Revhitiko 8:1-36

  • Kugadzwa kweupristi hwaAroni (1-36)

8  Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi achiti:  “Tora Aroni nevanakomana vake,+ nenguo dzavo,+ mafuta ekuzodza nawo,+ mukono wemombe wechibayiro chechivi, makondohwe maviri, netswanda yechingwa chisina mbiriso,+  uunganidze ungano yese pasuo retende rekusanganira.”  Mozisi akabva aita sezvaakanga arayirwa naJehovha, vanhu vakaungana pasuo retende rekusanganira.  Mozisi akati kuungano yacho: “Izvi ndizvo zvatanzi naJehovha tiite.”  Saka Mozisi akaita kuti Aroni nevanakomana vake vaswedere pedyo, akavageza nemvura.+  Akabva amupfekedza nguo refu,+ akamusunga nebhandi rejira,+ akamupfekedza nguo isina maoko,+ akamupfekedza efodhi+ akaisunga zvakasimba nebhandi rakarukwa+ reefodhi.  Akazomupfekedza homwe yepachipfuva,+ akaisa Urimu neTumimu+ muhomwe yacho yepachipfuva.  Akabva aisa ngowani+ mumusoro make, akaisa karata kaipenya kegoridhe pangowani yacho nechemberi kwayo, karata katsvene,*+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 10  Mozisi akabva atora mafuta ekuzodza nawo, akazodza tebhenekeri nezvese zvaiva mairi,+ zvikava zvitsvene. 11  Akabva asasa mamwe acho pamusoro peatari kanomwe, akazodza atari nemidziyo yayo yese uye mudziyo wekuisira mvura yekugeza nechigadziko chawo kuti azvitsvenese. 12  Akazopedzisa nekudurura mamwe mafuta ekuzodza nawo mumusoro maAroni, akamuzodza kuti amutsvenese.+ 13  Mozisi akabva aswededza vanakomana vaAroni pedyo, akavapfekedza nguo refu, akavamonera mabhandi ejira, uye akavamonera machira emumusoro,+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 14  Akabva auya nemukono wemombe wechibayiro chechivi, uye Aroni nevanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wemukono wacho wechibayiro chechivi.+ 15  Mozisi akauuraya, akatora ropa racho+ nemunwe wake, akariisa panyanga dzeatari kumativi ese, akanatsa atari pachivi, asi rimwe ropa rese akaridururira muzasi meatari, kuti aitsvenese kuti ayananisire pairi. 16  Akabva atora mafuta ese epaura, neepachiropa, neitsvo mbiri nemafuta ari padziri, uye Mozisi akaita kuti zvipfungaire pamusoro peatari.+ 17  Akabva aita kuti zvese zvakanga zvasara pamukono wacho, dehwe rawo, nyama yawo, nendove yawo, zvipiswe nemoto kunze kwemusasa,+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 18  Akauya negondohwe rechibayiro chinopiswa, uye Aroni nevanakomana vake vakabva vaisa maoko avo pamusoro wegondohwe racho.+ 19  Mozisi akabva ariuraya, akasasa ropa racho kumativi ese eatari. 20  Akacheka-cheka gondohwe racho, uye Mozisi akapisa musoro waro, nenyama yaro, nemafuta aro* kuti zvipfungaire. 21  Akasuka ura nemazondo nemvura, uye Mozisi akabva aita kuti gondohwe racho rese ripfungaire paatari. Chakanga chiri chibayiro chinopiswa chinonhuhwirira zvakanaka.* Chakanga chiri chibayiro chinoita zvekupiswa nemoto chichiitirwa Jehovha, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 22  Akabva auya negondohwe rechipiri, gondohwe rekugadza naro,+ uye Aroni nevanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wegondohwe racho.