafuta* pamusoro pehuni dziri mumoto uri paatari.  Ura hwacho nemazondo acho ngazvisukwe nemvura, uye mupristi anofanira kuita kuti chipfungaire chese paatari sechibayiro chinopiswa, chibayiro chinopiswa nemoto chinonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha.+ 10  “‘Kana achipa chibayiro chake chinopiswa chiri chegwai+ diki kana mbudzi, anofanira kuuya nemukono, wakanaka.+ 11  Chinofanira kuurayirwa kurutivi rwekuchamhembe rweatari pamberi paJehovha, uye vanakomana vaAroni, vapristi, vanofanira kusasa ropa racho kumativi ese eatari.+ 12  Anofanira kuchicheka-cheka, pamwe nemusoro wacho nemafuta,* uye mupristi anofanira kuronga nhengo dzacho pamusoro pehuni dziri mumoto uri paatari. 13  Ngaasuke ura hwacho nemazondo acho nemvura, uye mupristi anofanira kuuya nacho chese, oita kuti chipfungaire paatari. Icho chibayiro chinopiswa, chibayiro chinopiswa nemoto chinonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha. 14  “‘Asi kana chibayiro chake chinopiswa chaanopa Jehovha chiri cheshiri, chinofanira kuva chenjiva kana kuti chehangaiwa diki.+ 15  Mupristi anofanira kuuya nacho kuatari, odimbura musoro wacho achiita zvekubvarura nenzara, oita kuti chipfungaire pamusoro peatari, asi ropa racho rinofanira kudururirwa parutivi rweatari. 16  Anofanira kubvisa chihururu chacho neminhenga yacho ozvikanda parutivi rweatari, kumabvazuva, panoisirwa madota.*+ 17  Anofanira kuchitsemura nepamapapiro acho asingachidimbure kuti chive zvidimbu zviviri. Mupristi anofanira kubva aita kuti chipfungaire paatari pamusoro pehuni dziri mumoto. Icho chibayiro chinopiswa, chibayiro chinopiswa nemoto chinonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha.

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “nevanakomana vaIsraeri.”
Kana kuti “nemafuta epaitsvo.”
ChiHeb., “zvinozorodza.”
Kana kuti “nemafuta epaitsvo.”
ChiHeb., “zvinozorodza.”
Kana kuti “madota ane mafuta,” kureva, madota anenge akazara mafuta ezvibayiro.
ChiHeb., “zvinozorodza.”