Mashoko Akanaka Akanyorwa naRuka 24:1-53

  • Jesu anomutswa (1-12)

  • Vari mumugwagwa vachienda kuEmausi (13-35)

  • Jesu anozviratidza kuvadzidzi (36-49)

  • Jesu anokwira kudenga (50-53)

24  Asi pazuva rekutanga revhiki, vakafumoenda kuguva racho, vaine zvinonhuhwirira zvavakanga vagadzirira.+  Asi vakawana dombo rakungurutswa kubva paguva,+  uye pavakapinda havana kuwana chitunha chaShe Jesu.+  Pavakanga vachiri kuvhiringidzika neizvi, vamwe varume vaviri vakanga vakapfeka zvipfeko zvaipenya vakamira pedyo navo.  Vakadzi vacho vakatya, vakaramba vakatarisa pasi, saka varume vacho vakati kwavari: “Muri kutsvagirei munhu mupenyu pakati pevakafa?+  Haapo, asi amutswa. Yeukai matauriro aakaita nemi achiri kuGarireya,  achiti Mwanakomana wemunhu anofanira kuiswa mumaoko evatadzi, orovererwa, ozomuka pazuva rechitatu.”+  Vakabva vayeuka mashoko ake,+  uye vakadzoka vachibva kuguva, vakaudza zvinhu zvese izvi vane Gumi Nemumwe nevamwe vese.+ 10  Vakadzi vacho vaiva Mariya Magadharini, naJoana, naMariya amai vaJakobho. Vamwe vakadzi vese vavaiva navo vakaudzawo vaapostora zvinhu izvi. 11  Asi mashoko aya aiita seenhando kwavari, uye vakanga vasingabvumi zvaitaurwa nevakadzi vacho. 12  Asi Petro akasimuka, akamhanya kuguva, uye paakadongorera, akangoona machira chete. Saka akabva ipapo achishaya kuti chii chakanga chaitika. 13  Asi musi iwoyo chaiwo vaviri vavo vakanga vachienda kune mumwe musha wainzi Emausi, mufambo wemakiromita angasvika 11* kubva muJerusarema, 14  vachikurukura zvinhu zvese izvi zvakanga zvaitika. 15  Pavaikurukura kudaro vachitaura nezvezvinhu izvi, Jesu pachake akasvika, akatanga kufamba navo, 16  asi maziso avo akadzimaidzwa kuti vasamuziva.+ 17  Akati kwavari: “Inyaya yeiko iyoyo yamuri kukurukura muchifamba?” Vakabva vamira, zviso zvavo zvakasuruvara. 18  Mumwe wavo ainzi Kiropasi akapindura achiti: “Asi uri muenzi muJerusarema uchigara wega zvekuti hauzivi* nyaya yakaitika imomo mazuva apera aya?” 19  Akavabvunza kuti: “Inyaya yei?” Ivo vakati kwaari: “Nyaya yaJesu wekuNazareta,+ akaratidza kuti aiva muprofita ane simba pamabasa nemashoko pamberi paMwari nevanhu vese;+ 20  uye yekuti vatungamiriri vevapristi nevatongi vedu vakamutongera rufu,+ vakamuroverera. 21  Asi taitarisira kuti munhu uyu ndiye aizonunura Israeri.+ Uye hazvisirizvo zvega. Ratova zuva rechitatu kubvira pakaitika zvinhu izvi. 22  Uyewo vamwe vakadzi vekwedu vatishamisawo, nekuti vafumira kuguva+ 23  uye pavashaya chitunha chake, vauya vachiti vaona chiratidzo chinoshamisa chengirozi, dzikataura kuti mupenyu. 24  Vamwe vatanga tiinavo vaendawo kuguva kwacho,+ uye vanyatsowana zvakaita sezvanga zvataurwa nevakadzi vacho, asi havana kumuona.” 25  Saka akati kwavari: “Chokwadi vanhu imi hamunzwisisi uye mwoyo yenyu inononoka kutenda zvinhu zvese zvakataurwa nevaprofita! 26  Handiti Kristu aifanira kutambura saizvozvo+ kuti apinde mukubwinya kwake?”