Tsamba kuvaRoma 3:1-31
3 Saka muJudha anganzi ari nani pane vamwe pakudii, kana kuti kuchecheudzwa kunobatsirei?
2 Anopfuura vamwe pazvese. Chekutanga, vaJudha vakapiwa mashoko matsvene aMwari.+
3 Saka nyaya yacho iri papi? Kana vamwe vasina kutenda, kushayiwa kwavo kutenda kuchaita kuti Mwari anzi haana kutendeka here?
4 Hazvingambodaro! Asi Mwari ngaawanikwe ari wechokwadi,+ kunyange zvikaitika kuti vanhu vese vanzi vanoreva nhema,+ sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Kuti mashoko enyu aratidze kuti makarurama uye mukunde pamunenge muchitongwa.”+
5 Asi kana kusarurama kwedu kuchiita kuti kururama kwaMwari kuonekwe, tichati kudii? Mwari haana kururama here paanoratidza hasha dzake? (Ndiri kutaura sematauriro anoita vanhu.)
6 Hazvingamboiti! Kana zvikadaro Mwari achatonga sei nyika?+
7 Asi kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chikwidziridzwe zvekuti anokudzwa, nei ini ndava kutongwa semutadzi?
8 Uye sei tisingatauri sezvinotaurwa nevamwe vanhu vanoreva nhema vachiti tinoti, “Ngatiitei zvakaipa kuti zvakanaka zviuye”? Kutongwa kwevanhu ivavo kunonyatsokodzerana navo.+
9 Saka totii? Tinganzi tiri nani here? Kana! Nekuti tambotaura kuti vaJudha nevaGiriki, vese vane chivi;+
10 sekunyorwa kwazvakaitwa: “Hapana munhu akarurama, kana mumwe chete zvake;+
11 hapana ane njere; hapana anotsvaga Mwari.
12 Vanhu vese vakatsauka, vese zvavo vava vanhu vasina zvavanobatsira; hapana anoratidza vamwe mutsa, kana mumwe chete zvake.”+
13 “Huro dzavo iguva rakavhurika; vanonyengera nerurimi rwavo.”+ “Uturu hwenyoka huri mumiromo yavo.”+
14 “Miromo yavo izere nekutuka nekuvava.”+
15 “Tsoka dzavo dzinomhanyira kunodeura ropa.”+
16 “Kuparadza nekuonesa vamwe nhamo ndiwo maitiro avo,
17 uye havazivi nzira yerugare.”+
18 “Kutya Mwari hakusi pamberi pavo.”+
19 Tinoziva kuti zvinhu zvese zvinotaurwa neMutemo ndezvevaya vari pasi peMutemo, kuti miromo yese ishaye chekutaura uye nyika yese izvidavirire kuna Mwari pachirango chinobva kwaari.+
20 Saka hapana munhu achanzi akarurama* pamberi pake nemabasa emutemo,+ nekuti mutemo ndiwo unoita kuti chivi chinyatsozivikanwa.+
21 Asi pasina kushandisa mutemo, kururama kwaMwari kwakaratidzwa pachena,+ sekupupurirwa kwazvinoitwa neMutemo neVaprofita kuti,+
22 kururama kwaMwari kunobva mukutenda muna Jesu Kristu, kuti kubatsire vese vane kutenda. Nekuti hapana musiyano.+
23 Nekuti vanhu vese vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari,+
24 uye vakapiwa chipo chepachena+ chekunzi vakarurama nenyasha dzake+ kuburikidza nekusunungurwa nerudzikinuro rwakabhadharwa naKristu Jesu.+
25 Mwari akamupa sechibayiro kuti vanhu vayanane naye*+ kuburikidza nekutenda muropa rake.+ Izvi akazviitira kuti aratidze kururama kwake, nekuti Mwari, nemwoyo murefu wake, akaregerera zvivi zvakaitika kare.
26 Izvi akazviitira kuti azoratidza kururama kwake+ mumwaka uno, kuti ave akarurama paanenge achiti munhu anotenda muna Jesu akarurama.+
27 Saka pane chikonzero chekuti munhu azvirumbidze here? Hapana zvachose. Zvichirambidzwa nemutemo upi? Uya wemabasa here?+ Aiwa, asi mutemo wekutenda.
28 Nekuti tinoti munhu anonzi akarurama nekutenda, kwete nemabasa emutemo.+
29 Kana kuti iye ndiMwari wevaJudha chete here?+ Haasi Mwari wevanhu vemamwe marudziwo here?+ Hongu ndewevanhu vemamwe marudziwo.+
30 Sezvo Mwari ari mumwe chete,+ achati vanhu vakachecheudzwa vakarurama+ nekuda kwekutenda uye vanhu vasina kuchecheudzwa vakarurama+ nekuda kwekutenda kwavo.
31 Saka tinobvisa mutemo nekuda kwekutenda kwedu here? Kana! Tinotosimbisa mutemo.+