Zekariya 5:1-11

  • Chiratidzo 6: Gwaro riri kubhururuka (1-4)

  • Chiratidzo 7: Mudziyo weefa (5-11)

    • Mukadzi ari mukati macho anonzi Uipi (8)

    • Mudziyo wacho unoendeswa kuShinari (9-11)

5  Ndakasimudzazve musoro ndikaona gwaro* raibhururuka.  Ngirozi yacho yakati kwandiri: “Uri kuonei?” Ini ndikati: “Ndiri kuona gwaro riri kubhururuka, rakareba makubhiti* 20, uye rakafara makubhiti 10.”  Yakabva yati kwandiri: “Uku ndiko kutuka kuri kuenda panyika yese, nekuti vanhu vese vari kuba+ havasi kurangwa kunyange zvazvo rimwe divi regwaro racho rakanyorwa kuti vanofanira kurangwa; uye vanhu vese vari kupika mhiko+ havasi kurangwa, kunyange zvazvo rimwe divi raro rakanyorwa kuti vanofanira kurangwa.  ‘Ndatuma kutuka kwacho,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, ‘uye kuchapinda muimba yembavha nemuimba yeuya anoita mhiko yenhema muzita rangu; uye kuchagara muimba yacho, kwoiparadza iyo nematanda ayo nematombo ayo.’”  Ngirozi yaitaura neni yakabva yauya ikati kwandiri: “Simudza musoro uone chiri kubuda icho.”  Ndakabva ndati: “Chii ichocho?” Iyo ikati: “Uyu ndiwo mudziyo weefa* uri kubuda.” Yakabva yati: “Uku ndiko kutaridzika kwavo munyika yese.”  Zvino ndakaona kuti chivharo cheraundi chakagadzirwa nemutobvu chakasimudzwa, uye mumudziyo wacho maiva nemukadzi ainge akagara.  Yakabva yati: “Uyu ndiye anonzi Uipi.” Yakabva yamudzorera mumudziyo wacho weefa, ikauvhara nechivharo chacho chemutobvu.  Ndakasimudza musoro ndikaona kuchiuya vakadzi vaviri vachibhururuka mumhepo. Vaiva nemapapiro akaita seeshuramurove. Vakasimudza mudziyo wacho vakaenda nawo pakati pematenga nenyika. 10  Saka ndakabvunza ngirozi yakanga ichitaura neni kuti: “Vari kuenda kupi nemudziyo weefa?” 11  Yakapindura kuti: “Kunyika yeShinari*+ kunomuvakira imba; uye kana yapera, mukadzi wacho achaiswa ikoko, kunzvimbo yake yakamukodzera.”

Mashoko Emuzasi

Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
ChiHeb., “Iyi ndiyo efa,” kureva mudziyo kana kuti tswanda yaishandiswa kuyera uwandu hunosvika efa. Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kureva, Bhabhironia.