Zekariya 5:1-11
5 Ndakasimudzazve musoro ndikaona gwaro* raibhururuka.
2 Ngirozi yacho yakati kwandiri: “Uri kuonei?”
Ini ndikati: “Ndiri kuona gwaro riri kubhururuka, rakareba makubhiti* 20, uye rakafara makubhiti 10.”
3 Yakabva yati kwandiri: “Uku ndiko kutuka kuri kuenda panyika yese, nekuti vanhu vese vari kuba+ havasi kurangwa kunyange zvazvo rimwe divi regwaro racho rakanyorwa kuti vanofanira kurangwa; uye vanhu vese vari kupika mhiko+ havasi kurangwa, kunyange zvazvo rimwe divi raro rakanyorwa kuti vanofanira kurangwa.
4 ‘Ndatuma kutuka kwacho,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, ‘uye kuchapinda muimba yembavha nemuimba yeuya anoita mhiko yenhema muzita rangu; uye kuchagara muimba yacho, kwoiparadza iyo nematanda ayo nematombo ayo.’”
5 Ngirozi yaitaura neni yakabva yauya ikati kwandiri: “Simudza musoro uone chiri kubuda icho.”
6 Ndakabva ndati: “Chii ichocho?”
Iyo ikati: “Uyu ndiwo mudziyo weefa* uri kubuda.” Yakabva yati: “Uku ndiko kutaridzika kwavo munyika yese.”
7 Zvino ndakaona kuti chivharo cheraundi chakagadzirwa nemutobvu chakasimudzwa, uye mumudziyo wacho maiva nemukadzi ainge akagara.
8 Yakabva yati: “Uyu ndiye anonzi Uipi.” Yakabva yamudzorera mumudziyo wacho weefa, ikauvhara nechivharo chacho chemutobvu.
9 Ndakasimudza musoro ndikaona kuchiuya vakadzi vaviri vachibhururuka mumhepo. Vaiva nemapapiro akaita seeshuramurove. Vakasimudza mudziyo wacho vakaenda nawo pakati pematenga nenyika.
10 Saka ndakabvunza ngirozi yakanga ichitaura neni kuti: “Vari kuenda kupi nemudziyo weefa?”
11 Yakapindura kuti: “Kunyika yeShinari*+ kunomuvakira imba; uye kana yapera, mukadzi wacho achaiswa ikoko, kunzvimbo yake yakamukodzera.”
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
^ ChiHeb., “Iyi ndiyo efa,” kureva mudziyo kana kuti tswanda yaishandiswa kuyera uwandu hunosvika efa. Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
^ Kureva, Bhabhironia.