Zekariya 13:1-9

  • Kubviswa kwezvidhori uye vaprofita venhema (1-6)

    • Vaprofita venhema vachanyara (4-6)

  • Mufudzi acharohwa (7-⁠9)

    • Chikamu chechitatu chichanatswa (9)

13  “Zuva iroro vanhu veimba yaDhavhidhi nevagari vemuJerusarema vachachererwa tsime rekuvachenesa pachivi uye pazvinhu zvisina kuchena.+  “Zuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, “ndichadzima mazita ezvidhori munyika yacho+ uye hapana anozozvirangarira; ndichabvisawo vaprofita+ pamwe chete nemweya wetsvina munyika yacho.  Uye kana munhu akaprofitazve, baba vake naamai vake vakamubereka vachati kwaari, ‘Hausi kuzorarama, nekuti wataura nhema muzita raJehovha.’ Baba vake naamai vake vachamubayira kuprofita kwake.+  “Zuva iroro muprofita wese achanyara nezvaanooneswa paanoprofita; uye haazopfeki nguo yebasa yakagadzirwa nemvere+ kuti anyengere vanhu.  Achati, ‘Handisi muprofita. Ndiri murimi, nekuti pane akanditenga ndichiri mudiki.’  Uye kana mumwe munhu akamubvunza kuti, ‘Ko maronda aya ari pakati pemapfudzi ako* akakonzerwa nei?’ Iye achati, ‘Ndakakuvara ndiri mumba meshamwari dzangu.’”*   “Iwe bakatwa, muka urwise mufudzi wangu,+Urwise murume wandinoshamwaridzana naye,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto. “Rova mufudzi,+ makwai apararire;+Ndichasimudza ruoko rwangu ndichirwisa vaya vasingakoshi.”   “Munyika yacho yese,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,“Muchaurayiwa zvikamu zviviri zvevanhu, zvobva zvaparara;Uye muchasara muine chikamu chechitatu.   Ndichaita kuti chikamu chechitatu chipfuure nemumoto;Ndichavanatsa sekunatswa kunoitwa sirivha,Uye ndichavaedza sekuedzwa kunoitwa goridhe.+ Vachadana zita ranguUye ndichavapindura. Ndichati, ‘Ivo vanhu vangu,’+ Uye ivo vachati, ‘Jehovha ndiye Mwari wedu.’”

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “pakati pemaoko ako.” Kureva pachipfuva kana kuti kumusana.
Kana kuti “mevaya vanondida.”