Mashoko Akanaka Akanyorwa naRuka 21:1-38

  • Tumari tuviri twechirikadzi murombo (1-4)

  • CHIRATIDZO CHEZVICHAUYA (5-36)

    • Hondo, kudengenyeka kwenyika kukuru, matenda, nzara (10, 11)

    • Jerusarema richakombwa nemauto (20)

    • Nguva yemamwe marudzi (24)

    • Kuuya kweMwanakomana wemunhu (27)

    • Mufananidzo wemuonde (29-33)

    • Rambai makamuka (34-36)

  • Jesu anodzidzisa mutemberi (37, 38)

21  Paakasimudza musoro, akaona vapfumi vachikanda zvipo zvavo mumidziyo yekuisira mari.+  Akabva aona imwe chirikadzi yaishayiwa ichikanda tumari tuviri tusinganyanyi kukosha,*+  uye akati: “Chokwadi ndinoti kwamuri chirikadzi iyi murombo yabvisa zvakawanda kupfuura zvavaita vese.+  Nekuti ava vese vakanda zvipo vachibvisa pamari yavo yakawandisa, asi iye, neurombo hwake, abvisa zvese zvaanga ainazvo zvaizomuraramisa.”+  Gare gare, vamwe pavaitaura nezvetemberi, kuti yakanga yakashongedzwa sei nematombo akanaka chaizvo uye nezvinhu zvakakumikidzwa,+  iye akati: “Kana zviri zvinhu izvi zvamuri kuona, pachasvika mazuva asingazosiyiwi dombo riri pamusoro perimwe risina kukoromorwa.”+  Vakabva vamubvunza kuti: “Mudzidzisi, zvinhu izvi zvichanyatsoitika riini, uye chii chichava chiratidzo chekuti zvinhu izvi zvava kuda kuitika?”+  Akati: “Chenjerai kuti hamutsauswi,+ nekuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti, ‘Ndini iye,’ uye, ‘Nguva yacho yaswedera.’ Musavatevera.+  Uyezve, pamunonzwa nezvehondo nemhirizhonga,* musatya. Nekuti zvinhu izvi zvinofanira kutanga zvaitika, asi mugumo haubvi wauya pakarepo.”+ 10  Akabva ati kwavari: “Rudzi ruchamukira rudzi,+ uye umambo huchamukira umambo.+ 11  Kuchava nekudengenyeka kwenyika kukuru, uye munzvimbo dzakawanda muchava nenzara nematenda;+ kuchaonekwa zvinhu zvinotyisa, uye zviratidzo zvikuru zvichabva kudenga. 12  “Asi zvinhu izvi zvese zvisati zvaitika, vanhu vachakubatai, vokutambudzai,+ vachikuendesai kumasinagogi nekumajeri. Muchaendeswa pamberi pemadzimambo nemagavhuna pamusana pezita rangu.+ 13  Izvi zvichaita kuti mupe uchapupu. 14  Saka musazvinetsa mumwoyo yenyu muchidzidzira kuti muchapindura sei zvamunenge muchipomerwa,+ 15  nekuti ndichakupai mashoko neuchenjeri zvichaita kuti vavengi venyu vese vakabatana vatadze kuzviramba kana kuzvipikisa.+ 16  Zvakare, muchatengeswa kunyange nevabereki nevakoma nehama neshamwari, uye vamwe venyu vachaurayiwa,+ 17  uye muchavengwa nevanhu vese pamusana pezita rangu.+ 18  Asi hapana kunyange bvudzi remusoro wenyu rimwe chete richaparara.+ 19  Kana mukatsungirira, muchachengetedza upenyu hwenyu.*+ 20  “Asi pamunoona Jerusarema rakombwa nemauto akadzika misasa,+ chibvai maziva kuti rava kuda kuitwa dongo.+ 21  Vaya vanenge vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo,+ vaya vari mukati maro* ngavabude, uye vaya vari kumaruwa ngavarege kupinda mariri, 22  nekuti aya mazuva ekupa mutongo wakarurama,* kuti zvinhu zvese zvakanyorwa zvizadziswe. 23  Vane nhamo vakadzi vanenge vaine pamuviri nevaya vanenge vachiyamwisa mumazuva iwayo!+ Nekuti munyika iyi muchava nekutambudzika kukuru uye rudzi urwu ruchaitirwa hasha. 24  Vachaparadzwa nebakatwa, uye vachaendeswa kumarudzi ese vari nhapwa;+ uye Jerusarema richatsikwa-tsikwa nemamwe marudzi,* kusvikira nguva yemamwe marudzi* yazadziswa.+ 25  “Kuchavawo nezviratidzo pazuva nepamwedzi nepanyeredzi,+ uye marudzi ari panyika acharwadziwa chaizvo achishaya kuti oita sei nekuda kwekutinhira kwegungwa uye kusagadzikana kwaro. 26  Vanhu vachapera simba nekutya uye nekutarisira zvinhu zvinouya panyika, nekuti masimba ekudenga achazununguswa. 27  Uye vachabva vaona Mwanakomana wemunhu+ achiuya ari mugore aine simba nekubwinya kukuru.+ 28  Asi zvinhu izvi pazvinotanga kuitika, simukai, musimudze misoro yenyu, nekuti kununurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.” 29  Akabva avaudza mufananidzo, achiti: “Cherechedzai muonde nemimwe miti yese.+ 30  Kana yava kutungira, munozviona uye munobva maziva kuti zhizha rava pedyo. 31  Nemiwo pamunoona zvinhu zvese izvi zvava kuitika, zivai kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo. 32  Chokwadi ndinoti kwamuri chizvarwa chino hachizombopfuuri zvinhu zvese izvi zvisati zvaitika.+ 33  Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haazombopfuuri.+ 34  “Asi chenjererai kuti mwoyo yenyu isatomboremerwa nekudyisa nekunwisa+ nekuzvidya mwoyo nezvinhu zveupenyu,+ mukazongoerekana masvikirwa nezuva iroro 35  seriva.+ Nekuti richauya pavanhu vese vanogara panyika. 36  Saka rambai makamuka,+ muchigara muchinyengetera muchiteterera+ kuti mugone kupukunyuka zvinhu zvese izvi zvinofanira kuitika uye kuti mukwanise kumira pamberi peMwanakomana wemunhu.”+ 37  Saka aiswera achidzidzisa mutemberi, asi usiku aibuda achinorara kugomo rainzi Gomo reMiorivhi. 38  Uye vanhu vese vaiuya kwaari mutemberi mangwanani-ngwanani vachida kuzonzwa zvaaitaura.

Mashoko Emuzasi

ChiGir., “mareputoni maviri.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “nekupandukirana.”
Kana kuti “muchawana mweya yenyu.”
Kureva, Jerusarema.
Kana kuti “mazuva ekutsiva.”
Kureva, marudzi asiri vaJudha.
Kureva, marudzi asiri vaJudha.