Zekariya 6:1-15

  • Chiratidzo 8: Ngoro ina (1-8)

  • Nhungirwa achava mambo uye mupristi (9-15)

6  Ndakasimudzazve musoro ndikaona ngoro ina dzaibva pakati pemakomo maviri, uye makomo acho aiva emhangura.  Ngoro yekutanga yaiva nemabhiza matsvuku, uye ngoro yechipiri yaiva nemabhiza matema.+  Ngoro yechitatu yaiva nemabhiza machena, uye ngoro yechina yaiva nemabhiza ane tumavara tudiki nemakamba-makamba.+  Ndakabvunza ngirozi yaitaura neni kuti: “Ishe wangu, izvi zvinorevei?”  Ngirozi yacho yakandipindura kuti: “Iyi ndiyo mweya mina+ yekudenga iri kubuda pashure pekunge yamira pamberi paIshe wenyika yese.+  Iya* ine mabhiza matema iri kuenda kunyika yekuchamhembe;+ mabhiza machena ari kuenda mhiri kwegungwa; uye ane tumavara tudiki ari kuenda kunyika yekumaodzanyemba.  Mabhiza ane makamba-makamba aida chaizvo kuenda kunotenderera pasi rese.” Yakabva yati: “Endai munotenderera pasi rese.” Iwo akatanga kufamba panyika yese.  Yakabva yashevedzera kwandiri, ikati: “Tarisa uone, mabhiza ari kuenda kunyika yekuchamhembe aita kuti mweya waJehovha uve munyika yekuchamhembe.”  Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 10  “Tora zvinhu zvinaHeridhai, naTobhija, naJedhaya zvavakabva nazvo kuvanhu vakatapwa; uye zuva iroro unofanira kuenda kumba kwaJosiya mwanakomana waZefaniya pamwe chete neava vakabva kuBhabhironi. 11  Unofanira kutora sirivha negoridhe wogadzira korona,* woipfekedza mupristi mukuru Joshua+ mwanakomana waJehozadhaki. 12  Uti kwaari,“‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Heuno murume anonzi Nhungirwa.+ Achatungira panzvimbo yake, uye achavaka temberi yaJehovha.+ 13  Ndiye achavaka temberi yaJehovha, uye ndiye achakudzwa. Achagara pachigaro chake cheumambo otonga, uye achavawo mupristi pachigaro chake cheumambo,+ uye zviviri zvacho* zvichashanda pamwe chete.* 14  Korona yacho ichava mucherechedzo wekuyeuka Heremu, naTobhija, naJedhaya,+ naHeni mwanakomana waZefaniya mutemberi yaJehovha. 15  Vaya vari kure vachauya, vovakawo temberi yaJehovha.” Muchaziva kuti Jehovha wemauto akandituma kwamuri. Izvi zvichaitika kana mukaramba muchiteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu.’”

Mashoko Emuzasi

Kureva, ngoro.
Kana kuti “korona yakanaka kwazvo.”
Kureva, umambo hwake neupristi hwake.
Kana kuti “zvichashanda pamwe chete kuti zviunze rugare.”