Zvirevo 12:1-28
12 Munhu anoda kurayirwa* anoda ruzivo,+Asi uya anovenga kutsiurwa haafungi.*+
2 Munhu akanaka anoita zvinhu zvinoita kuti afarirwe naJehovha,Asi munhu anoronga mazano akaipa haafarirwi naye.+
3 Hapana munhu anochengetedzwa nezvakaipa,+Asi vakarurama havafi vakadzurwa.
4 Mudzimai anoita zvakanaka ikorona kumurume wake,+Asi mudzimai anoita zvinonyadzisa akaita sechirwere chinoodza mapfupa emurume wake.+
5 Pfungwa dzevakarurama dzinofunga zvakarurama,Asi kutungamirira kwevakaipa ndekweunyengeri.
6 Mashoko evakaipa akafanana nemunhu anohwandira achida kuuraya,*+Asi muromo wevakarurama unovaponesa.+
7 Kana vakaipa vakundwa, vanenge vasisipo,Asi imba yevakarurama icharamba yakamira.+
8 Munhu anorumbidzwa nekuda kwekungwara kwemuromo wake,+Asi ane mwoyo usina kururama achabatwa zvisina ruremekedzo.+
9 Zviri nani kutarisirwa pasi asi uine mushandi,Pane kuzvirumbidza iwe usina zvekudya.*+
10 Munhu akarurama anochengeta zvipfuwo zvake,*+Asi kunyange ngoni dzevakaipa dzine utsinye.
11 Munhu anorima munda wake achagutswa nezvekudya,+Asi uya anodzingirirana nezvinhu zvisina basa haana pfungwa.*
12 Munhu akaipa anochiva zvavhimwa nevamwe vanhu vakaipa,Asi midzi yevakarurama inobereka michero.
13 Munhu akaipa anobatwa nekutaura kwake kwakaipa,+Asi munhu akarurama anopona padambudziko.
14 Munhu anogutswa nezvibereko zvakanaka zvinobva pakutaura kwake,*+Uye basa remaoko ake richamupa mubayiro.
15 Benzi rinoona kunge nzira yaro yakarurama,+Asi munhu akachenjera anobvuma kupiwa zano.+
16 Benzi rinoratidza kugumbuka kwaro pakarepo,*+Asi munhu akangwara haana basa nazvo kana akadenhwa.
17 Munhu anopa uchapupu hwakatendeka anotaura chokwadi,*Asi chapupu chenhema chinotaura zvekunyengera.
18 Mashoko anotaurwa asina kufungwa anobaya sebakatwa,Asi rurimi rweakachenjera runoporesa.+
19 Muromo unotaura chokwadi ucharamba uripo nekusingaperi,+Asi rurimi runoreva nhema ruchangovapo kwekanguva.+
20 Unyengeri huri mumwoyo mevaya vanoronga kuita zvakaipa,Asi vaya vanoita kuti pave nerugare* vanofara.+
21 Hapana chakaipa chichasangana nemunhu akarurama,+Asi vakaipa vachamomoterwa nematambudziko.+
22 Miromo inoreva nhema inosemesa Jehovha,+Asi vaya vakatendeka vanomufadza.
23 Munhu ane njere anovanza zvaanoziva,Asi mwoyo webenzi unongorutsa mashoko eupenzi hwaro.+
24 Maoko anoshanda nesimba achatonga,+Asi vanogarira maoko vachaitiswa basa rekumanikidzwa.+
25 Kunetseka kuri mumwoyo wemunhu kunouremedza,+Asi shoko rakanaka rinoita kuti unyevenuke.+
26 Munhu akarurama anotsvaga mafuro ake,Asi nzira yevakaipa inoita kuti varasike.
27 Simbe haidzingiriri mhuka yairi kuvhima,+Asi kushanda nesimba ndiyo pfuma inokosha yemunhu.
28 Nzira yekururama inotungamirira kuupenyu;+Mainopfuura namo hamuna rufu.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “haana njere.”
^ Kana kuti “kurangwa.”
^ ChiHeb., “Mashoko evakaipa anohwandira achida kudeura ropa.”
^ ChiHeb., “chingwa.”
^ Kana kuti “mweya wechipfuwo chake.”
^ Kana kuti “njere.”
^ ChiHeb., “pamuromo wake.”
^ Kana kuti “zuva iroro.”
^ ChiHeb., “zvakarurama.”
^ ChiHeb., “vanopa mazano erugare.”