Bhuku raZvakazarurwa 22:1-21
22 Zvino yakandiratidza rwizi rwemvura yeupenyu,+ yainge yakachena sedombo rekristaro, ichiyerera ichibva pachigaro cheumambo chaMwari necheGwayana+
2 ichidzika nepakati pemugwagwa mukuru weguta racho. Mumativi erwizi rwacho maiva nemiti yeupenyu yaibereka michero ka12 pagore, ichibereka michero yayo mwedzi wega wega. Mashizha emiti yacho aiva ekurapa marudzi.+
3 Panenge pasisinazve kutukwa. Asi muguta racho muchava nechigaro cheumambo chaMwari necheGwayana,+ uye varanda vake vachamuitira basa dzvene;
4 vachaona chiso chake,+ uye zita rake richava pahuma dzavo.+
5 Uyewo, usiku hunenge husisipo,+ uye havazodi chiedza cherambi kana chezuva, nekuti Jehovha* Mwari achavavhenekera,+ uye vachatonga semadzimambo nariini nariini.+
6 Yakati kwandiri: “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.+ Jehovha* Mwari uyo akafemera vaprofita+ ndiye atuma ngirozi yake kuti iratidze varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.
7 Inzwa! Ndiri kukurumidza kuuya.+ Anofara munhu anochengeta mashoko euprofita ari mugwaro* iri.”+
8 Ini Johani, ndini ndakanga ndichinzwa nekuona zvinhu izvi. Pandakazvinzwa uye pandakazviona, ndakapfugama pedyo netsoka dzengirozi yakanga ichindiratidza zvinhu izvi ndichida kuinamata.
9 Asi yakati kwandiri: “Aiwa! Usadaro! Ndinongovawo muranda sezvauri iwe nehama dzako vaprofita uye vaya vanochengeta mashoko ari mugwaro iri. Namata Mwari.”+
10 Yakandiudzawo kuti: “Usavanza mashoko euprofita ari mugwaro iri, nekuti nguva yakasarudzwa yava pedyo.
11 Uya asina kururama ngaarambe asina kururama, uya asina kuchena ngaarambe asina kuchena; asi akarurama ngaarambe akarurama, uye mutsvene ngaarambe ari mutsvene.
12 “‘Inzwa! Ndiri kukurumidza kuuya; mubayiro wandinopa ndinawo, uye ndichapa mumwe nemumwe zvinoenderana nebasa rake.+
13 Ndini Arufa naOmega,*+ wekutanga newekupedzisira, mavambo nemagumo.
14 Vanofara vaya vanogeza nguo dzavo,+ kuti vave nekodzero yekuenda kumiti yeupenyu+ uye kuti vakwanise kupinda muguta nepamagedhi aro.+
15 Kunze kune imbwa* nevaya vanoita zvemidzimu nemhombwe* nemhondi nevanonamata zvidhori nevanhu vese vanofarira nhema uye vanogara vachidzitaura.’+
16 “‘Ini Jesu, ndakatuma ngirozi yangu kuti ikuzivisei zvinhu izvi kuti ungano ibatsirwe. Ndini mudzi uye mwana waDhavhidhi,+ uye ndini nyeredzi yemangwanani inopenya.’”+
17 Uye mweya nemwenga+ vanoramba vachiti, “Uya!” uye munhu wese anonzwa ngaati, “Uya!” uye munhu wese ane nyota ngaauye;+ munhu wese anoda ngaatore mvura yeupenyu asingatengi.+
18 “Ndiri kuzivisa munhu wese anonzwa mashoko euprofita ari mugwaro iri kuti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi,+ Mwari achamuwedzerawo matambudziko akanyorwa mugwaro iri;+
19 uye kana munhu akabvisa chinhu pamashoko ari mugwaro iri reuprofita, Mwari achabvisa mugove wake pazvinhu zvakanyorwa mugwaro iri. Izvi zvinoreva kuti haazomubvumiri kudya michero yemiti yeupenyu+ uye kuva muguta dzvene.+
20 “Iye ari kuzivisa zvinhu izvi anoti, ‘Chokwadi ndiri kukurumidza kuuya.’”+
“Ameni! Uyai Ishe Jesu.”
21 Nyasha dzaShe Jesu ngadzive nevatsvene.
Mashoko Emuzasi
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “A naZ.” Arufa ndiro bhii rekutanga uye Omega ndiro rekupedzisira pamabhii emutauro wechiGiriki.
^ Kureva vaya vanoita zvinhu zvinosemesa Mwari.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Upombwe.”