Tsamba kuvaGaratiya 5:1-26
5 Nekuti Kristu akatisunungura kuti tive nerusununguko rwakadaro. Saka mirai makasimba,+ uye musazvirega muchisungwazve pajoko reuranda.+
2 Inzwai! Ini Pauro, ndiri kukuudzai kuti kana mukachecheudzwa, Kristu haazovi nezvaanobatsira kwamuri.+
3 Ndinopupurazve kuti munhu wese anochecheudzwa anofanira kuchengeta Mutemo wese.+
4 Makaparadzaniswa naKristu, imi vari kuedza kunzi makarurama nemutemo;+ mabva panyasha dzake.
5 Kana tiri isu, tiri kumirira nemwoyo wese tichibatsirwa nemweya kuti tiwane kururama kwatinotarisira kunobva pakutenda.
6 Nekuti kuna Kristu Jesu, kuchecheudzwa kana kusachecheudzwa hazvikoshi,+ asi kutenda kunoshanda nerudo ndiko kunokosha.
7 Makanga muchimhanya zvakanaka.+ Ndiani akakutadzisai kuramba muchiteerera chokwadi?
8 Kunyengetedza kwakadai hakubvi kune uya ari kukudanai.
9 Mbiriso shomanana inovirisa mukanyiwa wese.+
10 Ndine chivimbo chekuti imi muri pamwe naShe+ hamuzosviki pakuchinja mafungiro enyu; asi uya ari kukunetsai+ achagamuchira mutongo wakamukodzera, pasinei nekuti ndiani.
11 Kana ndiri ini, hama, kana ndichiri kuparidza nezvekuchecheudzwa, ndichiri kutambudzirwei? Kana zvakadaro chinhu chinogumbura chedanda rekutambudzirwa*+ chabviswa.
12 Ndinoshuva kuti dai vanhu vari kuedza kukukanganisai vazvicheka nhengo dzavo.*
13 Hama, makadanirwa rusununguko; asi musashandisa rusununguko urwu semukana wekutevera zvido zvenyama,+ asi shandiranai nerudo.+
14 Nekuti Mutemo wese unozadziswa* nemurayiro mumwe chete unoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”+
15 Asi kana muchiramba muchirumana nekudyanana,+ chenjerai kuti hamupedzani.+
16 Asi ndinoti, Rambai muchifamba nemweya+ uye hamuzomboiti zvido zvenyama.+
17 Nekuti nyama inorwisana nemweya pazvido zvayo, uye mweya unorwisana nenyama; zvinhu izvi zvinorwisana, zvekuti hamukwanisi kuita zvamunoda kuita chaizvo.+
18 Uyezve, kana muchitungamirirwa nemweya, hamusi pasi pemutemo.
19 Mabasa enyama anonyatsooneka, uye ndeaya: upombwe,*+ kusachena, tsika dzakafumuka,*+
20 kunamata zvidhori, kuita zvemidzimu,*+ kuvengana, kupopotedzana, godo, kuviruka nehasha, kunetsana, kupesana, kuita tumapoka,
21 ruchiva, udhakwa,+ mitambo yekufara zvakapfurikidza, nezvinhu zvakaita seizvi.+ Ndiri kugara ndakuyambirai nezvezvinhu izvi, sekukuyambirai kwandakamboita, kuti vaya vanoita zvinhu izvi havazogari nhaka yeUmambo hwaMwari.+
22 Asi zvibereko zvemweya rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, kuva akanaka,+ kutenda,
23 unyoro, kuzvidzora.+ Hapana mutemo unorambidza zvinhu zvakadai.
24 Uyewo vanhu vaKristu Jesu vakaroverera nyama pamwe chete nekuchiva kwayo nezvido zvayo.+
25 Kana tichirarama nemweya, ngatirambei tichifambawo zvakanaka nemweya.+
26 Ngatiregei kuzvikudza,+ tichimutsa makwikwi pakati pedu,+ tichiitirana shanje.
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “vazviita ngomwa,” kureva kucheka mabhora enhengo dzavo, izvo zvaizoita kuti vasakodzera kutevedzera mutemo wavaikurudzira vanhu kuti vatevedzere.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “unobatanidzwa.”
^ Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “kushaya nyadzi.” Shoko racho rechiGiriki nderekuti a·sel′gei·a. Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Tsika dzakafumuka.”
^ Kana kuti “zvemashiripiti; zvemishonga.”