Revhitiko 22:1-33

  • Kuchena kwevapristi uye kudya zvinhu zvitsvene (1-16)

  • Mhuka dzakanaka chete ndidzo dzinofanira kupiwa sezvibayiro (17-33)

22  Jehovha akataurazve naMozisi, achiti:  “Udza Aroni nevanakomana vake kuti vanofanira kungwarira mabatiro avanoita zvinhu zvitsvene* zvevaIsraeri uye kurega kusvibisa zita rangu dzvene+ muzvinhu zvavanonditsaurira.+ Ndini Jehovha.  Vaudze kuti, ‘Muzvizvarwa zvenyu zvese, kana mumwe wevana venyu akaswedera pedyo nezvinhu zvitsvene zvichatsaurirwa Jehovha nevaIsraeri, asi iye asina kuchena, munhu iyeye anofanira kubviswa pamberi pangu.*+ Ndini Jehovha.  Pavana vaAroni hapana murume ane maperembudzi+ kana kuti ane zvinoyerera,+ angadya zvinhu zvitsvene kusvikira ava akachena,+ kunyange murume anobata munhu asvibiswa nekubata chitunha,*+ kana murume ari kubuda urume,+  kana murume anobata chimwe chezvisikwa zvisina kuchena zvinofamba zvakawanda+ kana kuti anobata munhu asina kuchena nemhaka yechimwewo chikonzero uyo anogona kumuita kuti ave asina kuchena.+  Munhu anobata chimwe chezvinhu izvi achava asina kuchena kusvikira manheru uye haakwanisi kudya chimwe chezvinhu zvitsvene, asi anofanira kugeza muviri wake nemvura.+  Kana zuva ravira, achava akachena, uye anogona hake kudya zvinhu zvitsvene nekuti ndizvo zvekudya zvake.+  Uyewo, haafaniri kudya mhuka yakafa yega kana kuti chero chinhu chakabvamburwa nemhuka dzesango, ova asina kuchena.+ Ndini Jehovha.  “‘Vanofanira kuita zvandakavarayira, kuti vasazopinda muchivi, vofa pamusana pekusvibisa zvinhu zvitsvene. Ndini Jehovha, ari kuvatsvenesa. 10  “‘Hapana mutorwa* anobvumirwa kudya chero chinhu chitsvene.+ Hapana muenzi wemupristi anobva kune imwe nyika kana munhu wemaricho anobvumirwa kudya chero chinhu chitsvene. 11  Asi kana mupristi akatenga munhu nemari yake, munhu iyeye anogona hake kuchidya. Varanda vakaberekerwa mumba make vanogonawo kudya zvekudya zvake.+ 12  Kana mwanasikana wemupristi akaroorwa nemunhu asiri mupristi,* haagoni kudya mupiro wezvinhu zvitsvene. 13  Asi kana mwanasikana wemupristi akava chirikadzi kana kuti akarambwa uye asina vana, odzokera kumba kwababa vake kwaaigara achiri mudiki, anogona hake kudya zvekudya zvababa vake;+ asi hapana mutorwa* anobvumirwa kuzvidya. 14  “‘Kana munhu akadya zvinhu zvitsvene asingazivi, anofanira kuzvidzorera, owedzera chikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu pane zvaaunza, ouya nemupiro wacho mutsvene kumupristi.+ 15  Saka havafaniri kusvibisa zvinhu zvitsvene zvevaIsraeri zvavanopa Jehovha,+ 16  voita kuti vanhu varangirwe mhosva yekudya zvinhu zvitsvene; nekuti ndini Jehovha, ari kuvatsvenesa.’” 17  Jehovha akaramba achitaura naMozisi, achiti: 18  “Taura naAroni nevanakomana vake nevaIsraeri vese, uti kwavari, ‘Kana muIsraeri kana kuti mutorwa ari kugara pakati pevaIsraeri akauya nechibayiro chinopiswa+ kuna Jehovha kuti azadzise mhiko dzake kana kuti akauya nechibayiro chekungopawo zvake achizvidira,+ 19  anofanira kupa mukono wakanaka+ wemombe, wegwai, kana wembudzi, kuti afarirwe. 20  Musauya nechero chinhu chipi chakaremara,+ nekuti hachizoiti kuti mufarirwe. 21  “‘Kana munhu akauya nechibayiro cherugare+ kuna Jehovha kuti aripe mhiko kana kuti ape chibayiro chekungopawo zvake achizvidira, chibayiro chacho chinofanira kuva chakanaka chiri chemombe kana gwai kana mbudzi, kuti afarirwe. Hachifaniri kutombova nepakaremara. 22  Hapana chibayiro chinofanira kunge chakapofumara, chiine pakatyoka, pakachekwa, kana mhopo, kana mhezi, kana chisasa; hamufaniri kuuya nezvakadai kuna Jehovha kana kupa chibayiro chakadaro paatari yaJehovha. 23  Munogona kuuya nemukono wemombe kana kuti gwai zvine gumbo rakarebesa kana kuti rakanyanyopfupika kuti chive chibayiro chekungopawo henyu muchizvidira, asi hachizogamuchirwi kana chiri chibayiro chemhiko. 24  Musauya kuna Jehovha nechiya chine mabhora akakuvara kana akapwanyika kana akabviswa kana akachekwa, uye hamufaniri kubayira mhuka dzakadaro munyika yenyu. 25  Uye hamufaniri kupa zvinhu zvakadai kubva kumutorwa kuti zvive zvekudya zvinopirwa Mwari wenyu, nekuti zvakashatiswa uye zvakaremara. Hazvizogamuchirwi nemufaro.’” 26  Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 27  “Kana mukono wemombe, wegwai kana wembudzi uchinge waberekwa, ucharamba uina amai vawo kwemazuva manomwe,+ asi kubva pazuva rechi8 zvichienda mberi unenge wava kugamuchirwa kuti ubayirwe sechibayiro chinopisirwa Jehovha nemoto. 28  Musauraya mombe kana gwai pamwe nevana vazvo pazuva rimwe chete.+ 29  “Kana mukabayira chibayiro chekuonga kuna Jehovha,+ munofanira kuchibayira nenzira inoita kuti mufarirwe. 30  Chinofanira kudyiwa pazuva iroro. Hapana chinofanira kusara kusvikira mangwanani.+ Ndini Jehovha. 31  “Chengetai mirayiro yangu muitevedzere.+ Ndini Jehovha. 32  Musasvibisa zita rangu dzvene,+ uye ndinofanira kutsveneswa pakati pevaIsraeri.+ Ndini Jehovha, ari kukutsvenesai,+ 33  iye akakubudisai munyika yeIjipiti kuti ndiratidze kuti ndiri Mwari wenyu.+ Ndini Jehovha.”

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “vanofanira kuzviparadzanisa nezvinhu zvitsvene.”
Kana kuti “mweya iwoyo unofanira kuurayiwa.”
Kana kuti “mweya.”
Kana kuti “munhu asingabvumirwi,” kureva, murume asiri weimba yaAroni.
Kana kuti “akaroorwa nemutorwa.”
Kana kuti “munhu asingabvumirwi,” kureva, murume asiri weimba yaAroni.