Zvirevo 18:1-24
18 Munhu anozviparadzanisa nevamwe anotsvaga zvakangomunakira chete;Anoramba* uchenjeri hwese hunobatsira.
2 Benzi harifariri kunzwisisa;Ringasva haro rabudisa zviri mumwoyo maro.+
3 Panosvika munhu akaipa, kuzvidzwa kunosvikawo,Uye kusakudzwa kunouya pamwe nekunyadziswa.+
4 Mashoko emuromo wemunhu imvura yakadzika.+
Chitubu cheuchenjeri rukova runotutuma.
5 Hazvina kunaka kuitira munhu akaipa tsvete,+Kana kurega kutonga zvakarurama munhu akarurama.+
6 Zvinotaurwa nebenzi zvinokonzera bopoto,+Uye muromo waro unorirovesa.+
7 Muromo webenzi ndiwo unoriparadza,+Uye miromo yaro musungo waro.*
8 Mashoko emunhu anoreva vamwe akaita sezvekudya zvinonaka;*+Zvinomedzwa zvakadaro zvichipinda mudumbu.+
9 Munhu wese ane unyope pabasa rakeIhama yemunhu anoparadza.+
10 Zita raJehovha inhare yakasimba.+
Munhu akarurama anomhanyira mariri odzivirirwa.*+
11 Pfuma yemupfumi yakaita seguta rakakomberedzwa nemasvingo;Mupfungwa dzake anoiona yakaita semadziro anomudzivirira.+
12 Mwoyo wemunhu ane manyawi unoita kuti awe,+Uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.+
13 Kana munhu achipindura nyaya asati anzwa mashoko ese,Upenzi uye kuzvinyadzisa.+
14 Munhu akashinga mwoyo anogona kutsungirira achirwara,+Asi ndiani angatsungirira kana akaora mwoyo?*+
15 Mwoyo wemunhu anonzwisisa unowana ruzivo,+Uye nzeve yemunhu akachenjera inotsvaga kuwana ruzivo.
16 Chipo chemunhu chinomuvhurira nzira;+Chinoita kuti apinde mune vanhu vakakurumbira.
17 Munhu anotanga kupira nyaya yake anoita seakarurama,+Kusvikira mumwe wacho auya, omubvunzisisa.*+
18 Kukanda mijenya kunopedza gakava+Uye kunogadzirisa nyaya pakati pevavengi vane simba.*
19 Hama inenge yatadzirwa yakaoma kutaura nayo kupfuura kurwisa guta rakakomberedzwa nemasvingo,+Uye kukakavadzana kunogona kuparadzanisa vanhu semazariro erusvingo.+
20 Zvibereko zvemuromo wemunhu ndizvo zvichazadza dumbu rake;+Achaguta nezvinobva mumiromo yake.
21 Rufu neupenyu zviri musimba rerurimi;+Vaya vanoda kurushandisa vachadya zvibereko zvarwo.+
22 Anowana mudzimai akanaka anenge awana chinhu chakanaka,+Uye achafarirwa naJehovha.+
23 Murombo anotaura achiteterera,Asi mupfumi anopindura nehasha.
24 Kune shamwari dzinongogara dzichiitirana zvakaipa,+Asi kune shamwari iri pedyo kupfuura mukoma.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Anoshora.”
^ Kana kuti “wemweya waro.”
^ Kana kuti “sezvinhu zvinomedzwa nemakaro.”
^ ChiHeb., “okwidziridzwa,” kureva kuti, ova pasingasvikiki.
^ Kana kuti “mweya wake wakaputsika.”
^ Kana kuti “omuongorora.”
^ ChiHeb., “unoparadzanisa vane simba.”