Zekariya 4:1-14
4 Ngirozi yakanga ichitaura neni yakadzoka, ikandimutsa sezvinoitwa munhu akarara.
2 Yakabva yati kwandiri: “Uri kuonei?”
Ini ndikati: “Ndiri kuona chigadziko chemarambi chakagadzirwa negoridhe chete,+ chine ndiro pamusoro. Pane marambi manomwe ari pachigadziko chacho,+ marambi manomwe; uye marambi acho, ayo ari pamusoro pechigadziko chacho ane pombi nomwe.
3 Pane miorivhi miviri iri pedyo nacho,+ mumwe uri kurudyi rwendiro uye mumwe uri kuruboshwe.”
4 Ndakabva ndabvunza ngirozi yakanga ichitaura neni kuti: “Ishe wangu, zvinhu izvi zvinorevei?”
5 Ngirozi yakanga ichitaura neni yakabva yati: “Hauzivi here kuti zvinhu izvi zvinorevei?”
Ini ndikati: “Handizivi, ishe wangu.”
6 Yakabva yati kwandiri: “Iri ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri: ‘“Hazviitwi neuto, kana nesimba,+ asi nemweya wangu,”+ anodaro Jehovha wemauto.
7 Uri chii, iwe gomo guru? Uchava nyika yakati sandara+ pamberi paZerubhabheri.+ Iye achabudisa dombo repamusoro uye pachange pachishevedzerwa kuti: “Rakanaka! Rakanaka chaizvo!”’”
8 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti:
9 “Maoko aZerubhabheri ndiwo avaka faundesheni yeimba iyi,+ uye maoko ake ndiwo achapedzisa imba yacho.+ Muchaziva kuti Jehovha wemauto akandituma kwamuri.
10 Nekuti ndiani ashora zuva rezvinhu zvidiki?*+ Nekuti vachafara uye vachaona Zerubhabheri akabata tambo yekururamisa mudhuri pakuvaka.* Maziso manomwe aya ndeaJehovha, uye maziso acho ari kutenderera nenyika yese.”+
11 Ndakabva ndaibvunza kuti: “Miorivhi miviri iyi iri kurudyi rwechigadziko chemarambi nekuruboshwe rwacho inorevei?”+
12 Ndakaibvunza kechipiri ndichiti: “Tumapazi* twemiorivhi miviri twuri kudurura mafuta akaita segoridhe achipinda nemupombi mbiri dzegoridhe tunorevei?”
13 Yakabva yati kwandiri: “Hauzivi here kuti zvinhu izvi zvinorevei?”
Ini ndikati: “Handizivi, ishe wangu.”
14 Iyo ikati: “Ava ndivo vakazodzwa vaviri vakamira pedyo naIshe wenyika yese.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “remavambo madiki?”
^ ChiHeb., “akabata dombo; akabata tini.”
^ Kureva, tumapazi twemuti twakazara nemichero.