Tsamba kuvaGaratiya 6:1-18
6 Hama, kunyange kana mumwe munhu ava kurasika asingazivi, imi vakasimba pamweya edzai kururamisa munhu akadaro neunyoro.+ Asi zvichenjererei,+ nekuti nemiwo munogona kupinda pamuedzo.+
2 Rambai muchitakurirana zvinorema+ kuti muzadzise mutemo waKristu.+
3 Nekuti kana munhu achifunga kuti anokosha asi pasina zvaari,+ ari kuzvinyepera.
4 Asi munhu mumwe nemumwe ngaaongorore zvaanoita,+ uye achabva afara nazvo iye pachake, asingazvienzanisi nemumwe munhu.+
5 Nekuti mumwe nemumwe achatakura mutoro wake.+
6 Zvakare, munhu wese ari kudzidziswa shoko ngaapewo uya ari kumudzidzisa zvinhu zvese zvakanaka.+
7 Musatsauswa: Mwari haasi wekuseka. Nekuti zvinodyarwa nemunhu, ndizvo zvaachakohwa;+
8 nekuti anodyara achiitira nyama yake achakohwa kuora kunobva panyama yake, asi anodyara achiitira mweya achakohwa upenyu husingaperi hunobva pamweya.+
9 Saka ngatisarega kuita zvakanaka, nekuti panguva yakakodzera tichakohwa kana tisinganeti.*+
10 Saka pese patinenge tiine mukana wacho,* ngatiitirei vese zvakanaka, kunyanya vaya vane ukama nesu mukutenda.
11 Ndini ndakunyorerai tsamba ino neruoko rwangu pachangu uye onai kukura kwakaita mabhii acho.
12 Vese vaya vanoda kuonekwa sevakanaka* ndivo vanoedza kukumanikidzai kuti muchecheudzwe, vachingozviitira kuti vasatambudzwe pamusana pedanda rekutambudzirwa* raKristu.
13 Nekuti kunyange vacho vari kuchecheudzwa havachengeti Mutemo,+ asi vanoda kuti imi muchecheudzwe kuti vazozvirumbidza nezvinenge zvaitwa panyama yenyu.
14 Asi ini dai ndikasazvirumbidza, kunze kwekuzvirumbidza pamusoro pedanda rekutambudzirwa* raShe wedu Jesu Kristu,+ uyo akaita kuti nyika ife kwandiri uye kuti ini ndife pakuona kwenyika.
15 Nekuti kuchecheudzwa kana kusachecheudzwa hakukoshi,+ asi chisikwa chitsva ndicho chinokosha.+
16 Kana vari vese vaya vanofamba zvakanaka maererano nemurayiro uyu, rugare nengoni ngazvive pavari, pana Israeri waMwari.+
17 Kubva iye zvino ngaparege kuva nemunhu anondinetsa, nekuti ndine mavanga ekuva muranda waJesu pamuviri wangu.+
18 Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzishande pamafungiro enyu hama. Ameni.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “tisingadzokeri shure.”
^ Kana kuti “nguva yacho.”
^ Kana kuti “vanoda kunzi vakanaka panyama.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.