Zefaniya 1:1-18
1 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Zefaniya* mwanakomana waKushi mwanakomana waGedhariya mwanakomana waAmariya mwanakomana waHezekiya mumazuva aJosiya+ mwanakomana waAmone+ mambo weJudha:
2 “Ndichaparadza zvinhu zvese panyika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+
3 “Ndichaparadza vanhu nemhuka.
Ndichaparadza shiri dzedenga nehove dzegungwa;+Ndichaparadza zvinhu zvinotsausa,*+ pamwe chete nevanhu vakaipa;Uye ndichabvisa vanhu panyika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
4 “Ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndirwise JudhaNevagari vese vemuJerusarema,Uye ndichabvisa munzvimbo ino kanhu kese kane chekuita naBhaari,+Pamwe chete nevapristi, nezita revapristi vamwari wekune imwe nyika,+
5 Nevaya vanokotamira mauto ekudenga vari pamatenga edzimba,+Nevaya vanopfugama vachipika kuti havasiyi Jehovha+Ukuwo vachipika kuti havasiyi Marikamu;+
6 Nevaya vanorega kutevera Jehovha,+Uye vasingatsvagi Jehovha kana kumubvunza.”+
7 Nyararai pamberi paChangamire Ishe Jehovha, nekuti zuva raJehovha rava pedyo.+
Jehovha agadzirira chibayiro; atsvenesa vaya vaakakoka.
8 “Pazuva rechibayiro chaJehovha ndichatonga machinda,Nevanakomana vamambo,+ nevanhu vese vakapfeka nguo dzekune imwe nyika.
9 Zuva iroro ndichatonga vanhu vese vanokwira pachikuva,*Vaya vanozadza imba yatenzi wavo nemhirizhonga nekunyengera.
10 Zuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,“KuGedhi reHove kuchanzwika inzwi richishevedzera,+KuRutivi Rutsva rweguta kucharidzwa mhere,+Uye kuzvikomo kuchava neruzha rukuru.
11 Chemai imi vagari vemuMakteshi,*Nekuti vanhu vese vanotengesa zvinhu vaparadzwa;Vese vaya vanoyera sirivha vaparadzwa.
12 Panguva iyoyo ndichanyatsotarisa muJerusarema ndiine marambi,Uye ndichatonga vanhu vasingatirimuki,* vaya vanoti mumwoyo mavo,‘Jehovha haazoiti zvakanaka, uye haazoiti zvakaipa.’+
13 Pfuma yavo ichapambwa uye dzimba dzavo dzichaparadzwa.+
Vachavaka dzimba, asi havazodzigari;Uye vachadyara minda yemizambiringa, asi havazonwi waini yacho.+
14 Zuva guru raJehovha rava pedyo!+
Rava pedyo, uye riri kukurumidza kusvika!+
Ruzha rwezuva raJehovha runoshungurudza.+
Pazuva iroro murwi ane simba achachema.+
15 Zuva iroro izuva rekushatirwa kukuru,+Zuva rekutambudzika uye rekunetseka,+Zuva redutu uye rekuparadzwa,Zuva rerima uye rakasviba,+Zuva remakore uye rerima gobvu,+
16 Zuva rekuridzwa kwehwamanda nerekushevedzera kwevarwi,+Vachirwisa maguta akakomberedzwa nemasvingo uye shongwe refu dzemumakona.+
17 Ndichaita kuti vanhu vatambudzike,Uye vachafamba semapofu,+Nekuti vakatadzira Jehovha.+
Ropa ravo richadururwa sevhu,Uye nyama yavo* sendove.+
18 Sirivha yavo negoridhe ravo hazvizokwanisi kuvaponesa pazuva rekushatirwa kwaJehovha;+Nekuti nyika yese ichaparadzwa nekushingaira kwake kwakaita semoto,+Achaparadza vagari vese vepanyika, achavaparadza zvinotyisa.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kureva kuti “Jehovha Avanza (Achengetedza).”
^ Zvinoratidza sekuti pari kureva zvinhu kana kuti mabasa ane chekuita nekunamata zvidhori.
^ Zvingava zvichireva chikuva chaiva nechigaro chamambo.
^ Zvinoita sekuti ichi chaiva chikamu cheJerusarema chaiva pedyo neGedhi reHove.
^ Kana kuti “vaya vakaita sewaini yakagadzikana pamasese.”
^ ChiHeb., “ura hwavo.”