Zekariya 4:1-14

  • Chiratidzo 5: Chigadziko chemarambi nemiorivhi miviri (1-14)

    • ‘Hazviitwi nesimba, asi nemweya wangu’ (6)

    • Musashora zuva rezvinhu zvidiki (10)

4  Ngirozi yakanga ichitaura neni yakadzoka, ikandimutsa sezvinoitwa munhu akarara.  Yakabva yati kwandiri: “Uri kuonei?” Ini ndikati: “Ndiri kuona chigadziko chemarambi chakagadzirwa negoridhe chete,+ chine ndiro pamusoro. Pane marambi manomwe ari pachigadziko chacho,+ marambi manomwe; uye marambi acho, ayo ari pamusoro pechigadziko chacho ane pombi nomwe.  Pane miorivhi miviri iri pedyo nacho,+ mumwe uri kurudyi rwendiro uye mumwe uri kuruboshwe.”  Ndakabva ndabvunza ngirozi yakanga ichitaura neni kuti: “Ishe wangu, zvinhu izvi zvinorevei?”  Ngirozi yakanga ichitaura neni yakabva yati: “Hauzivi here kuti zvinhu izvi zvinorevei?” Ini ndikati: “Handizivi, ishe wangu.”  Yakabva yati kwandiri: “Iri ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri: ‘“Hazviitwi neuto, kana nesimba,+ asi nemweya wangu,”+ anodaro Jehovha wemauto.  Uri chii, iwe gomo guru? Uchava nyika yakati sandara+ pamberi paZerubhabheri.+ Iye achabudisa dombo repamusoro uye pachange pachishevedzerwa kuti: “Rakanaka! Rakanaka chaizvo!”’”  Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti:  “Maoko aZerubhabheri ndiwo avaka faundesheni yeimba iyi,+ uye maoko ake ndiwo achapedzisa imba yacho.+ Muchaziva kuti Jehovha wemauto akandituma kwamuri. 10  Nekuti ndiani ashora zuva rezvinhu zvidiki?*+ Nekuti vachafara uye vachaona Zerubhabheri akabata tambo yekururamisa mudhuri pakuvaka.* Maziso manomwe aya ndeaJehovha, uye maziso acho ari kutenderera nenyika yese.”+ 11  Ndakabva ndaibvunza kuti: “Miorivhi miviri iyi iri kurudyi rwechigadziko chemarambi nekuruboshwe rwacho inorevei?”+ 12  Ndakaibvunza kechipiri ndichiti: “Tumapazi* twemiorivhi miviri twuri kudurura mafuta akaita segoridhe achipinda nemupombi mbiri dzegoridhe tunorevei?” 13  Yakabva yati kwandiri: “Hauzivi here kuti zvinhu izvi zvinorevei?” Ini ndikati: “Handizivi, ishe wangu.” 14  Iyo ikati: “Ava ndivo vakazodzwa vaviri vakamira pedyo naIshe wenyika yese.”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “remavambo madiki?”
ChiHeb., “akabata dombo; akabata tini.”
Kureva, tumapazi twemuti twakazara nemichero.