Rute 3:1-18

  • Naomi anorayira Rute (1-4)

  • Rute naBhoazi vari paburiro (5-15)

  • Rute anodzokera kuna Naomi (16-18)

3  Vamwene vake, Naomi, vakati kwaari: “Mwanasikana wangu, handifaniri kukutsvagira musha,*+ kuti zvikunakire here?  Bhoazi haasi hama yedu here?+ Ndiye ane vashandikadzi vawaiva navo. Ari kuurutsa bhari kuburiro* usiku huno.  Saka geza, uzore mafuta anonhuhwirira, wopfeka,* woenda kuburiro. Usaita kuti murume wacho azive kuti uripo kusvikira apedza kudya nekunwa.  Kana ava kurara, nyatsotarisa kuti acharara papi; wobva waenda paari, womufukura nechekutsoka worara pasi. Achakuudza zvaunofanira kuita.”  Akabva ati kwavari: “Ndichaita zvese zvamandiudza.”  Saka akaenda kuburiro, akaita zvese zvaakanga arayirwa navamwene vake.  Panguva iyi, Bhoazi akanga achidya nekunwa, uye mwoyo wake wakanga uchifara. Akabva aenda kunorara pamucheto pemurwi wezviyo. Pashure paizvozvo Rute akasvika chinyararire, akafukura tsoka dzaBhoazi, akarara pasi.  Pava pakati peusiku, murume wacho akatanga kudedera, akamuka akagara, ndokuona mukadzi akarara kutsoka dzake.  Akati: “Ndiwe ani?” Akapindura kuti: “Ndini Rute muranda wenyu. Fukidzai muranda wenyu nenguo yenyu,* nekuti muri mudzikinuri.”+ 10  Iye akati: “Jehovha ngaakukomborere mwanasikana wangu. Waratidza rudo rusingachinji iye zvino kupfuura zvawakaita pakutanga,+ nekusatevera varume vechidiki, vangava varombo kana kuti vapfumi. 11  Usatya zvako mwanasikana wangu. Ndichakuitira zvese zvaunotaura,+ nekuti munhu wese ari muguta anoziva kuti uri mukadzi anoita zvakanaka chaizvo. 12  Ichokwadi kuti ndiri mudzikinuri,+ asi pane mumwe mudzikinuri ane ukama hwepedyo nemi kupfuura ini.+ 13  Rara pano usiku huno, uye kana akakudzikinura mangwana kwaedza, zvakanaka! Ngaakudzikinure hake.+ Asi kana asingadi kukudzikinura, naJehovha mupenyu, ndichakudzikinura. Rara zvako pano kusvikira kwaedza.” 14  Saka akarara kutsoka dzake kusvikira mangwanani, akazomuka kusati kwanyatsochena zvekuti munhu angazivikanwa kuti ndiani. Bhoazi akabva ati: “Usaita kuti vanhu vazive kuti pane mukadzi auya kuburiro.” 15  Akatiwo: “Uya nejira rawakazvimonera naro, uritambanudze.” Saka akaritambanudza, akamuisira zviyero 6* zvebhari, akamutakudza, Bhoazi achibva apinda muguta. 16  Rute akaenda kuna vamwene vake, avo vakabva vati kwaari: “Wafamba zvakanaka here* mwanangu?” Akabva avaudza zvese zvaakanga aitirwa nemurume wacho. 17  Akatiwo: “Andipa zviyero 6 izvi zvebhari, uye ati kwandiri, ‘Usaenda kuna vamwene vako usina chawakabata.’” 18  Ivo vakati: “Chigara hako mwanangu, kusvikira waziva kuti nyaya yacho ichafamba sei, nekuti murume wacho haasi kuzozorora kusvikira agadzirisa nyaya yacho nhasi.”

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “nzvimbo yekuzororera.”
Kana kuti “wopfeka nguo dzako dzekunze.”
Kana kuti “nekunoperera nguo yenyu.”
Zvichida aiva maseya 6. Seya uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 7,33. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
ChiHeb., “Ndiwe ani?”