Zekariya 7:1-14

  • Jehovha anoshora kutsanya kwekunyepedzera (1-14)

    • “Maitsanyira ini here?” (5)

    • ‘Itiranai zvakarurama, uye ratidzanai rudo rusingachinji, muchinzwirana tsitsi’ (9)

7  Mugore rechina raMambo Dhariyasi, shoko raJehovha rakauya kuna Zekariya+ pazuva rechina remwedzi wechi9, kureva mwedzi waKisrevhi.*  Vanhu vekuBheteri vakatuma Sharezeri naRegemu-mereki nevarume vake kuti vanoteterera kunzwirwa nyasha naJehovha,  vachiti kuvapristi veimba* yaJehovha wemauto, nekuvaprofita: “Ndicheme here mumwedzi wechishanu,+ ndisingadyi, sezvandakaita kwemakore aya akawanda?”  Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti:  “Iti kuvanhu vese vemunyika yacho uye kuvapristi, ‘Pamaitsanya uye pamaichema mumwedzi wechishanu uye mumwedzi wechi7+ kwemakore 70,+ maitsanyira ini here?  Pamaidya nepamainwa, maisangoitira kuti mungozvigutsa here?  Hamufaniri here kuteerera mashoko akaziviswa naJehovha achishandisa vaprofita vekare,+ muJerusarema nemumaguta akaripoteredza pamakanga muchiine vanhu uye muine runyararo, uye muNegebhu nemuShefera pamakanga muchiine vanhu?’”  Shoko raJehovha rakauyazve kuna Zekariya, richiti:  “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Tongai zvakarurama,+ uye ratidzanai rudo rusingachinji,+ muchinzwirana tsitsi. 10  Musabiridzira chirikadzi kana nherera,+ kana mutorwa+ kana murombo;+ uye musarongerana zvakaipa mumwoyo menyu.’+ 11  Asi ivo vaingoramba kuteerera,+ uye vaizvikudza vachiramba kundinzwa,+ vachiisa zvimiti munzeve kuti varege kunzwa.+ 12  Vakaita kuti mwoyo yavo iite sedhaimondi*+ uye vaisateerera mutemo* nemashoko akapiwa vaprofita vekare naJehovha wemauto achishandisa mweya wake.+ Saka Jehovha wemauto akatsamwa kwazvo.”+ 13  “‘Havana kuteerera pandaishevedzera,*+ saka neniwo handina kuvateerera pavaishevedzera,’+ anodaro Jehovha wemauto. 14  ‘Ndakavaparadzira vachienda kumarudzi ese avakanga vasingazivi ndichishandisa dutu,+ uye nyika yacho yakasara iri dongo, pasina aipfuura nemairi kana kudzoka mairi;+ nekuti vakaita kuti nyika yakanaka ive chinhu chinotyisa kutarisa.’”

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “vetemberi.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “sedombo rakaoma,” sekuoma kwakaita dombo rinonzi emeri.
Kana kuti “murayiro.”
ChiHeb., “paaishevedzera.”