Tsamba kuvaRoma 11:1-36

  • Israeri haana kurambwa zvachose (1-16)

  • Mufananidzo wemuorivhi (17-32)

  • Kudzama kweuchenjeri hwaMwari (33-36)

11  Saka ndinobvunza kuti, Mwari akaramba vanhu vake here?+ Kwete, handizvo! Nekuti iniwo ndiri muIsraeri, mumwe wevana vaAbrahamu,* wedzinza raBhenjamini.  Mwari haana kuramba vanhu vake, vaakatanga kuziva.+ Hamuzivi here zvinotaura rugwaro nezvaEriya, paakateterera kuna Mwari achinyunyuta nezvaIsraeri?  Achiti, “Jehovha,* ivo vakauraya vaprofita venyu, vakaparadza atari dzenyu, ini ndega ndini ndasara, uye iye zvino vava kuda kundiuraya.”*+  Asi shoko raMwari rinoti kudii kwaari? “Ndichiine varume 7 000, vane mabvi asina kupfugamira Bhaari.”+  Saka kunyange panguva ino pane vamwe vasara vachiripo+ maererano nekusarudzwa kwakaitwa kuburikidza nenyasha dzaMwari.  Saka kana vakasarudzwa nenyasha dzaMwari,+ hazvichanzi vakasarudzwa nekuda kwemabasa;+ zvikadaro nyasha dzinenge dzisisiri nyasha.  Saka totii? Israeri haana kuwana chacho chaaitsvaga nemwoyo wese, asi vaya vakasarudzwa vakachiwana.+ Vamwe vese vakaitwa kuti pfungwa dzavo dzigomare,+  sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Mwari akaita kuti vabatwe nehope huru,+ akavapa maziso asingaoni uye nzeve dzisinganzwi, kusvikira nhasi uno.”+  Uyewo, Dhavhidhi anoti: “Itai kuti tafura yavo ive musungo uye chiteyeso uye chinhu chinogumbura, yova chinhu chichavaranga. 10  Maziso avo ngaave nerima kuti varege kuona, uye itai kuti misana yavo igare yakakotama.”+ 11  Saka ndinobvunza kuti, Vakagumburwa vakawa zvachose here? Kwete, handizvo! Asi kukanganisa kwavo kuri kuita kuti vanhu vemamwe marudzi vawane ruponeso, kuti ivo vanzwe godo.+ 12  Zvino kana kukanganisa kwavo kuchireva pfuma kunyika, uye kuderera kwavo kuchireva pfuma kuvanhu vemamwe marudzi,+ ko kuzoti kana varipo vese vakakwana! 13  Iye zvino ndava kutaura nemi vanhu vemamwe marudzi. Sezvo ndiri muapostora kune mamwe marudzi,+ ndinokudza ushumiri hwangu+ 14  kuti ndione kana ndichikwanisa kuita kuti vanhu vekwangu vave negodo ndoponesa vamwe vavo. 15  Nekuti kana kuraswa kwavo+ kuri kuita kuti nyika iyananiswe naMwari, kugamuchirwa kwavo kucharevei kunze kweupenyu kubva kurufu? 16  Uye kana mukanyiwa unotorwa sezvibereko zvekutanga uri mutsvene, mukanyiwa wese mutsvenewo; uye kana mudzi uri mutsvene, mapazi acho matsvenewo. 17  Asi kana mamwe mapazi acho akabviswa, uye iwe, kunyange zvazvo uri muorivhi wemusango, wakanamatidzwa pakati pawo ukatanga kuwana pfuma yemudzi wemuorivhi, 18  usadadira mapazi acho. Asi kana ukaadadira,+ yeuka kuti hausi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unokutakura. 19  Uchabva wati: “Mapazi akabviswa kuti ini ndinamatidzwe.”+ 20  Ichocho ichokwadi! Iwo akabviswa nekuti akanga asina kutenda,+ asi iwe wakamira nekutenda.+ Usazvikudza, asi itya. 21  Nekuti kana Mwari asina kusiya mapazi epo aripo, haazokusiyiwo. 22  Saka funga nezvemutsa waMwari+ uye hasha dzake. Mwari anoitira hasha vaya vakawa,+ asi anokunzwira mutsa, chero bedzi uchiramba uri mumutsa wake; kana ukasadaro, newewo uchatemwa. 23  Uye ivowo vachanamatidzwa kana vakasiya kusatenda kwavo,+ nekuti Mwari anokwanisa kuvanamatidza zvakare. 24  Nekuti kana iwe wakatemwa pamuorivhi wagara uri wemusango ukanamatidzwa pamuorivhi wemumunda, izvo zvisiri izvo zvinowanzoitwa, ko mapazi emuorivhi chaiwo angatadza here kunamatidzwa pamuti wemuorivhi paakabva? 25  Nekuti handidi kuti imi hama mutadze kuziva chakavanzika chitsvene* ichi,+ motanga kuzviona semakachenjera: Vamwe vaIsraeri vakagomara pfungwa kusvikira vanhu vese vemamwe marudzi vakasarudzwa vapinda, 26  uye vaIsraeri vese+ vachaponeswa saizvozvi. Sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Mununuri* achabva muZiyoni+ obvisa tsika dzakaipa muna Jakobho. 27  Iyi ndiyo sungano yangu navo,+ pandinobvisa zvivi zvavo.”+ 28  Ichokwadi kuti kana tichitaura nezvemashoko akanaka, ivo vavengi vaMwari nekuda kwenyu; asi kana tichitaura nezvekusarudza kwaMwari, ivo vanodiwa nekuda kwemadzitateguru avo.+ 29  Nekuti Mwari haadembi zvipo zvaanenge apa uye vanhu vaanenge adana. 30  Nekuti kungofanana nemi makanga musingateereri Mwari,+ mukanzwirwa tsitsi+ nemhosva yekusateerera kwavo,+ 31  ivowo havana kuteerera zvikaita kuti imi munzwirwe tsitsi kuti naivowo vanzwirwewo tsitsi. 32  Nekuti Mwari akabvumira kuti vese vave varanda vekusateerera,+ kuti avanzwire tsitsi vese.+ 33  Chokwadi pfuma yaMwari neuchenjeri hwake neruzivo zvakadzama! Chokwadi mitongo yake haigoni kuongororwa uye nzira dzake hadzigoni kunzwisiswa! 34  Nekuti “ndiani akasvika pakuziva pfungwa dzaJehovha,* kana kuti ndiani anomupa mazano?”+ 35  Kana kuti, “ndiani akatanga kumupa chimwe chinhu, zvekuti anofanira kuchidzorerwa?”+ 36  Nekuti zvinhu zvese zvinobva kwaari uye zviripo naye uye ndezvake. Iye ngaakudzwe nekusingaperi. Ameni.

Mashoko Emuzasi

ChiGir., “wembeu yaAbrahamu.”
Kana kuti “kuuraya mweya wangu.”
Kana kuti “Muponesi.”