Vatongi 17:1-13
-
Zvidhori zvaMika nemupristi wake (1-13)
17 Kwaiva nemumwe murume wekunyika ine makomo yaEfremu+ ainzi Mika.
2 Akati kuna amai vake: “Ndini ndine masirivha 1 100 amakashaya, mukataura mashoko ekutuka nezvawo, ini ndikanzwa mashoko acho. Ndini ndakaatora.” Amai vake vakabva vati: “Jehovha ngaakomborere mwanakomana wangu.”
3 Saka akadzorera amai vake masirivha acho 1 100, asi amai vake vakati: “Ndichapa* Jehovha sirivha yacho ichibva muruoko rwangu kuti mwanakomana wangu aishandise pakugadzira mufananidzo wakavezwa uye mufananidzo wesimbi.*+ Ndava kuidzorera kwauri.”
4 Pashure pekunge adzorera sirivha yacho kuna amai vake, amai vake vakatora masirivha 200 vakaapa mupfuri wesirivha. Akagadzira mufananidzo wakavezwa uye mufananidzo wesimbi.* Mifananidzo yacho yakabva yaiswa mumba maMika.
5 Murume uyu Mika aiva neimba yaiva navanamwari. Akagadzira efodhi*+ uye zvidhori,*+ akagadza mumwe wevanakomana vake, kuti ashande semupristi wake.+
6 Mumazuva iwayo, muIsraeri makanga musina mambo.+ Munhu aiita zvaaifunga kuti ndizvo zvakarurama.*+
7 Paiva nemumwe murume wechidiki wekuBhetrehema+ iri muJudha aiva wemhuri yaJudha. Aiva muRevhi+ uye akanga ava nenguva yakati achigara imomo.
8 Murume wacho akabuda muguta reBhetrehema iri muJudha kuti anotsvaga pekugara. Paaifamba, akasvika munyika ine makomo yaEfremu, kumba kwaMika.+
9 Mika akabva ati kwaari: “Unobvepi?” Iye akati: “Ndiri muRevhi wekuBhetrehema iri muJudha, ndiri kuenda kunotsvaga nzvimbo yekugara.”
10 Mika akati kwaari: “Gara neni uve chipangamazano* nemupristi wangu. Ndichakupa masirivha 10 pagore nenguo nezvekudya zvako.” Saka muRevhi wacho akabva apinda.
11 MuRevhi wacho akabvuma kugara naMika, akava semumwe wevanakomana vake.
12 Mika akagadzawo muRevhi wacho kuti ave mupristi wake+ uye akagara mumba maMika.
13 Mika akabva ati: “Ndava kuziva kuti Jehovha achandiitira zvakanaka, nekuti muRevhi uyu ava mupristi wangu.”
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “Ndichatsvenesa.”
^ Kana kuti “wesimbi yakanyungudutswa.”
^ Kana kuti “wesimbi yakanyungudutswa.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “vanamwari vemumba; materafimu.”
^ Kana kuti “zvakarurama mumaziso ake.”
^ Kana kuti “baba.”