Revhitiko 9:1-24

  • Aroni anopa mipiro yekugadzwa (1-24)

9  Pazuva rechi8,+ Mozisi akashevedza Aroni nevanakomana vake nevakuru vaIsraeri.  Akati kuna Aroni: “Tora mhuru yakanaka kuti ive chibayiro chechivi+ uye gondohwe rakanaka kuti rive chibayiro chinopiswa, uuye nazvo pamberi paJehovha.  Asi uti kuvaIsraeri, ‘Torai nhongo yakanaka kuti ive chibayiro chechivi uye mhuru yakanaka negondohwe rakanaka, chimwe nechimwe chiine gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro chinopiswa,  nemukono wemombe, negondohwe kuti zvive zvibayiro zverugare,+ kuti zvibayirwe pamberi paJehovha, nemupiro wezviyo*+ wakasanganiswa nemafuta, nekuti nhasi Jehovha achazviratidza kwamuri.’”+  Saka vakauya nezvavakanzi naMozisi vauye nazvo pamberi petende rekusanganira. Ungano yese yakabva yaswedera pedyo, ikamira pamberi paJehovha.  Uye Mozisi akati: “Izvi ndizvo zvamakarayirwa naJehovha kuti muite, kuti Jehovha akuratidzei kubwinya kwake.”+  Mozisi akabva ati kuna Aroni: “Enda paatari upe chibayiro chako chechivi+ nechibayiro chako chinopiswa, uzviyananisire iwe+ neimba yako; upe chibayiro chevanhu,+ uvayananisire,+ sezvakarayirwa naJehovha.”  Aroni akabva angoenda paatari, akauraya mhuru yechibayiro chake chechivi.+  Vanakomana vaAroni vakabva vamupa ropa racho,+ iye akanyika munwe wake muropa racho, akariisa panyanga dzeatari, uye akadururira rimwe ropa rese muzasi meatari.+ 10  Akapisa mafuta neitsvo nemafuta epachiropa zvechibayiro chechivi zvikapfungaira paatari, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.+ 11  Uye akapisa nyama yacho nedehwe racho kunze kwemusasa.+ 12  Akabva auraya chibayiro chinopiswa, vanakomana vaAroni vakamupa ropa racho, iye akarisasa kumativi ese eatari.+ 13  Vakamupa nyama yakachekwa-chekwa yechibayiro chinopiswa pamwe chete nemusoro wayo, iye akaita kuti zvipfungaire paatari. 14  Akasukawo ura nemazondo, akaita kuti zvipfungaire zviri pamusoro pechibayiro chinopiswa paatari. 15  Akabva atora chibayiro chakanga chauya nevanhu, akatora mbudzi yechibayiro chechivi chevanhu, akaiuraya, akagadzira chibayiro chechivi nayo sezvakaitwa yekutanga. 16  Uye akauya nechibayiro chinopiswa akachipa sezvaigara zvichiitwa.+ 17  Akabva auya nemupiro wezviyo,+ akanokora tsama imwe chete, akaita kuti ipfungaire paatari, kuwedzera pachibayiro chinopiswa chemangwanani.+ 18  Pashure paizvozvo akauraya mukono wemombe negondohwe zvechibayiro cherugare chevanhu. Vanakomana vaAroni vakabva vamupa ropa racho, iye akarisasa kumativi ese eatari.+ 19  Kana ari mafuta emukono wemombe,+ nemuswe wakakora wegondohwe, nemafuta emudumbu, neitsvo, nemafuta epachiropa,+ 20  vakaaisa ese pamusoro pezvityu,* achibva azoita kuti mafuta acho apfungaire pamusoro peatari.+ 21  Uye Aroni akavheyesa zvityu zvacho nechidya chekurudyi kuti zvive chibayiro chinovheyeswa pamberi paJehovha, sezvakanga zvarayirwa naMozisi.+ 22  Aroni akabva asimudza maoko ake akaatambanudzira kuvanhu, akavakomborera,+ uye akabva aburuka apedza kupa chibayiro chechivi, chibayiro chinopiswa uye zvibayiro zverugare. 23  Mozisi naAroni vakazopinda mutende rekusanganira, vakabuda ndokukomborera vanhu.+ Kubwinya kwaJehovha kwakabva kwaonekwa nevanhu vese,+ 24  uye moto wakabva kuna Jehovha,+ ukapisa chibayiro chinopiswa, nemafuta aiva pamusoro peatari. Vanhu vese pavakazviona, vakatanga kushevedzera, vakapfugama, vakaisa misoro yavo pasi.+

Mashoko Emuzasi

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Iyi inyama yepachipfuva pemhuka, panosangana mbabvu.