Revhitiko 21:1-24

  • Vapristi vanofanira kuva vatsvene uye vasina kusvibiswa (1-9)

  • Mupristi mukuru haafaniri kuzvisvibisa (10-15)

  • Vapristi havafaniri kunge vakaremara (16-24)

21  Jehovha akaenderera mberi achiti kuna Mozisi: “Taura nevapristi, ivo vanakomana vaAroni, uti kwavari, ‘Hapana anofanira kuzvisvibisa panofa mumwe munhu* pakati pevanhu vake.+  Asi angazvisvibisa kana iri hama yake yepedyo yakadai saamai vake, baba vake, mwanakomana wake, mwanasikana wake, munin’ina wake,  uye angazvisvibisa panofa hanzvadzi yake kana iri mhandara yaigara pedyo naye uye yainge isati yaroorwa.  Ngaarege kuzvisvibisa ova asina kuchena kana ari mukadzi wemumwe murume wevanhu vekwake.  Havafaniri kuita kuti misoro yavo ive nemiparavara,+ kana kugera kunogumira ndebvu dzavo kana kuzvicheka-cheka miviri yavo.+  Vanofanira kuva vatsvene kuna Mwari wavo,+ uye havafaniri kusvibisa zita raMwari wavo,+ nekuti vanopa Jehovha mipiro inopiswa nemoto, chingwa chaMwari* wavo, saka vanofanira kuva vatsvene.+  Havafaniri kuroora pfambi,+ mukadzi akasvibiswa, kana mukadzi akarambwa nemurume,+ nekuti mupristi mutsvene kuna Mwari wake.  Unofanira kumutsvenesa,+ nekuti ndiye anopa chingwa chaMwari wako. Anofanira kuva mutsvene kwauri, nekuti ini, Jehovha, ari kukutsvenesai, ndiri mutsvene.+  “‘Kana mwanasikana wemupristi akazvisvibisa nekuita zvechipfambi, iye ari kusvibisa baba vake. Anofanira kupiswa nemoto.+ 10  “‘Munhu anenge ari mupristi mukuru pakati pehama dzake uye anenge akadururirwa mafuta ekuzodza nawo mumusoro+ uye akagadzwa* kuti apfeke nguo dzeupristi,+ haafaniri kurega musoro wake wakati nyangarara kana kubvarura nguo dzake.+ 11  Haafaniri kusvika pedyo nemunhu upi zvake akafa;*+ haafaniri kuzvisvibisa kunyange panofa baba vake kana amai vake. 12  Haafaniri kubuda munzvimbo tsvene uye haafaniri kusvibisa nzvimbo tsvene yaMwari wake,+ nekuti chiratidzo chekutsaurira, iwo mafuta ekuzodza nawo aMwari wake,+ chiri paari. Ndini Jehovha. 13  “‘Anofanira kuroora mukadzi achiri mhandara.+ 14  Haafaniri kuroora chirikadzi, mukadzi akarambwa, mukadzi akasvibiswa, kana pfambi; asi anofanira kuroora mhandara kubva pavanhu vekwake. 15  Haafaniri kusvibisa vana vake pakati pevanhu vekwake,+ nekuti ndini Jehovha, ari kumutsvenesa.’” 16  Jehovha akaramba achitaura naMozisi, achiti: 17  “Udza Aroni kuti, ‘Pavana vako muzvizvarwa zvavo zvese hapana murume akaremara anobvumirwa kuswedera pedyo kuti ape chingwa chaMwari wake. 18  Kana paine murume akaremara, haabvumirwi kuswedera pedyo: bofu kana anokamhina kana ane chiso chakaremara* kana ane gumbo rakarebesa kana ruoko rwakarebesa, 19  murume ane tsoka yakatyoka kana ruoko rwakatyoka, 20  ane musana wakakombama kana asingarebi,* kana murume ane ziso rakaremara kana ane mhezi kana zvisasa kana ane mabhora akakuvara.+ 21  Hapana murume akaremara pavana* vemupristi Aroni angaswedera pedyo kuti ape mipiro inopisirwa Jehovha nemoto. Nekuti akaremara, haafaniri kuswedera pedyo kuti ape chingwa chaMwari wake. 22  Anogona hake kudya chingwa chaMwari wake pazvinhu zvitsvenetsvene+ nepazvinhu zvitsvene.+ 23  Asi haafaniri kuswedera pedyo neketeni,+ uye haafaniri kuswedera pedyo neatari,+ nekuti iye akaremara; uye haafaniri kusvibisa nzvimbo yangu tsvene,+ nekuti ndini Jehovha, ari kuvatsvenesa.’”+ 24  Saka Mozisi akataura naAroni nevanakomana vake nevaIsraeri vese.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “mweya.”
Kana kuti “zvekudya zvaMwari,” kureva zvibayiro.
ChiHeb., “akazadzwa ruoko.”
Kana kuti “nemweya upi zvawo wakafa.” Shoko rechiHebheru riri pano rekuti ne′phesh rakabatana neshoko rechiHebheru rinoreva kuti “kufa.”
ChiHeb., “ane mhino yakatsemuka.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “munhu akanyanya kuonda zvichikonzerwa nekurwara.”
ChiHeb., “mbeu.”