Zvirevo 14:1-35
14 Mukadzi akachenjera anovaka imba yake,+Asi benzi rinoiputsa nemaoko aro.
2 Munhu anofamba mukururama anotya Jehovha,Asi munhu anofamba muunyengeri* anomuzvidza.
3 Kutaura kwekuzvikudza kwebenzi kwakafanana neshamhu iri mumuromo maro,Asi miromo yevakachenjera ichavadzivirira.
4 Kana pasina mombe chidyiro chezvipfuwo chinenge chakachena,Asi simba remikono yemombe rinoita kuti goho riwande.
5 Chapupu chakatendeka hachinyepi,Asi chapupu chenhema chinongotaura zvekunyepa chete.+
6 Museki anotsvaga uchenjeri asi haahuwani,Asi ruzivo runongouya nyore nyore kumunhu anonzwisisa.+
7 Tambira kure nebenzi,Nekuti hauzowani ruzivo pamiromo yaro.+
8 Uchenjeri hunoita kuti munhu ane njere anzwisise nzira dzake,Asi mapenzi anonyengerwa* neupenzi hwawo.+
9 Mapenzi anotoita zvekutamba nekuva nemhosva,*+Asi vakarurama vane chido chekuyanana.
10 Mwoyo ndiwo unoziva zviri kuurwadza,*Uye hapana mumwe munhu angaziva kufara kwawo.
11 Imba yevakaipa ichaparadzwa,+Asi tende revakarurama richabudirira.
12 Kune nzira inoita seyakarurama kumunhu,+Asi inoguma nerufu.+
13 Kunyange munhu achiseka, mwoyo wake unogona kunge uchirwadziwa,Uye kufara kunogona kuguma nekushungurudzika.
14 Munhu ane mwoyo wakatsauka achakohwa mubayiro wenzira dzake,+Asi munhu akanaka anokohwa mubayiro wezvaanoita.+
15 Munhu asina kuchenjera* anongotenda shoko rese rese,Asi munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.+
16 Munhu akachenjera anongwarira obva pane zvakaipa,Asi benzi harifungi* uye rinozvivimba.
17 Munhu anokurumidza kutsamwa anoita zveupenzi,+Asi munhu anotanga afunga* anovengwa.
18 Vasina kuchenjera* vachagara nhaka yeupenzi,Asi vane njere vanopfekedzwa korona yeruzivo.+
19 Vanhu vakashata vachakotamira vakanaka,Uye vanhu vakaipa vachakotama pamagedhi evakarurama.
20 Murombo anovengwa kunyange nevavakidzani vake,+Asi mupfumi ane shamwari zhinji.+
21 Munhu anoshora muvakidzani wake anenge achitadza,Asi munhu wese anonzwira nyasha vakaderera anofara.+
22 Vaya vanoronga kuita zvakaipa havazotsauki here?
Asi vaya vanofunga kuita zvakanaka vachawana rudo rusingachinji uye kutendeka.+
23 Kushanda zvakaoma kwese kune zvakunobatsira,Asi kungotaura zvisina basa kunounza urombo.+
24 Korona yevakachenjera ipfuma yavo;Asi upenzi hwemafuza hunongova upenzi.+
25 Chapupu chechokwadi chinoponesa vanhu,*Asi chiya chinonyengera chinongotaura zvekunyepa chete.
26 Mukutya Jehovha mune chivimbo chakasimba,+Uye vana vake vachapotera imomo.+
27 Kutya Jehovha itsime reupenyu,Kunobvisa munhu pamisungo yerufu.
28 Vanhu vakawanda ndivo kukudzwa kwamambo,+Asi mutongi anoparara kana asina vanhu vekutonga.
29 Munhu anononoka kutsamwa ane ungwaru kwazvo,+Asi asina mwoyo murefu anoratidza upenzi hwake.+
30 Mwoyo wakadzikama unopa upenyu* kumuviri,Asi godo rinoodza mapfupa.+
31 Uya anobiridzira munhu akaderera anoshora Muiti wake,+Asi wese anonzwira murombo tsitsi anomukudza.*+
32 Munhu akaipa achawisirwa pasi nezvakaipa zvake,Asi munhu akarurama achapotera mukururama kwake.+
33 Uchenjeri hunogara hwakadzikama mumwoyo memunhu anonzwisisa,+Asi hunofanira kutoita zvekuzvizivisa pakati pemapenzi.
34 Kururama kunokwidziridza rudzi,+Asi chivi chinonyadzisa rudzi.
35 Mambo anofadzwa nemushandi anoshandisa njere,+Asi hasha dzake dziri pamunhu anoita zvinonyadzisa.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “ane nzira dzisina kururama.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “anonyengera vamwe.”
^ Kana kuti “nekugadzirisa pakanganiswa.”
^ Kana kuti “kurwadza kwemweya wawo.”
^ Kana kuti “akapusa.”
^ Kana kuti “rinoviruka nehasha.”
^ Kana kuti “anonyatsofunga.”
^ Kana kuti “Vakapusa.”
^ Kana kuti “mweya.”
^ Kana kuti “utano.”
^ Kureva, Muiti.