Zekariya 10:1-12

  • Kumbirai Jehovha kuti akunayisirei mvura, kwete vanamwari venhema (1, 2)

  • Jehovha anobatanidza vanhu vake (3-12)

    • Mutungamiriri anobva kuimba yaJudha (3, 4)

10  “Kumbirai Jehovha kuti akunayisirei mvura panguva yemasutso.* Jehovha ndiye anoita kuti pave nemakore emvura ine dutu,Ndiye anovanayisira mvura,+Uye ndiye anopa vese zvinomera mumunda.   Nekuti zvidhori zvakataura* nhema;*Uye vanofembera vakaona zvinhu zvenhema. Vanotaura hope dzenhema,Uye vanoedza kunyaradza asi hazvibatsiri. Ndokusaka vachadzungaira semakwai. Vachatambudzika, nekuti hapana mufudzi.   Ndakatsamwira vafudzi kwazvo,Uye ndichatonga vatungamiriri vane udzvinyiriri;*Nekuti Jehovha wemauto afunga makwai ake,+ iyo imba yaJudha,Uye aita kuti vaite sebhiza rake rinodadisa muhondo.   Kwaari ndiko kunobva mutungamiriri,*Kwaari ndiko kunobva mutongi* anomutsigira,Kwaari ndiko kunobva uta hwehondo;Kwaari ndiko kunobva vatariri vese;* vese zvavo vanobva kwaari.   Vachaita sevarwi vane simba,Vachitsika-tsika matope emumigwagwa muhondo. Vacharwa, nekuti Jehovha anavo;+Uye vatasvi vemabhiza vachanyadziswa.+   Ndichaita kuti imba yaJudha ive nesimba,Uye ndichaponesa imba yaJosefa.+ Ndichavadzosa,Nekuti ndichavanzwira tsitsi;+Uye vachaita sevanhu vandisina kumbobvira ndarasa;+Nekuti ndini Jehovha Mwari wavo, uye ndichavapindura.   Vanhu vekwaEfremu vachaita semurwi ane simba,Uye mwoyo yavo ichafara sevanhu vanwa waini.+ Vanakomana vavo vachazviona vofara;Mwoyo yavo ichafara muna Jehovha.+   ‘Ndichavaridzira muridzo ndovaunganidza;Nekuti ndichavadzikinura,+ uye vachava vazhinji,Voramba vachiwanda.   Kunyange ndichivamwaya pakati pemarudzi sembeu,Vachandiyeuka vari kunzvimbo dziri kure;Ivo nevanakomana vavo vachavazve nesimba, vodzoka. 10  Ndichavadzosa kubva kunyika yeIjipitiUye ndichavaunganidza kubva kuAsiriya;+Ndichavaunza munyika yeGiriyedhi+ neRebhanoni,Uye vachange vasisina nzvimbo inovakwanira.+ 11  Anofanira kupfuura nemugungwa, oritambudza;Uye acharova mafungu mugungwa;+Mvura yakadzika iri muna Nire ichaoma. Asiriya inozvikudza ichaninipiswa,Uye tsvimbo yeumambo yeIjipiti ichabva.+ 12  Ini Jehovha ndichaita kuti vave nesimba,+Uye vachafamba nezita rangu,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”

Mashoko Emuzasi

Masutso inguva yegore apo zvirimwa zvinenge zvava kuda kudyiwa.
Kana kuti “vanamwari vemumba vakataura; materafimu akataura.”
Kana kuti “zvinhu zvisinganzwisisiki.”
ChiHeb., “ndichatonga nhongo.”
ChiHeb., “shongwe yepakona,” zvichiratidza kuti munhu anokosha; ishe.
ChiHeb., “hoko,” zvichiratidza kuti anotsigisa; mutongi.
Kana kuti “vakuru vese vebasa.”