Zekariya 1:1-21

  • Kukumbirwa kuti vadzoke kuna Jehovha (1-6)

    • ‘Dzokai kwandiri uye ini ndichadzoka kwamuri’ (3)

  • Chiratidzo 1: Vatasvi vemabhiza pakati pemiti yemikute (7-17)

    • “Jehovha achanyaradzazve Ziyoni” (17)

  • Chiratidzo 2: Nyanga ina nemhizha ina (18-21)

1  Mumwedzi wechi8 wegore rechipiri raDhariyasi,+ shoko raJehovha rakauya kumuprofita Zekariya*+ mwanakomana waBherekiya mwanakomana waIdho, richiti:  “Jehovha akatsamwira madzibaba enyu kwazvo.+  “Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “‘Dzokai kwandiri,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, ‘uye ini ndichadzoka kwamuri,’+ anodaro Jehovha wemauto.”’  “‘Regai kuita semadzibaba enyu ayo akaudzwa nevaprofita vekare kuti: “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Ndapota siyai nzira dzenyu dzakaipa nemabasa enyu akaipa.’”’+ “‘Asi iwo haana kuteerera kana kundinzwa,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.  “‘Madzibaba enyu ari kupi iye zvino? Uye vaprofita vacho vakararama nekusingaperi here?  Asi mashoko angu nemirau yangu zvandakarayira vashumiri vangu vaprofita, hazvina kuitika here kumadzibaba enyu?’+ Vakabva vadzoka kwandiri vakati: ‘Jehovha wemauto atiitira zvinoenderana nenzira dzedu uye nemabasa edu, sezvaakasarudza.’”+  Pazuva rechi24 remwedzi wechi11, kureva mwedzi waShebhati,* mugore rechipiri raDhariyasi,+ shoko raJehovha rakauya kumuprofita Zekariya mwanakomana waBherekiya mwanakomana waIdho, richiti:  “Ndakaona chiratidzo usiku. Paiva nemurume akanga akatasva bhiza dzvuku, uye akaramba akamira pakati pemiti yemikute yaiva mugoronga; uye shure kwake kwaiva nemabhiza matsvuku, neakatsvukuruka, nemachena.”  Saka ndakati: “Ishe wangu, ava ndivanaani?” Ngirozi yaitaura neni yakabva yati kwandiri: “Ndichakuratidza kuti ndivanaani.” 10  Murume akanga akamira pakati pemiti yemikute akabva ati: “Ava ndivo vatumwa naJehovha kuti vafambe panyika.” 11  Ivo vakabva vati kungirozi yaJehovha yakanga yakamira pakati pemiti yemikute: “Tafamba munyika, uye taona kuti nyika yese ine runyararo uye haina chiri kunetsa.”+ 12  Saka ngirozi yaJehovha yakati: “Jehovha wemauto, muchasvika riini musinganzwiri guta reJerusarema nemaguta eJudha tsitsi,+ ayo amakatsamwira kwemakore aya 70?”+ 13  Jehovha akapindura ngirozi yakanga ichitaura neni, nemashoko akanaka uye anonyaradza. 14  Ngirozi yakanga ichitaura neni yakabva yati kwandiri: “Shevedzera uchiti, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Ndiri kushingairira Jerusarema neZiyoni zvikuru.+ 15  Ndakatsamwira kwazvo marudzi akagara zvakanaka,+ nekuti ndakanga ndisina kutsamwira vanhu vangu zvakanyanya,+ asi iwo akavatambudza zvakanyanyisa.”’+ 16  “Saka zvanzi naJehovha: ‘“Ndichadzoka kuJerusarema uye ndicharinzwira tsitsi,+ uye imba yangu ichavakwa mariri,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, “uye Jerusarema richatambanudzirwa tambo yekuriyera pamusoro paro.”’+ 17  “Shevedzerazve uchiti, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Maguta angu achafashukirazve nezvakanaka; uye Jehovha achanyaradzazve Ziyoni,+ osarudzazve Jerusarema.”’”+ 18  Ndakabva ndasimudza musoro ndikaona nyanga ina.+ 19  Saka ndakati kungirozi yakanga ichitaura neni: “Nyanga idzi dziri kumiririrei?” Iyo ikapindura kuti: “Idzi ndidzo nyanga dzakaita kuti vanhu veJudha,+ neIsraeri+ neJerusarema vapararire.”+ 20  Jehovha akabva andiratidza mhizha ina. 21  Ndakabva ndati: “Ko ava vari kuuya kuzoitei?” Iye akati: “Idzi ndidzo nyanga dzakaita kuti vaJudha vapararire zvekuti hapana akakwanisa kusimudza musoro. Asi vamwe ava vachauya kuzodzityisa, kuzowisira pasi nyanga dzemarudzi akasimudzira nyika yeJudha nyanga dzawo achiirwisa, kuti vanhu vayo vapararire.”

Mashoko Emuzasi

Kureva kuti “Jehovha Ayeuka.”