Revhitiko 7:1-38

  • Zvinoitwa pakupa mipiro (1-21)

    • Chibayiro chemhosva (1-10)

    • Chibayiro cherugare (11-21)

  • Kurambidzwa kudya mafuta kana kuti ropa (22-27)

  • Mugove wemupristi (28-36)

  • Mhedziso panyaya yemipiro (37, 38)

7  “‘Uyu ndiwo mutemo wechibayiro chemhosva:+ Icho chinhu chitsvenetsvene.  Vachaurayira chibayiro chemhosva munzvimbo mavanourayira zvibayiro zvinopiswa, uye ropa racho+ richasaswa kumativi ese eatari.+  Achapa mafuta acho ese,+ pamwe nemuswe wakakora, mafuta emudumbu,  uye itsvo mbiri nemafuta ese akadzipoteredza. Paanobvisa itsvo dzacho, achabvisawo mafuta ari pachiropa.+  Mupristi achaita kuti zvipfungaire paatari sechibayiro chinopisirwa Jehovha nemoto.+ Icho chibayiro chemhosva.  Vanhurume vese vanoshanda sevapristi vachachidya,+ uye chinofanira kudyirwa munzvimbo tsvene. Icho chinhu chitsvenetsvene.+  Mutemo wechibayiro chechivi unoshandawo pachibayiro chemhosva; nyama yacho ndeyemupristi anoyananisira nechibayiro chacho.+  “‘Kana mupristi akapa chibayiro chinopiswa chabviswa nemunhu, dehwe+ rechibayiro chacho richava remupristi.  “‘Mipiro yese yezviyo* inobikirwa muovheni kana mupani kana mugango+ ndeyemupristi anoipa. Ichava yake.+ 10  Asi mipiro yese yezviyo inenge yakasanganiswa nemafuta+ kana kuti isina+ ichava yevanakomana vese vaAroni; vese vachawana migove yakaenzana. 11  “‘Uyu ndiwo mutemo wechibayiro cherugare+ chingauya nemunhu kuna Jehovha: 12  Kana akauya nacho achiratidza kuonga,+ anofanira kuuya nechibayiro chacho chekuonga pamwe chete nezvingwa zvisina mbiriso zveraundi* zvakakanyiwa nemafuta, zvingwa zvitete zvisina mbiriso zvakazorwa mafuta, uye zvingwa zveraundi* zvakabikwa nefurawa yakatsetseka yakanyatsosanganiswa nemafuta. 13  Ngaauye nechibayiro chake pamwe chete nezvingwa zveraundi* zvakaiswa mbiriso pamwe chete nezvibayiro zvake zverugare zvekuratidza kuti ari kuonga. 14  Achabvisa chingwa chimwe chete pamhando imwe neimwe yemupiro wake kuti chive mugove mutsvene kuna Jehovha; chichava chemupristi anosasa ropa rezvibayiro zverugare.+ 15  Nyama yechibayiro chake cherugare chaanopa achiratidza kuonga ngaidyiwe pazuva raanochipa. Haafaniri kuchengeta imwe yayo kusvikira mangwanani.+ 16  “‘Kana chibayiro chake chiri mupiro wemhiko+ kana kuti wekungopawo zvake achizvidira,+ chinofanira kudyiwa pazuva raanouya nechibayiro chake, uye zvinenge zvasara zvinogonawo kudyiwa pazuva rinotevera. 17  Asi nyama yese yechibayiro chacho inosara inofanira kupiswa nemoto pazuva rechitatu.+ 18  Asi kana imwe nyama yechibayiro chake cherugare ikadyiwa pazuva rechitatu, munhu wacho aipa haazogamuchirwi. Haazotorwi seapa chibayiro; chibayiro chacho chinogumbura uye munhu anochidya achazvidavirira kukanganisa kwake.+ 19  Nyama inogunzva chero chinhu chisina kuchena ngairege kudyiwa. Inofanira kupiswa nemoto. Munhu wese akachena anogona kudya nyama yakachena. 20  “‘Asi munhu wese asina kuchena anodya nyama yechibayiro chaJehovha cherugare, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.