+ 23  Mozisi akariuraya, akatora rimwe ropa raro, akariisa pamucheto wenzeve yaAroni yekurudyi nechekuzasi kwayo, nepachigunwe chikuru cheruoko rwake rwerudyi, nepachigunwe chikuru chetsoka yake yekurudyi. 24  Mozisi akauyawo nevanakomana vaAroni pedyo, akaisa rimwe ropa racho pamucheto penzeve dzavo dzekurudyi nechekuzasi kwadzo, nepazvigunwe zvavo zvikuru zvemaoko erudyi, nepazvigunwe zvikuru zvetsoka dzavo dzekurudyi; uye Mozisi akasasa rimwe ropa rese kumativi ese eatari.+ 25  Akabva atora mafuta, muswe une mafuta, mafuta ese epaura, neepachiropa, neitsvo mbiri nemafuta adzo, negumbo rerudyi.+ 26  Akatora chingwa chimwe chete cheraundi* chisina mbiriso,+ nechingwa chimwe chete cheraundi* chakakanyiwa nemafuta,+ uye chingwa chimwe chete chitete, zvaiva mutswanda yezvingwa zvisina mbiriso yakanga iri pamberi paJehovha. Akabva azvironga pamusoro pegumbo rerudyi paiva nemafuta acho. 27  Akabva azviisa zvese mumaoko aAroni neevanakomana vake, vakatanga kuzvivheyesa kuti zvive chibayiro chinovheyeswa pamberi paJehovha. 28  Mozisi akabva azvibvisa mumaoko avo, akaita kuti zvipfungaire paatari pamusoro pechibayiro chinopiswa. Zvaiva chibayiro chekugadza nacho chinonhuhwirira zvakanaka.* Chaiva chibayiro chinoita zvekupiswa nemoto chichiitirwa Jehovha. 29  Mozisi akabva atora chityu,* akachivheyesa kuti chive chibayiro chinovheyeswa pamberi paJehovha.+ Chakava mugove waMozisi unobva pagondohwe rekugadza naro, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.+ 30  Uye Mozisi akatora mamwe mafuta ekuzodza nawo+ nerimwe ropa rakanga riri pamusoro peatari, akazvisasa pana Aroni nenguo dzake nepavanakomana vake nenguo dzevanakomana vake vaaiva navo. Saka akatsvenesa Aroni nenguo dzake nevanakomana vake+ nenguo dzavo.+ 31  Mozisi akabva ati kuna Aroni nevanakomana vake: “Bikirai+ nyama yacho pasuo retende rekusanganira, muidyire ipapo nechingwa chiri mutswanda yekugadza nayo, sezvo ndakarayirwa kuti, ‘Aroni nevanakomana vake vachazvidya.’+ 32  Mupise nemoto nyama nechingwa zvinenge zvasara.+ 33  Musabuda kunze kwesuo retende rekusanganira mumazuva manomwe anotevera, kusvikira kugadzwa kwenyu kwapera, nekuti zvichatora mazuva manomwe kuti mugadzwe kuva vapristi.*+ 34  Jehovha akarayira kuti tiite zvataita nhasi kuti muyananisirwe.+ 35  Muchagara pasuo retende rekusanganira masikati neusiku kwemazuva manomwe,+ uye itai zvamakanzi naJehovha munofanira kuita,+ kuti murege kufa; nekuti ndizvo zvandakarayirwa.” 36  Uye Aroni nevanakomana vake vakaita zvese zvakanga zvarayirwa naJehovha achishandisa Mozisi.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “chiratidzo chitsvene chekuzvitsaurira kwaAroni kuna Mwari.”
Kana kuti “nemafuta akapoteredza itsvo.”
ChiHeb., “zvinozorodza.”
Chingwa ichi cheraundi chaiva neburi pakati.
Chingwa ichi cheraundi chaiva neburi pakati.
ChiHeb., “zvinozorodza.”
Iyi inyama yepachipfuva pemhuka, panosangana mbabvu.
ChiHeb., “ruoko rwenyu ruzadzwe.”