Zekariya 2:1-13

  • Chiratidzo 3: Murume ainge akabata tambo yekuyeresa (1-13)

    • Jerusarema richayerwa (2)

    • Jehovha achava rusvingo “rwemoto kumativi ese” (5)

    • Kugunzva mboni yeziso raMwari (8)

    • “Marudzi mazhinji achauya kuna Jehovha” (11)

2  Ndakasimudza musoro ndikaona mumwe murume ainge akabata tambo yekuyeresa.+  Saka ndakati: “Uri kuenda kupi?” Iye akati: “Kunoyera Jerusarema, kuti ndione kufara kwaro nekureba kwaro.”+  Ngirozi yaitaura neni yakabva pandaiva, uye imwe ngirozi yakauya kuzosangana nayo.  Yakabva yati kwairi: “Mhanya unoudza jaya iro kuti, ‘“Jerusarema richagarwa+ semisha yekumaruwa,* nekuti vanhu vari mariri vachawanda uye zvipfuwo zviri mariri zvichawanda.+  Ini ndichava rusvingo rwaro rwemoto kumativi ese,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “uye kubwinya kwangu kuchava mariri.”’”+  “Uyai! Uyai! Budai munyika yekuchamhembe mutize,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. “Nekuti ndakakuparadzirai kumhepo ina dzekudenga,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.  “Uya iwe Ziyoni! Tiza iwe uri kugara nemwanasikana weBhabhironi.+  Nekuti Jehovha wemauto, uyo akapiwa rukudzo achibva andituma kumarudzi aikupambai ati:+ ‘Anokugunzvai anogunzva mboni yeziso rangu.+  Nekuti iye zvino ndichasimudza ruoko rwangu ndichivarwisa, uye vachapambwa nevaranda vavo.’+ Muchaziva kuti Jehovha wemauto andituma. 10  “Shevedzera nemufaro, iwe mwanasikana weZiyoni;+ nekuti ndiri kuuya,+ uye ndichagara mauri,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 11  “Zuva iroro marudzi mazhinji achauya kuna Jehovha,+ uye achava vanhu vangu; uye ndichagara mauri.” Uchaziva kuti Jehovha wemauto andituma kwauri. 12  Jehovha achaita kuti Judha ive mugove wake munyika tsvene, uye achasarudzazve Jerusarema.+ 13  Imi vanhu vese, nyararai pamberi paJehovha, nekuti abuda munzvimbo yake tsvene yaanogara kuti aite zvaakaronga.

Mashoko Emuzasi

Kureva kuti risina masvingo ekurikomberedza.