Zefaniya 3:1-20

  • Jerusarema iguta rekupanduka uye rakasvibiswa (1-7)

  • Mutongo uye kufarirwazve (8-20)

    • Marudzi anopiwa mutauro wakachena (9)

    • Vanhu vanozvininipisa nevakaderera vachaponeswa (12)

    • Jehovha achafarira Ziyoni zvikuru (17)

3  Rine nhamo guta rekupanduka, guta rakasvibiswa uye rine udzvinyiriri!+   Harina kuteerera;+ harina kubvuma kurayirwa.+ Harina kuvimba naJehovha;+ harina kuswedera pedyo naMwari waro.+   Machinda aro ishumba dzinodzvova.+ Vatongi varo imhumhi dzinovhima usiku;Kunze kunozoyedza vasisina kana pfupa rekun’en’ena.   Vaprofita varo varume vanozvikudza uye vanonyengera.+ Vapristi varo vanosvibisa zvinhu zvitsvene;+Vanotyora mutemo.+   Jehovha akarurama pakati pavo;+ haaiti zvakaipa. Anozivisa mitongo yake mangwanani ega ega,+Iyo yakaita sechiedza chezuva chisingaregi kuuya. Asi munhu asina kururama haatombonyari.+   “Ndakaparadza marudzi; uye shongwe dzawo dzepamakona dzakasara dzava matongo. Ndakaparadza migwagwa yawo, zvekuti hapana munhu aipfuura nemo. Maguta awo akasiyiwa ava matongo, asina munhu anogara maari.+   Ndakati kuguta racho, ‘Chokwadi uchanditya wobvuma kutsiurwa,’*+ Ndichiitira kuti rirege kuparadzwa;+(Nekuti ndinofanira kuritonga* nemhaka yezvinhu zvese izvi.) Asi ivo ndipo pavakatowedzera kuita zvakaipa.+   ‘Saka rambai makandimirira,’*+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,‘Kusvikira pazuva randichasimuka kuti ndipambe,*Nekuti ndakasarudza kuti ndiunganidze marudzi neumambo,Kuti ndidururire hasha dzangu paari, iko kutsamwa kwangu kwese;+Nekuti nyika yese ichaparadzwa nekushingaira kwangu kwakaita semoto.+   Nekuti panguva iyoyo ndichachinja mutauro wemarudzi, ndoapa mutauro wakachena,Kuti ese zvawo adane zita raJehovha,Uye kuti amushumire akabatana.’+ 10  Kubva kunharaunda yenzizi dzeItiopiya,Vaya vanoteterera kwandiri, iye mwanasikana wevanhu vangu vakapararira, vachandiunzira chipo.+ 11  Pazuva iroro hauzonyadziswiNezvinhu zvese zvawakaita uchindipandukira,+Nekuti panguva iyoyo ndichabvisa vanhu vanozvikudza pakati pako;Uye hauzombozvikudzizve mugomo rangu dzvene.+ 12  Ndichaita kuti vanhu vanozvininipisa nevakaderera varambe vari pakati pako,+Uye vachapotera muzita raJehovha. 13  Vanhu vachasara pavaIsraeri+ havazoiti zvakaipa;+Havazorevi nhema, kana kutaura mashoko ekunyengera;Vachadya vorara pasi, uye achavatyisa.”+ 14  Shevedzera uchifara, iwe mwanasikana weZiyoni! Shevedzera nemufaro, iwe Israeri!+ Fara, upembere nemufaro nemwoyo wako wese, iwe mwanasikana weJerusarema!+ 15  Jehovha abvisa mitongo yawakapiwa.+ Adzinga muvengi wako.+ Jehovha Mambo weIsraeri anewe.+ Hauzotyizve dambudziko.+ 16  Zuva iroro Jerusarema richaudzwa kuti: “Usatya iwe Ziyoni.+ Maoko ako ngaarege kupera simba. 17  Jehovha Mwari wako anewe.+ Achaponesa nekuti ane simba. Achakufarira zvikuru.+ Achazorodzwa* nekuti anenge akuratidza rudo. Achakufarira achishevedzera nemufaro. 18  Ndichaunganidza vaya vari kurwadziwa nekuti havana kuuya kumitambo yako;+Vakatadza kuuya nekuti vainge vatapwa, vachizvidzwa kune imwe nyika.+ 19  Panguva iyoyo ndicharwisa vese vari kukudzvinyirira;+Ndichaponesa ari kukamhina,+Uye ndichaunganidza vakapararira.+ Ndichaita kuti varumbidzwe uye kuti vave nemukurumbiraMunyika dzese dzavainyadziswa. 20  Panguva iyoyo ndichakudzosai,Ndichakuunganidzai. Nekuti ndichaita kuti muve nemukurumbira uye kuti murumbidzwe+ nemarudzi ese epanyika,Pamuchaona ndichidzosa hama dzenyu dzakatapwa,” anodaro Jehovha.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “kurayirwa.”
Kana kuti “kuriranga.”
Kana kuti “ndimirirei nemwoyo murefu.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “randichasimuka kuti ndive chapupu.”
Kana kuti “Achanyarara; Achafara.”