+ 27  Uye achitangira pane zvakanyorwa naMozisi neVaprofita vese,+ akavadudzira zvinhu zvainge zvakataurwa nezvake muMagwaro ese. 28  Vakazosvika pedyo nemusha wavaienda, iye akabva aita seaida kupfuurira. 29  Asi vakamunyengetedza kuti asaenda vachiti: “Rarai pano, nekuti zuva ravira uye kwava kusviba.” Akabva apinda navo mumba. 30  Paakanga ava kudya navo, akatora chingwa, akaonga, akachimedura, akatanga kuvapa.+ 31  Maziso avo akabva asvinudzwa, vakamuziva; asi iye akabva anyangarika.+ 32  Vakatanga kutaurirana vachiti: “Hatina here kunzwa kutsva kwanga kuchiita mwoyo yedu paanga achitaura nesu mumugwagwa achinyatsotizarurira* Magwaro!” 33  Vakabva vasimuka panguva iyoyo chaiyo, vakadzokera kuJerusarema, uye vakawana vane Gumi Nemumwe nevamwe vavakanga vakaungana navo, 34  avo vakati: “Chokwadi Ishe amutswa, uye azviratidza kuna Simoni!”+ 35  Ivo vakabva varondedzera zvakanga zvaitika mumugwagwa uye kuti vazomuziva sei paamedura chingwa.+ 36  Vachiri kutaura kudaro, iye pachake akamira pakati pavo akati kwavari: “Rugare ngaruve nemi.”+ 37  Vakavhunduka, vakatya, vachifunga kuti vaiona chisikwa chemweya. 38  Saka akati kwavari: “Nei muri kunetseka, uye nei mwoyo yenyu isina chokwadi nezvamuri kuona? 39  Onai maoko angu netsoka dzangu, ndini chaiye; ndibatei muone, nekuti mweya hauna nyama nemapfupa sezvamuri kuona ndiinazvo izvi.” 40  Paaitaura izvi, aivaratidza maoko ake netsoka dzake. 41  Asi vasati vanyatsotenda kuti ndiye here nekuda kwekufara uye kushamiswa kwavaiita, akati kwavari: “Mune chekudya here pano?” 42  Saka vakamupa nhindi yehove yakagochwa, 43  uye akaitambira, akadya ivo vachizviona. 44  Akabva ati kwavari: “Aya ndiwo mashoko angu andaikutaurirai pandakanga ndichiinemi,+ kuti zvinhu zvese zvakanyorwa nezvangu muMutemo waMozisi nemuVaprofita nemuMapisarema zvinofanira kuzadziswa.”+ 45  Akabva anyatsovhura pfungwa dzavo kuti vanzwisise zvairehwa neMagwaro,+ 46  uye akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakanyorwa: kuti Kristu aizotambura omuka kuvakafa pazuva rechitatu,+ 47  uye kuti, kutangira kuJerusarema,+ zita rake raizoshandiswa pakuparidza kuti vanhu vemarudzi ese+ vapfidze zvivi zvavo+ varegererwe. 48  Imi munofanira kuva zvapupu zvezvinhu izvi.+ 49  Uye inzwai! ndiri kukutumirai chakavimbiswa naBaba vangu. Asi imi, rambai muri muguta kusvikira mapfeka simba rinobva kumusoro.”+ 50  Akabva afamba navo kusvika kuBhetani, akasimudza maoko ake, ndokuvakomborera. 51  Paakanga achivakomborera, akaparadzaniswa navo, akakwidzwa kudenga.+ 52  Vakamupfugamira, vakadzokera kuJerusarema vachifara chaizvo.+ 53  Uye vakaramba vari mutemberi vachirumbidza Mwari.+

Mashoko Emuzasi

ChiGir., “wemastadhiya 60.” Stadhiya rimwe chete rakanga rakaenzana nemamita 185. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Dzimwe shanduro dzinoti, “Asi ndiwe wega muenzi muJerusarema asiri kuziva?”
Kana kuti “achinyatsotitsanangurira.”