Zvirevo 16:1-33
16 Munhu anogadzirira pfungwa dzemwoyo wake,*Asi zvaanozotaura zvinobva* kuna Jehovha.+
2 Nzira dzese dzemunhu dzinoita sedzakarurama* kwaari,+Asi Jehovha anoongorora vavariro yacho.+
3 Isa zvese zvaunoita mumaoko aJehovha,*+Uye zvirongwa zvako zvichabudirira.
4 Jehovha akaita kuti zvinhu zvese zviende nepaanoda kuti chinangwa chake chizadziswe,Kunyangewo kuti vakaipa vaparadzwe pazuva redambudziko.+
5 Munhu wese ane mwoyo unozvikudza anosemesa Jehovha.+
Ziva kuti haasi kuzorega kurangwa.
6 Kukanganisa kunoyananisirwa nerudo rusingachinji pamwe chete nekutendeka,+Uye kutya Jehovha kunoita kuti munhu abve pane zvakaipa.+
7 Kana Jehovha achifadzwa nenzira dzemunhu,Anoita kuti kunyange vavengi vake vave nerugare naye.+
8 Zviri nani kuva nezvishoma paine kururama+Pane kuwana zvakawanda asi pasina kutonga zvakarurama.+
9 Munhu anogona kuronga nzira yake mumwoyo make,Asi Jehovha ndiye anotungamirira nhanho dzake.+
10 Chisarudzo chakafemerwa* chinofanira kuva pamiromo yamambo;+Haatombofaniri kutonga nepasipo.+
11 Zviyereso nezvikero zvakarurama zvinobva kuna Jehovha;Matombo ese ekuyeresa ari muhomwe ibasa rake.+
12 Maitiro akaipa anosemesa madzimambo,+Nekuti chigaro cheumambo chinomiswa zvakasimba nekururama.+
13 Kutaura kwakarurama kunofadza madzimambo.
Iwo anoda munhu anotaura chokwadi.+
14 Hasha dzamambo dzakaita semutumwa werufu,+Asi munhu akachenjera anodzitonhodza.+
15 Chiedza chiri pachiso chamambo chinopa upenyu;Kufarirwa naye kwakaita segore remvura yemasutso.*+
16 Zviri nani kuwana uchenjeri pane kuwana goridhe.+
Kuwana kunzwisisa kunofanira kusarudzwa pane kuwana sirivha.+
17 Mugwagwa mukuru wevakarurama unonyenyeredza zvakaipa.
Munhu wese anochengetedza nzira yake anochengetedza upenyu hwake.*+
18 Kuzvikudza kunotangira kuparara,Uye kuzvitutumadza kunotangira kugumburwa.+
19 Zviri nani kuzvininipisa* pakati pevanyoro+Pane kugovana nevanhu vanozvikwidziridza zvinhu zvavapamba.
20 Munhu anodzamisa pfungwa kana pamuka nyaya achabudirira,*Uye munhu anovimba naJehovha anofara.
21 Munhu ane mwoyo wakachenjera achanzi anonzwisisa,+Uye anotaura nemutsa anowedzera* kunyengetedza.+
22 Njere itsime reupenyu kune vanadzo,Asi mapenzi anorangwa neupenzi hwawo.
23 Munhu ane mwoyo wakachenjera anopa muromo wake njere+Uye anowedzera kunyengetedza pamiromo yake.
24 Mashoko anofadza akaita sezinga reuchi,Anotapira kumweya* uye anoporesa mapfupa.+
25 Kune nzira inoita seyakarurama kumunhu,Asi inoguma nerufu.+
26 Kana mushandi achida kudya anoshanda nesimbaNekuti nzara* ndiyo inomutuma kuti adaro.+
27 Munhu asina maturo anochera zvakaipa;+Zvaanotaura zvinoita semoto unopisa.+
28 Munhu anodenha* anoita kuti pave nekukakavadzana,+Uye munhu anotaura mashoko anosvibisa zita remumwe anoparadzanisa shamwari dzepedyo.+
29 Munhu anoita zvemhirizhonga anonyengera muvakidzani wakeUye anoita kuti aende nenzira isiriyo.
30 Anochonya ziso rake paanenge achironga zvakaipa.
Anoruma miromo yake paanenge achiita misikanzwa.
31 Kuchena musoro ikorona yerunako*+Kana kuchiwanikwa munzira yekururama.+
32 Munhu anononoka kutsamwa+ anopfuura murume ane simba,Uye uya anodzora hasha dzake* anopfuura munhu anokunda guta.+
33 Mujenya unokandirwa pamakumbo,+Asi zvisarudzo zvese zvinobuda zvinobva kuna Jehovha.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “mhinduro yakanaka inobva; mhinduro yerurimi inobva.”
^ ChiHeb., “Zvirongwa zvemwoyo ndezvemunhu.”
^ ChiHeb., “sedzakachena.”
^ ChiHeb., “Turira mabasa ako kuna Jehovha.”
^ Kana kuti “chinobva kuna Mwari.”
^ Masutso inguva yegore apo zvirimwa zvinenge zvava kuda kudyiwa.
^ Kana kuti “mweya wake.”
^ ChiHeb., “kuva akaderera pamweya.”
^ ChiHeb., “achawana zvakanaka.”
^ Kana kuti “kutaura zvakanaka kunowedzera.” ChiHeb., “kutapira kwemiromo kunowedzera.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ ChiHeb., “muromo.”
^ Kana kuti “anorongera vamwe.”
^ Kana kuti “yekukudzwa.”
^ ChiHeb., “anotonga mweya wake.”