Zekariya 11:1-17

  • Zvinhu zvinokonzerwa nekuramba mufudzi akanaka waMwari (1-17)

    • “Fudza makwai ari kungochengeterwa kuurayiwa” (4)

    • Tsvimbo mbiri: Kufarirwa naKubatana (7)

    • Mubhadharo wemufudzi: masirivha 30 (12)

    • Mari yacho inokandwa munzvimbo inochengeterwa pfuma (13)

11  “Vhura masuo ako, iwe Rebhanoni,Kuti moto uparadze misidhari yako.   Ridza mhere iwe mujunipa, nekuti musidhari wadonha;Miti mikuru yaparadzwa! Ridzai mhere imi mioku yekuBhashani,Nekuti sango rizere miti raparara!   Inzwai! Vafudzi vari kuridza mhere,Nekuti kukudzwa kwavo kwaparara. Inzwai! Shumba dzine simba* dziri kudzvova,Nekuti mabvokocho esango ekuJodhani aparadzwa.  “Zvanzi naJehovha Mwari wangu, ‘Fudza makwai ari kungochengeterwa kuurayiwa,+  ayo anourayiwa nevanoatenga+ asi vasingapiwi mhosva. Vaya vanoatengesa+ vanoti, “Jehovha ngaarumbidzwe, nekuti ndichapfuma.” Vafudzi vawo havaanzwiri tsitsi.’+  “‘Nekuti handizonzwirizve tsitsi vagari vemunyika yacho,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. ‘Saka ndichaita kuti munhu wese adzvinyirirwe nemumwe wake uye namambo wake; vachaparadza nyika yacho, uye ini handizovanunuri muruoko rwavo.’”  Ndakatanga kufudza makwai aingochengeterwa kuurayiwa,+ kuti ndikubatsirei imi makwai anotambudzika. Saka ndakatora tsvimbo mbiri ndikatumidza imwe kuti Kufarirwa, imwe ndikaiti Kubatana,+ ndikatanga kufudza makwai acho.  Mumwedzi mumwe chete ndakadzinga vafudzi vatatu, nekuti ndainge ndaneta navo, uye naivowo vaindivenga.  Uye ndakati: “Handicharambi ndichikufudzai. Riri kufa ngarife uye riri kuparara ngariparare. Anenge asara ngaadyanane.” 10  Ndakabva ndatora tsvimbo yangu yainzi Kufarirwa,+ ndikaityora-tyora, ndichiputsa sungano yangu yandakanga ndaita nevanhu vacho vese. 11  Saka yakaputswa zuva iroro, uye makwai aitambudzika ainge akanditarisa akaziva kuti raiva shoko raJehovha. 12  Ndakabva ndati kwavari: “Kana zvichiita ndipei mubhadharo wangu; asi kana zvisingaiti, regai zvenyu.” Vakabva vandibhadhara* masirivha 30.+ 13  Jehovha akabva ati kwandiri: “Akande munochengeterwa pfuma; ndiwo mutengo mukuru wavakafunga kuti wakandikodzera.”+ Saka ndakatora masirivha acho 30 ndikaakanda munochengeterwa pfuma paimba yaJehovha.+ 14  Ndakabva ndatyora-tyora tsvimbo yangu yainzi Kubatana,+ ndichidimbura ukama huri pakati paJudha naIsraeri.+ 15  Zvino Jehovha akati kwandiri: “Chitora midziyo yemufudzi asingabatsiri.+ 16  Nekuti ndiri kurega munyika yacho muchiva nemufudzi. Haazochengeti makwai ari kuparara;+ haazotsvagi aya achiri madiki kana kurapa aya akakuvara+ kana kupa zvekudya aya anokwanisa kumira. Asi anodya gwai rakakora+ uye anobvisa mahwanda emakwai.+ 17  Ane nhamo mufudzi wangu asina zvaanobatsira,+ ari kusiya makwai!+ Bakatwa richatema ruoko rwake neziso rake rekurudyi. Ruoko rwake rwese ruchaoma,Uye ziso rake rekurudyi richatadza kuona zvachose.”*

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Shumba dzava nezenze.”
ChiHeb., “vandiyerera.”
ChiHeb., “richadzima.”