Zekariya 12:1-14

  • Jehovha achadzivirira Judha neJerusarema (1-9)

    • Jerusarema, ‘dombo rinorema’ (3)

  • Kuchema uya akabayiwa (10-14)

12  Shoko rinokosha: “Iri ndiro shoko raJehovha pamusoro paIsraeri,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,Uyo akatambanudza denga,+Uye akavaka nheyo dzenyika,+Akasika upenyu huri mumunhu.*  “Ndiri kuita kuti Jerusarema rive kapu inoita kuti marudzi ese akaripoteredza adzedzereke; Judha ichakombwa uye Jerusarema richakombwawo.+  Zuva iroro ndichaita kuti Jerusarema rive dombo rinoremera marudzi ese. Vese vanorisimudza vachakuvadzwa zvakaipisisa;+ uye marudzi ese epanyika achauya kuzorirwisa.+  Zuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “ndichavhundutsa mabhiza ese uye ndichapengesa vatasvi vawo. Maziso angu acharamba ari paimba yaJudha, asi ndichapofumadza mabhiza ese emarudzi.  Madzishe eJudha achati mumwoyo mawo, ‘Vagari vemuJerusarema ndivo vanoita kuti ndive nesimba rinobva kuna Jehovha wemauto, Mwari wavo.’+  Zuva iroro ndichaita kuti madzishe eJudha aite sehari ine moto iri pakati pehuni uye sezhenje remoto riri pazvirimwa zvachekwa zvakarongwa mumutsetse,+ uye vachaparadza marudzi ese ari kurudyi uye ari kuruboshwe;+ uye vagari vemuJerusarema vachagarazve munzvimbo yavo, imo muJerusarema.+  “Jehovha achatanga aponesa matende aJudha, kuti runako rweimba yaDhavhidhi nerunako rwevagari vemuJerusarema rusanyanya kupfuura runako rwaJudha.  Zuva iroro Jehovha achadzivirira vagari vemuJerusarema kumativi ese;+ zuva iroro, munhu asina simba kupfuura vese* pakati pavo achaita saDhavhidhi, uye imba yaDhavhidhi ichaita saMwari, ichaita sengirozi yaJehovha iri kuvatungamirira.+  Uye zuva iroro handizoregi kuparadza marudzi ese anouya kuzorwisa Jerusarema.+ 10  “Ndichadururira mweya wenyasha newekuteterera paimba yaDhavhidhi nepavagari vemuJerusarema, uye vachatarisa uya wavakabaya,+ vomuchema sevari kuchema mwanakomana wavo mumwe chete; uye vachamuchema zvinopisa tsitsi sevari kuchema mwanakomana wedangwe. 11  Zuva iroro muJerusarema muchava nemhere huru, semhere yepaHadhadhirimoni muBani reMegidho.+ 12  Nyika icharidza mhere, mhuri imwe neimwe iri yega; mhuri yekwaDhavhidhi iri yega, uye vakadzi vemumhuri yacho vari vega; mhuri yekwaNatani+ iri yega, uye vakadzi vemumhuri yacho vari vega; 13  mhuri yekwaRevhi+ iri yega, uye vakadzi vemumhuri yacho vari vega; mhuri yevaShimei+ iri yega, uye vakadzi vemumhuri yacho vari vega; 14  nedzimwe mhuri dzese, mhuri imwe neimwe iri yega, uye vakadzi vemumhuri dzacho vari vega.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “mweya wekufema uri mumunhu.”
Kana kuti “uya ari kugumburwa achidonha.”