Zekariya 3:1-10

  • Chiratidzo 4: Mupristi mukuru anochinjwa nguo dzake (1-10)

    • Satani anorwisa Mupristi Mukuru Joshua (1)

    • ‘Ndichaunza mushumiri wangu anonzi Nhungirwa!’ (8)

3  Akabva andiratidza mupristi mukuru Joshua+ uyo ainge akamira pamberi pengirozi yaJehovha, uye Satani+ akanga akamira kuruoko rwerudyi rwaJoshua kuti amurwise.  Ngirozi yaJehovha yakabva yati kuna Satani: “Jehovha ngaakutuke, iwe Satani,+ chokwadi Jehovha uyo asarudza Jerusarema+ ngaakutuke! Murume uyu haasi danda ravhomorwa mumoto here?”  Zvino Joshua akanga akamira pamberi pengirozi, akapfeka nguo dzakasviba.  Ngirozi yakati kune vaya vakanga vakamira pamberi payo, “Mubvisei nguo dzakasviba.” Yakabva yati kwaari: “Hona, ndabvisa kukanganisa kwako* pauri, uye uchapfekedzwa nguo dzakanaka.”*+  Saka ndakati: “Ngavamupfekedze ngowani* yakachena.”+ Vakabva vamupfekedza ngowani yakachena, uye vakamupfekedzawo nguo; uye ngirozi yaJehovha yakanga yakamira pedyo.  Ngirozi yaJehovha yakabva yati kuna Joshua:  “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Kana ukafamba munzira dzangu, uye ukaita basa rako pamberi pangu, uchava mutongi muimba yangu+ uye uchachengeta* zvivanze zvangu; uye ndichakubvumira kuuya pane ava vakamira pano.’  “‘Inzwa, iwe Mupristi Mukuru Joshua, iwe neshamwari dzako dzinogara pamberi pako, nekuti varume ava vanotova chiratidzo; inzwa, ndiri kuunza mushumiri wangu+ anonzi Nhungirwa!+  Tarisa uone dombo randaisa pamberi paJoshua! Maziso manomwe ari padombo racho; uye ndiri kunyora pariri ndichiita zvekutemerera,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, ‘uye ndichabvisa mhosva yenyika iyoyo nezuva rimwe chete.’+ 10  “‘Zuva iroro,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, ‘mumwe nemumwe wenyu achashevedza muvakidzani wake kuti auye pasi pemuzambiringa wake uye pasi pemuonde wake.’”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “mhosva yako.”
Kana kuti “nguo dzepamutambo.”
Iri ijira raisungwa mumusoro richiita zvekumonererwa roita seheti.
Kana kuti “ucharinda.”