Revhitiko 21:1-24
21 Jehovha akaenderera mberi achiti kuna Mozisi: “Taura nevapristi, ivo vanakomana vaAroni, uti kwavari, ‘Hapana anofanira kuzvisvibisa panofa mumwe munhu* pakati pevanhu vake.+
2 Asi angazvisvibisa kana iri hama yake yepedyo yakadai saamai vake, baba vake, mwanakomana wake, mwanasikana wake, munin’ina wake,
3 uye angazvisvibisa panofa hanzvadzi yake kana iri mhandara yaigara pedyo naye uye yainge isati yaroorwa.
4 Ngaarege kuzvisvibisa ova asina kuchena kana ari mukadzi wemumwe murume wevanhu vekwake.
5 Havafaniri kuita kuti misoro yavo ive nemiparavara,+ kana kugera kunogumira ndebvu dzavo kana kuzvicheka-cheka miviri yavo.+
6 Vanofanira kuva vatsvene kuna Mwari wavo,+ uye havafaniri kusvibisa zita raMwari wavo,+ nekuti vanopa Jehovha mipiro inopiswa nemoto, chingwa chaMwari* wavo, saka vanofanira kuva vatsvene.+
7 Havafaniri kuroora pfambi,+ mukadzi akasvibiswa, kana mukadzi akarambwa nemurume,+ nekuti mupristi mutsvene kuna Mwari wake.
8 Unofanira kumutsvenesa,+ nekuti ndiye anopa chingwa chaMwari wako. Anofanira kuva mutsvene kwauri, nekuti ini, Jehovha, ari kukutsvenesai, ndiri mutsvene.+
9 “‘Kana mwanasikana wemupristi akazvisvibisa nekuita zvechipfambi, iye ari kusvibisa baba vake. Anofanira kupiswa nemoto.+
10 “‘Munhu anenge ari mupristi mukuru pakati pehama dzake uye anenge akadururirwa mafuta ekuzodza nawo mumusoro+ uye akagadzwa* kuti apfeke nguo dzeupristi,+ haafaniri kurega musoro wake wakati nyangarara kana kubvarura nguo dzake.+
11 Haafaniri kusvika pedyo nemunhu upi zvake akafa;*+ haafaniri kuzvisvibisa kunyange panofa baba vake kana amai vake.
12 Haafaniri kubuda munzvimbo tsvene uye haafaniri kusvibisa nzvimbo tsvene yaMwari wake,+ nekuti chiratidzo chekutsaurira, iwo mafuta ekuzodza nawo aMwari wake,+ chiri paari. Ndini Jehovha.
13 “‘Anofanira kuroora mukadzi achiri mhandara.+
14 Haafaniri kuroora chirikadzi, mukadzi akarambwa, mukadzi akasvibiswa, kana pfambi; asi anofanira kuroora mhandara kubva pavanhu vekwake.
15 Haafaniri kusvibisa vana vake pakati pevanhu vekwake,+ nekuti ndini Jehovha, ari kumutsvenesa.’”
16 Jehovha akaramba achitaura naMozisi, achiti:
17 “Udza Aroni kuti, ‘Pavana vako muzvizvarwa zvavo zvese hapana murume akaremara anobvumirwa kuswedera pedyo kuti ape chingwa chaMwari wake.
18 Kana paine murume akaremara, haabvumirwi kuswedera pedyo: bofu kana anokamhina kana ane chiso chakaremara* kana ane gumbo rakarebesa kana ruoko rwakarebesa,
19 murume ane tsoka yakatyoka kana ruoko rwakatyoka,
20 ane musana wakakombama kana asingarebi,* kana murume ane ziso rakaremara kana ane mhezi kana zvisasa kana ane mabhora akakuvara.+
21 Hapana murume akaremara pavana* vemupristi Aroni angaswedera pedyo kuti ape mipiro inopisirwa Jehovha nemoto. Nekuti akaremara, haafaniri kuswedera pedyo kuti ape chingwa chaMwari wake.
22 Anogona hake kudya chingwa chaMwari wake pazvinhu zvitsvenetsvene+ nepazvinhu zvitsvene.+
23 Asi haafaniri kuswedera pedyo neketeni,+ uye haafaniri kuswedera pedyo neatari,+ nekuti iye akaremara; uye haafaniri kusvibisa nzvimbo yangu tsvene,+ nekuti ndini Jehovha, ari kuvatsvenesa.’”+
24 Saka Mozisi akataura naAroni nevanakomana vake nevaIsraeri vese.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “mweya.”
^ Kana kuti “zvekudya zvaMwari,” kureva zvibayiro.
^ ChiHeb., “akazadzwa ruoko.”
^ Kana kuti “nemweya upi zvawo wakafa.” Shoko rechiHebheru riri pano rekuti ne′phesh rakabatana neshoko rechiHebheru rinoreva kuti “kufa.”
^ ChiHeb., “ane mhino yakatsemuka.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “munhu akanyanya kuonda zvichikonzerwa nekurwara.”
^ ChiHeb., “mbeu.”