Revhitiko 12:1-8

  • Kucheneswa kwemukadzi pashure pekusununguka (1-8)

12  Jehovha akaenderera mberi achiti kuna Mozisi:  “Udza vaIsraeri kuti, ‘Kana mukadzi akabata pamuviri, osununguka mwana mukomana, achava asina kuchena kwemazuva manomwe, sekusachena kwaanenge akaita paanenge ari kumwedzi.+  Pazuva rechi8, mwanakomana wacho achachecheudzwa+ chikanda chake chepamberi.  Mukadzi wacho acharamba achizvichenesa paropa kwemamwe mazuva 33 anotevera. Haafaniri kubata chinhu chitsvene chero chipi zvacho, uye haafaniri kupinda munzvimbo tsvene kusvikira mazuva aanenge achizvinatsa apera.  “‘Kana akasununguka mwana musikana, achava asina kuchena kwemazuva 14, sekusachena kwaanoita ari kumwedzi. Acharamba achizvichenesa paropa kwemazuva 66 anotevera.  Kana mazuva ekunatswa kwake asununguka mwanakomana kana kuti mwanasikana apera, achauya kusuo retende rekusanganira, kumupristi aine gondohwe risati rapfuura gore rimwe chete kuti rive chibayiro chinopiswa,+ nehangaiwa diki kana njiva kuti ive chibayiro chechivi.  Mupristi achauya nacho pamberi paJehovha omuyananisira, uye achava akachena pakuyerera kweropa rake. Uyu ndiwo mutemo pamusoro pemukadzi anosununguka mwana mukomana kana musikana.  Asi kana asingagoni kuwana gwai, ngaatore njiva mbiri kana kuti hangaiwa diki mbiri,+ imwe kuti ive chibayiro chinopiswa uye imwe yacho kuti ive chibayiro chechivi, uye mupristi achamuyananisira, uye achava akachena.’”

Mashoko Emuzasi