Revhitiko 10:1-20

  • Moto unobva kuna Jehovha unouraya Nadhabhi naAbhihu (1-7)

  • Zvinofanira kuitwa nevapristi panyaya yekunwa nekudya (8-20)

10  Vanakomana vaAroni, Nadhabhi naAbhihu,+ vakazotora mumwe nemumwe mudziyo wake wekuisira moto, vakaisa moto mumidziyo yacho ndokuisamo rusenzi.+ Vakabva vatanga kuipisira pamberi paJehovha nemoto usingabvumirwi,+ waakanga asina kuvarayira kuti vabatidze.  Pavakadaro, moto wakabva kuna Jehovha ndokuvaparadza,+ zvekuti vakafira pamberi paJehovha.+  Mozisi akabva ati kuna Aroni: “Izvi ndizvo zvataurwa naJehovha, ‘Vanhu vese vari pedyo neni vanofanira kuziva kuti ndiri mutsvene,+ uye ndinofanira kukudzwa pamberi pevanhu vese.’” Uye Aroni akaramba akanyarara.  Saka Mozisi akashevedza Mishaeri naErizafani, vanakomana vaUzieri,+ babamudiki vaAroni, akati kwavari: “Uyai kuno mutakure hama dzenyu dzibve pamberi penzvimbo tsvene mudziendese kunze kwemusasa.”  Saka vakauya, vakatakura varume vacho vachakapfeka nguo dzavo refu, vakavaendesa kunze kwemusasa, sezvavakanga vaudzwa naMozisi.  Mozisi akabva ati kuna Aroni nevamwe vanakomana vake Eriyezari naItamari: “Musasiya misoro yenyu yakati nyangarara kana kubvarura nguo dzenyu,+ kuti murege kufa uye kuti Mwari arege kutsamwira ungano yese. Hama dzenyu dzeimba yese yaIsraeri ndidzo dzichachema vaya vaurayiwa naJehovha nemoto.  Musabuda pasuo retende rekusanganira kuti murege kufa, nekuti mafuta aJehovha ekuzodza nawo ari pamuri.”+ Saka vakaita zvakataurwa naMozisi.  Jehovha akabva ati kuna Aroni:  “Iwe nevanakomana vako vauinavo hamufaniri kunwa waini kana zvimwe zvinwiwa zvinodhaka, pamunopinda mutende rekusanganira,+ kuti murege kufa. Uyu murau uchagara uripo kwezvizvarwa zvenyu zvese. 10  Izvi zvichasiyanisa chinhu chitsvene nechisiri chitsvene uye chinhu chisina kuchena nechakachena,+ 11  uye zvichadzidzisa vaIsraeri mirau yese yavakataurirwa naJehovha achishandisa Mozisi.”+ 12  Mozisi akabva ataura naAroni nevanakomana vake vakanga vasara, Eriyezari naItamari, achiti: “Torai zvakasara pamupiro wezviyo* wakapisirwa Jehovha nemoto mozvibikisa chingwa chisina mbiriso, mochidyira pedyo neatari,+ nekuti izvo zvinhu zvitsvenetsvene.+ 13  Munofanira kuzvidyira munzvimbo tsvene,+ nekuti ndiwo mugove wenyu nemugove wevanakomana venyu unobva pamipiro inopisirwa Jehovha nemoto, nekuti ndizvo zvandakarayirwa. 14  Iwe nevanakomana vako nevanasikana vako vauinavo+ munofanirawo kutora chityu* chechibayiro chinovheyeswa nechidya chemugove mutsvene+ mozvidyira panzvimbo yakachena, nekuti zvakapiwa kuti zvive mugove wako nemugove wevanakomana vako unobva pazvibayiro zverugare zvevaIsraeri. 15  Vachauya nechidya chemugove mutsvene nechityu chechibayiro chinovheyeswa pamwe chete nezvibayiro zvemafuta zvinopiswa nemoto, kuti vavheyese zvibayiro zvinovheyeswa pamberi paJehovha; uye izvi zvicharamba zviri mugove wako nevanakomana vako vauinavo,+ sezvakarayirwa naJehovha.” 16  Mozisi akatanga kutsvaga mbudzi yechibayiro chechivi,+ asi akaona kuti yakanga yapiswa. Saka akatsamwira Eriyezari naItamari, vanakomana vaAroni vakanga vasara, uye akati: 17  “Maregererei kudyira chibayiro chechivi munzvimbo tsvene,+ sezvo chiri chinhu chitsvenetsvene chaakakupai kuti mutakure chivi cheungano uye kuti muiyananisire pamberi paJehovha? 18  Zvino chionai! Ropa racho harina kuunzwa mukati menzvimbo tsvene.+ Manga muchifanira kuchidyira munzvimbo tsvene, sezvandakarayirwa.” 19  Aroni akapindura Mozisi kuti: “Zvaitika ndezvekuti, vanhu vapa chibayiro chavo chechivi nechibayiro chavo chinopiswa nhasi pamberi paJehovha.+ Asi zvino ini ndawirwa nedambudziko iri. Dai ndanga ndadya chibayiro chechivi nhasi, Jehovha angadai afara nazvo here?” 20  Mozisi paakanzwa izvozvo, akagutsikana.

Mashoko Emuzasi

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Iyi inyama yepachipfuva pemhuka, panosangana mbabvu.