Tsamba kuvaHebheru 2:1-18

  • Nyatsoisa pfungwa pazvinhu zvawakanzwa (1-4)

  • Zvinhu zvese zvakaiswa pasi paJesu (5-9)

  • Jesu nehama dzake (10-18)

    • Mumiririri Mukuru weruponeso rwavo (10)

    • Mupristi mukuru ane tsitsi (17)

2  Ndokusaka isu tichifanira kunyatsoisa pfungwa dzedu pazvinhu zvatakanzwa,+ kuti tisambotsauka zvishoma nezvishoma.+  Nekuti kana shoko rakataurwa pachishandiswa ngirozi+ rakazoratidza kuti nderechokwadi, uye kudarika kwese nekusateerera kwese kwakawana chirango maererano nekutonga kwakarurama,+  tichapukunyuka sei kana tisina hanya neruponeso rwakakura kudai?+ Nekuti rwakatanga kutaurwa nezvarwo kuburikidza naIshe wedu,+ tikazoratidzwa kuti nderwechokwadi nevaya vakamunzwa,  Mwari achibatanawo navo achipupura nezviratidzo nezvishamiso nemabasa esimba akasiyana-siyana+ uye mweya mutsvene uchipiwa maererano nekuda kwake.+  Nekuti haana kuisa pasi pengirozi nyika ichauya+ yatiri kutaura nezvayo.  Asi chimwe chapupu chakambonyora kuti: “Munhu chiiko zvamunomufunga, kana mwanakomana wemunhu zvamunomuchengeta?+  Makamuita akati dererei pane ngirozi, mukamuisa korona yekubwinya nekukudzwa, mukamugadza pamabasa emaoko enyu.  Makaisa zvinhu zvese pasi petsoka dzake.”+ Nekuisa kwaakaita zvinhu zvese pasi pake,+ Mwari haana chaakasiya chisiri pasi pake.+ Asi iye zvino tiri kuona kuti zvinhu zvese hazvisati zvava pasi pake.+  Asi tiri kuona Jesu, uyo akanga aitwa kuti ati dererei pane ngirozi,+ apfekedzwa korona yekubwinya nekukudzwa nekuti iye akafa,+ kuti nenyasha dzaMwari aravire rufu nekuda kwemunhu wese.+ 10  Zvinhu zvese zviripo nekuda kwaMwari uye kuburikidza naye. Saka paakaita kuti vanakomana vakawanda vauye pakubwinya,+ zvakanga zvakakodzera kuti aite kuti Mumiririri Mukuru weruponeso rwavo+ ave akakwana kuburikidza nematambudziko.+ 11  Nekuti uya ari kutsvenesa pamwe chete nevaya vari kutsveneswa,+ vese vanobva kune mumwe chete,+ saka haanyari kuvati hama,+ 12  sekutaura kwaanoita kuti: “Ndichazivisa hama dzangu zita renyu; ndichaimba ndichikurumbidzai ndiri pakati peungano.”+ 13  Anotizve: “Ndichavimba naye.”+ Otizve: “Inzwai! Ini nevana vadiki, vandakapiwa naJehovha.”*+ 14  Saka sezvo vana vacho vadiki vari venyama neropa, iye akavawo wenyama neropa,+ kuti nerufu rwake aparadze uyo ane simba rekukonzera rufu,+ iye Dhiyabhorosi,+ 15  uye kuti asunungure vese vakanga vari muuranda kweupenyu hwavo hwese pamusana pekutya rufu.+ 16  Nekuti ngirozi handidzo dzaari kubatsira, asi ari kubatsira vana vaAbrahamu.*+ 17  Saka aifanira kuva sehama dzake pazvinhu zvese,+ kuti ave mupristi mukuru ane tsitsi uye akatendeka pazvinhu zvine chekuita naMwari, kuti ape chibayiro chekuyananisa+ zvivi zvevanhu.+ 18  Sezvo iye pachake akatambura paaiedzwa,+ anokwanisawo kubatsira vari kuedzwa.+

Mashoko Emuzasi

ChiGir., “mbeu yaAbrahamu.”