*+ 21  Kana munhu akagunzva* chero chinhu chipi zvacho chisina kuchena, kungava kugunzva munhu asina kuchena+ kana kuti mhuka isina kuchena+ kana kuti chero chinhu chipi zvacho chisina kuchena chinosemesa,+ odya imwe nyama yechibayiro chaJehovha cherugare, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.’”* 22  Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi achiti: 23  “Udza vaIsraeri kuti, ‘Musadya chero mafuta zvawo+ emombe kana kuti egondowe diki kana kuti embudzana. 24  Mafuta emhuka yakafa yega kana kuti mafuta emhuka yakaurayiwa neimwe anogona kushandiswa mamwe mabasa, asi hamufaniri kutomboadya.+ 25  Nekuti munhu wese anodya mafuta emhuka yaanouya nayo kuti ive chibayiro chinopisirwa Jehovha nemoto, anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.* 26  “‘Musatombodya ropa+ munzvimbo dzese dzamunogara, ringava reshiri kana kuti remhuka. 27  Munhu wese anodya ropa chero ripi zvaro, anofanira kubviswa+ pakati pevanhu vake.’”* 28  Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi achiti: 29  “Udza vaIsraeri kuti, ‘Munhu wese anopa Jehovha chibayiro chake cherugare achauya nezvimwe zvinhu zvinobviswa pachibayiro chacho cherugare kuna Jehovha.+ 30  Achauya akabata mafuta+ pamwe chete nechityu* kuti zvive chibayiro chinopisirwa Jehovha nemoto, uye achazvivheyesa semupiro unovheyeswa+ pamberi paJehovha. 31  Mupristi achaita kuti mafuta acho apfungaire pamusoro peatari,+ asi chityu chichava chaAroni nevanakomana vake.+ 32  “‘Muchapa mupristi chidya chekurudyi chinobva pazvibayiro zvenyu zverugare kuti chive mugove mutsvene.+ 33  Mwanakomana waAroni anenge apira ropa rezvibayiro zverugare nemafuta ndiye achapiwa chidya chekurudyi kuti chive mugove wake.+ 34  Nekuti ndinotora chityu chemupiro unovheyeswa nechidya chemugove mutsvene wezvibayiro zverugare zvevaIsraeri, uye ndinozvipa mupristi Aroni nevanakomana vake semurau uchagara uripo kuvaIsraeri.+ 35  “‘Uyu ndiwo mugove waibva pamipiro yaJehovha inopiswa nemoto waifanira kuva wevapristi, Aroni nevanakomana vake, mugove wakasarudzwa musi waakavagadza kuti vashumire sevapristi vaJehovha.+ 36  Jehovha akarayira kuti vapiwe mugove uyu nevaIsraeri musi waakavazodza.+ Iwo murau uchagara uripo kwezvizvarwa zvavo zvese.’” 37  Uyu ndiwo murayiro wemupiro unopiswa,+ mupiro wezviyo,+ mupiro wechivi,+ mupiro wemhosva,+ chibayiro chekugadza nacho,+ nechibayiro cherugare,+ 38  wakarayirwa Mozisi naJehovha muGomo reSinai+ pazuva raakarayira vaIsraeri kuti vauye nemipiro yavo kuna Jehovha murenje reSinai.+

Mashoko Emuzasi

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Zvingwa izvi zveraundi zvaiva neburi pakati.
Zvingwa izvi zveraundi zvaiva neburi pakati.
Zvingwa izvi zveraundi zvaiva neburi pakati.
Kana kuti “mweya iwoyo unofanira kuurayiwa.”
Kana kuti “mweya iwoyo unofanira kuurayiwa.”
Kana kuti “mweya ukagunzva.”
Kana kuti “anofanira kuurayiwa.”
Kana kuti “anofanira kuurayiwa.”
Iyi inyama yepachipfuva pemhuka, panosangana mbabvu.