Tsamba kuvaRoma 4:1-25

  • Abrahamu akanzi akarurama nekutenda (1-12)

    • Abrahamu, baba vevanhu vese vane kutenda (11)

  • Vimbiso yakagamuchirwa kuburikidza nekutenda (13-25)

4  Kana zvakadaro, tichati Abrahamu tateguru vedu panyama vakawanei?  Semuenzaniso, kudai Abrahamu akanzi akarurama nekuda kwemabasa, angadai aine chikonzero chekuzvirumbidza, asi kwete pamberi paMwari.  Nekuti rugwaro runotii? “Abrahamu akatenda muna Jehovha,* uye akanzi akarurama.”+  Kana munhu achishanda, mubhadharo waanopiwa haunganzi kungonzwirwawo nyasha, asi kuti mubhadharo wakamukodzera.  Asi kumunhu asingashandi asi achitenda muna Mwari uyo anoti munhu ane zvivi akarurama, kutenda kwake kunonzi kururama.+  Sekutaura kunoitawo Dhavhidhi nezvemufaro wemunhu anonzi naMwari akarurama zvisingabvi pamabasa achiti:  “Vanofara vaya vakaregererwa mabasa avo ekutyora mutemo, uye vane zvivi zvakafukidzwa;*  anofara munhu ane chivi chisingazoyeukwi naJehovha.”*+  Saka mufaro uyu unouya pavanhu vakachecheudzwa chete here kana kuti unouyawo pavanhu vasina kuchecheudzwa?+ Nekuti tinoti: “Kutenda kwaAbrahamu kwakaita kuti anzi akarurama.”+ 10  Saka akanzi akarurama zvinhu pazvakanga zvakaita sei? Paakanga achecheudzwa here kana kuti asina kuchecheudzwa? Akanga asati achecheudzwa. 11  Uye akapiwa chiratidzo+ chekuchecheudzwa kuti chive chisimbiso chekururama kwakabva pakutenda kwaaiva nako paakanga asati achecheudzwa, kuti ave baba vevaya vese vanotenda+ vasina kuchecheudzwa, kuti vanzi vakarurama; 12  uye kuti ave baba vevakachecheudzwa, kwete baba vevaya vakangochecheudzwa chete, asi vaya vanofambawo zvakanaka mumakwara ekutenda kwaiva nababa vedu Abrahamu+ vasati vachecheudzwa. 13  Nekuti Abrahamu kana vana vake havana kuvimbiswa kuti vaizogara nhaka yenyika+ nekuti vakanga vachengeta mutemo, asi vakavimbiswa nekuti vakanga vanzi vakarurama zvichibva pakutenda.+ 14  Nekuti kana vaya vanotevedzera mutemo vari vagari venhaka, kutenda kunenge kusisabatsiri uye vimbiso yacho inenge isisashandi. 15  Chokwadi ndechekuti Mutemo unounza kuitirwa hasha,+ asi pasina mutemo, hapanawo kutadza.+ 16  Ndokusaka vimbiso yakapiwa nekuda kwekutenda, kuti ive maererano nekungonzwirwawo nyasha,+ kuti ive yechokwadi kuvana vake vese,+ kwete chete kune vanochengeta Mutemo asiwo kune vanotenda sezvaiita Abrahamu, baba vedu tese.+ 17  (Izvi zvakangoita sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Ndakugadza kuti uve baba vemarudzi mazhinji.”)+ Izvi zvaionekwa naMwari, waakanga atenda maari, uyo anoita kuti vakafa vave vapenyu uye anodana zvinhu zvisipo sekunge zviripo.* 18  Kunyange zvazvo akanga asisina tariro, aiva nekutenda kwaibva patariro, kuti aizova baba vemarudzi mazhinji maererano nezvakanga zvataurwa, kuti: “Ndizvo zvichaita vana* vako.”+ 19  Uye kunyange zvazvo asina kupera simba pakutenda, akafunga nezvemuviri wake, uyo wakanga watoita sewakafa (sezvo akanga ava nemakore angasvika 100),+ uyewo kufa kwechibereko chaSara.*+ 20  Asi nezvaakanga avimbiswa naMwari, haana kuzununguka pakutenda; asi akasimbiswa nekutenda kwake, akakudza Mwari 21  aine chokwadi chakazara chekuti Mwari aikwanisa kuita zvaakanga avimbisa.+ 22  Saka “akanzi akarurama.”+ 23  Asi shoko rekuti “akanzi” harina kungonyorerwa iye chete;+ 24  rakanyorerwawo isu tichanzi vakarurama, nekuti tinotenda muna iye akamutsa Jesu Ishe wedu kuvakafa.+ 25  Mwari akabvumira kuti aurayiwe nekuda kwezvitadzo zvedu+ uye akamumutsa kuti tinzi takarurama.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “zvakakanganwirwa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “anoita kuti zvinhu zvisipo zvivepo.”
ChiGir., “mbeu.”
Kana kuti “kushaya mbereko kwaSara.”