Zefaniya 1:1-18

  • Zuva raJehovha rekutonga rava pedyo (1-18)

    • Zuva raJehovha riri kukurumidza kusvika (14)

    • Sirivha negoridhe hazviponesi (18)

1  Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Zefaniya* mwanakomana waKushi mwanakomana waGedhariya mwanakomana waAmariya mwanakomana waHezekiya mumazuva aJosiya+ mwanakomana waAmone+ mambo weJudha:   “Ndichaparadza zvinhu zvese panyika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+   “Ndichaparadza vanhu nemhuka. Ndichaparadza shiri dzedenga nehove dzegungwa;+Ndichaparadza zvinhu zvinotsausa,*+ pamwe chete nevanhu vakaipa;Uye ndichabvisa vanhu panyika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.   “Ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndirwise JudhaNevagari vese vemuJerusarema,Uye ndichabvisa munzvimbo ino kanhu kese kane chekuita naBhaari,+Pamwe chete nevapristi, nezita revapristi vamwari wekune imwe nyika,+   Nevaya vanokotamira mauto ekudenga vari pamatenga edzimba,+Nevaya vanopfugama vachipika kuti havasiyi Jehovha+Ukuwo vachipika kuti havasiyi Marikamu;+   Nevaya vanorega kutevera Jehovha,+Uye vasingatsvagi Jehovha kana kumubvunza.”+   Nyararai pamberi paChangamire Ishe Jehovha, nekuti zuva raJehovha rava pedyo.+ Jehovha agadzirira chibayiro; atsvenesa vaya vaakakoka.   “Pazuva rechibayiro chaJehovha ndichatonga machinda,Nevanakomana vamambo,+ nevanhu vese vakapfeka nguo dzekune imwe nyika.   Zuva iroro ndichatonga vanhu vese vanokwira pachikuva,*Vaya vanozadza imba yatenzi wavo nemhirizhonga nekunyengera. 10  Zuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,“KuGedhi reHove kuchanzwika inzwi richishevedzera,+KuRutivi Rutsva rweguta kucharidzwa mhere,+Uye kuzvikomo kuchava neruzha rukuru. 11  Chemai imi vagari vemuMakteshi,*Nekuti vanhu vese vanotengesa zvinhu vaparadzwa;Vese vaya vanoyera sirivha vaparadzwa. 12  Panguva iyoyo ndichanyatsotarisa muJerusarema ndiine marambi,Uye ndichatonga vanhu vasingatirimuki,* vaya vanoti mumwoyo mavo,‘Jehovha haazoiti zvakanaka, uye haazoiti zvakaipa.’+ 13  Pfuma yavo ichapambwa uye dzimba dzavo dzichaparadzwa.+ Vachavaka dzimba, asi havazodzigari;Uye vachadyara minda yemizambiringa, asi havazonwi waini yacho.+ 14  Zuva guru raJehovha rava pedyo!+ Rava pedyo, uye riri kukurumidza kusvika!+ Ruzha rwezuva raJehovha runoshungurudza.+ Pazuva iroro murwi ane simba achachema.+ 15  Zuva iroro izuva rekushatirwa kukuru,+Zuva rekutambudzika uye rekunetseka,+Zuva redutu uye rekuparadzwa,Zuva rerima uye rakasviba,+Zuva remakore uye rerima gobvu,+ 16  Zuva rekuridzwa kwehwamanda nerekushevedzera kwevarwi,+Vachirwisa maguta akakomberedzwa nemasvingo uye shongwe refu dzemumakona.+ 17  Ndichaita kuti vanhu vatambudzike,Uye vachafamba semapofu,+Nekuti vakatadzira Jehovha.+ Ropa ravo richadururwa sevhu,Uye nyama yavo* sendove.+ 18  Sirivha yavo negoridhe ravo hazvizokwanisi kuvaponesa pazuva rekushatirwa kwaJehovha;+Nekuti nyika yese ichaparadzwa nekushingaira kwake kwakaita semoto,+Achaparadza vagari vese vepanyika, achavaparadza zvinotyisa.”+

Mashoko Emuzasi

Kureva kuti “Jehovha Avanza (Achengetedza).”
Zvinoratidza sekuti pari kureva zvinhu kana kuti mabasa ane chekuita nekunamata zvidhori.
Zvingava zvichireva chikuva chaiva nechigaro chamambo.
Zvinoita sekuti ichi chaiva chikamu cheJerusarema chaiva pedyo neGedhi reHove.
Kana kuti “vaya vakaita sewaini yakagadzikana pamasese.”
ChiHeb., “ura hwavo.”