Revhitiko 15:1-33

  • Kusachena kwekubuda zvinoyerera (1-33)

15  Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi naAroni, achiti:  “Taurai nevaIsraeri, muvaudze kuti, ‘Kana murume aine zvinoyerera zvinobuda munhengo yake yekubereka nayo, zvinoyerera izvozvo zvinomuita kuti ave asina kuchena.+  Haana kuchena nemhaka yezvinoyerera izvi, zvingava zviri kutoyerera zvichibuda kana kuti zvakavhara nhengo yake, anenge asina kuchena chete.  “‘Mubhedha wese unorarwa nemunhu ane zvinoyerera uchava usina kuchena, uye chinhu chese chaanogara pachiri chichava chisina kuchena.  Munhu anobata mubhedha wake anofanira kugeza zvipfeko zvake, uye anofanira kugeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru.+  Munhu wese anogara pachinhu chakagarwa nemunhu ane zvinoyerera anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru.  Munhu wese anobata muviri wemunhu ane zvinoyerera anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru.  Kana munhu ane zvinoyerera akasvipira mate mumwe munhu akachena, munhu iyeye anofanira kugeza nguo dzake, ogeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru.  Chigaro chese chinoshandiswa pakutasva mhuka chinenge chagarirwa nemunhu ane zvinoyerera chichava chisina kuchena. 10  Munhu wese anobata chero chinhu changa chiri pasi pake achava asina kuchena kusvikira manheru, uye munhu wese anotakura zvinhu izvozvo anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru. 11  Kana munhu ane zvinoyerera+ asina kugeza maoko ake nemvura, obata mumwe munhu, munhu iyeye abatwa anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru. 12  Mudziyo wevhu unobatwa nemunhu ane zvinoyerera unofanira kuputswa, asi mudziyo wese wakagadzirwa nemuti unofanira kusukwa nemvura.+ 13  “‘Kana zvinoyerera zvamira kubuda uye munhu wacho apora, anofanira kubva averenga mazuva manomwe ekuti anatswe, uye anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri wake nemvura yakachena, uye achava akachena.+ 14  Pazuva rechi8, anofanira kutora njiva mbiri kana kuti hangaiwa diki mbiri,+ ouya pamberi paJehovha pasuo retende rekusanganira ozvipa mupristi. 15  Uye mupristi achadzibayira, imwe ichava yechibayiro chechivi uye imwe yacho ichava yechibayiro chinopiswa, uye mupristi achamuyananisira pamberi paJehovha pakubuda kwaakaita zvinoyerera. 16  “‘Kana murume akabuda urume, anofanira kugeza muviri wake wese nemvura, ova asina kuchena kusvikira manheru.+ 17  Anofanira kugeza nemvura chipfeko chese uye dehwe rese rinenge raendwa neurume, uye zvichava zvisina kuchena kusvikira manheru. 18  “‘Kana murume akarara nemukadzi obudisa urume, vese vanofanira kugeza nemvura uye vachange vasina kuchena kusvikira manheru.+ 19  “‘Kana mukadzi achibuda ropa mumuviri wake, acharamba asina kuchena paanenge ari kumwedzi kwemazuva manomwe.+ Munhu wese anomubata achava asina kuchena kusvikira manheru.+ 20  Chese chaacharara pachiri pakusachena kwake ari kumwedzi chichava chisina kuchena, uye chese chaachagara pachiri chichava chisina kuchena.+ 21  Munhu wese anobata mubhedha wake anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru. 22  Munhu wese anobata chero chinhu chaanogara pachiri anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru. 23  Kana akagara pamubhedha kana kuti pane chimwe chinhu, munhu anochibata achava asina kuchena kusvikira manheru.+ 24  Uye kana murume akarara naye, kusachena kwake kunokonzerwa nekuva kumwedzi kukava pamurume wacho,+ murume iyeye achava asina kuchena kwemazuva manomwe, uye mubhedha wese waanorara pauri uchava usina kuchena. 25  “‘Kana mukadzi akabuda ropa kwemazuva akawanda+ isiri nguva yake yekuva kumwedzi,+ kana kuti akabuda ropa kwenguva yakareba kupfuura yaanenge ari kumwedzi, achange asina kuchena mazuva ese aanenge achibuda ropa, sezvaanoita paanenge ari kumwedzi. 26  Mubhedha wese waanorara pauri mazuva ese aanenge achibuda ropa uchava semubhedha waanorara asina kuchena paanenge ari kumwedzi,+ uye chinhu chese chaanogara pachiri chichava chisina kuchena sekusachena kwake ari kumwedzi. 27  Munhu wese anozvibata achava asina kuchena, uye anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri, ova asina kuchena kusvikira manheru.+ 28  “‘Asi kana ropa racho ramira kubuda, anofanira kuverenga mazuva manomwe, uye kana mazuva acho apera achava akachena.+ 29  Pazuva rechi8, anofanira kutora njiva mbiri kana kuti hangaiwa diki mbiri,+ ouya nadzo kumupristi pasuo retende rekusanganira.+ 30  Mupristi achaita kuti imwe ive yechibayiro chechivi uye imwe yacho ive yechibayiro chinopiswa, uye mupristi achamuyananisira pamberi paJehovha pakusachena kwake paanga achibuda ropa.+ 31  “‘Saka munofanira kuita kuti vaIsraeri vaparadzane nekusachena kwavo, kuti varege kufira mukusachena kwavo vachisvibisa tebhenekeri yangu, iri pakati pavo.+ 32  “‘Uyu ndiwo mutemo pamusoro pemurume anenge aine zvinoyerera, murume anenge asina kuchena nekuti akabudisa urume,+ 33  mukadzi anenge asina kuchena paanenge ari kumwedzi,+ murume wese kana kuti mukadzi wese ane zvinoyerera zvinenge zvichibuda mumuviri,+ uye murume anorara nemukadzi asina kuchena.’”

Mashoko Emuzasi