Rwiyo rwaSoromoni 7:1-13

  • Mambo (1-9a)

    • “Unofadza, iwe musikana anodiwa” (6)

  • Musikana (9b-13)

    • “Ndiri wemudiwa wangu, uye iye anondirwarira” (10)

7  “Tsoka dzako dzakanaka chaizvo dziri mushangu dzako,Iwe mwanasikana anoremekedzwa! Zvidya zvako zvakaumbika sezvishongo,Basa remaoko emhizha.   Guvhu rako rakaita sendiro yeraundi. Waini yakasanganiswa ngairege kushayikwa pariri. Dumbu rako rakaita semurwi wegorosi,Wakatenderedzwa nemaruva.   Mazamu ako maviri akaita setsvana mbiri dzemhara,Vana vemhara vanoberekwa panguva imwe chete.+   Mutsipa wako+ wakaita seshongwe yenyanga dzenzou.+ Maziso ako+ akaita semadziva ari muHeshbhoni,+Ari pedyo negedhi reBhati-rabhimu. Mhino yako yakaita seshongwe yekuRebhanoni,Yakatarisa kuDhamasiko.   Musoro wako unokushongedza korona seKameri,+Uye bvudzi rako rakaita*+ seshinda yepepuru.+ Mambo anotorwa mwoyo nekuyerera kwarinoita.   Wakanaka chaizvo, uye unofadza,Iwe musikana anodiwa, kupfuura zvinhu zvese zvinofadza kwazvo!   Chimiro chako chakaita semuchindwe,Uye mazamu ako akaita semasumbu emichero yemichindwe.+   Ndakati, ‘Ndichakwira mumuchindweKuti ndibate mapazi awo ane michero.’ Mazamu ako ngaaite semasumbu emazambiringa,Kufema kwako ngakunhuhwirire semaapuro,   Uye muromo wako* sewaini yakanaka kwazvo.” “Ngaidzike ichitsvedzerera nekuda kwemudiwa wangu,Ichiyerera zvinyoronyoro pamiromo yevakarara. 10  Ndiri wemudiwa wangu,+Uye iye anondirwarira. 11  Uya, iwe mudiwa wangu,Handei kumasango;Ngatigarei pakati pemihena.+ 12  Ngatimukirei tiende kuminda yemizambiringa,Tinoona kana mizambiringa yakatungira,Kana maruva akatumbuka,+Kana mipomegraneti yava nemaruva.+ Ndichakuratidza kuti ndinokuda sei tiri ikoko.+ 13  Mamandireki+ ari kunzwika kunhuhwirira kwawo;Pamasuo edu pane michero yakasiyana-siyana yakanakisisa.+ Mudiwa wangu, ndakuchengeteraIchangobva kutemhwa neyakatemhwa kare.

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “musoro wako wakaita.”
ChiHeb., “mukanwa mako.”