Zvirevo 22:1-29

  • Zita rakanaka rinopfuura pfuma yakawanda (1)

  • Kutanga kudzidzisa mwana achiri mudiki kunomubatsira kweupenyu hwese (6)

  • Simbe inotya shumba panze (13)

  • Shamhu inobvisa upenzi (15)

  • Mushandi anoziva basa rake anoshumira madzimambo (29)

22  Zita rakanaka* rinofanira* kusarudzwa panzvimbo pepfuma zhinji;+Kuremekedzwa* kunopfuura kuva nesirivha negoridhe.   Mupfumi nemurombo vakafanana pakuti:* Jehovha ndiye akavasika vese.+   Munhu akangwara anoona njodzi ohwanda,Asi asina ruzivo anoramba achienda ozosangana nedambudziko.*   Kuzvininipisa uye kutya Jehovha zvinogumaNepfuma nekukudzwa neupenyu.+   Minzwa nemisungo zviri munzira yemunhu asina kururama,Asi munhu wese anokoshesa upenyu hwake* anoramba ari kure nazvo.+   Dzidzisa mwana* nzira yaanofanira kufamba nayo;+Kunyange kana akwegura haazobvi mairi.+   Mupfumi anotonga varombo,Uye munhu anokwereta muranda weanomukweretesa.+   Munhu wese anodyara kusarurama achakohwa dambudziko,+Uye shamhu yekushatirwa kwake ichaparara.+   Munhu asinganyimi* achakomborerwa,Nekuti anopa varombo zvekudya zvake.+ 10  Dzinga munhu anotsvinya,Uye kukakavadzana kunobva kwapera;Mabopoto* nekutukana zvichaguma. 11  Munhu anoda mwoyo wakachena uye anotaura nenyashaAchava shamwari yamambo.+ 12  Maziso aJehovha anochengetedza ruzivo,Asi iye anopidigura mashoko emunhu anonyengera.+ 13  Simbe inoti: “Panze pane shumba! Ndingaurayiwa mumusika!”+ 14  Miromo yevakadzi vasingazvibati* igomba rakadzika.+ Munhu anowanirwa mhosva naJehovha achawira mariri. 15  Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo memwana,*+Asi shamhu yekurayira* ichahudzingira kure naye.+ 16  Munhu anobiridzira murombo kuti awedzere pfuma yake+Neuya anopa mupfumi zvipoVachapedzisira vava kutambura. 17  Rereka nzeve yako uteerere mashoko evakachenjera,+Kuti mwoyo wako uzive nezvangu,+ 18  Nekuti zvinofadza kuti uachengete mukatikati mako,+Kuti ese azogara ari pamiromo yako.+ 19  Kuti uve nechivimbo muna Jehovha,Ndiri kukupa ruzivo nhasi. 20  Handiti ndatokunyorera,Ndichikupa mazano neruzivo, 21  Kuti ndikudzidzise mashoko echokwadi uye akavimbika,Kuti ukwanise kudzokera nemashoko akarurama kumunhu akutuma? 22  Usabira murombo nekuti murombo,+Uye usadzvinyirira munhu akaderera pagedhi reguta,+ 23  Nekuti Jehovha pachake achavamiririra panyaya dzavo+Uye achapfuudza upenyu hwevaya* vanovabiridzira. 24  Usashamwaridzana nemunhu asingatani kutsamwaKana kufambidzana nemunhu anokurumidza kushatirwa, 25  Kuti usafa wakadzidza nzira dzakeWozviteyera* musungo.+ 26  Usava mumwe wevaya vanobatana maoko vachiita chibvumirano,Vanobvumira vamwe kupiwa zvikwereti muzita ravo.+ 27  Kana usina chekubhadhara nacho,Uchatorerwa mubhedha wako chaiwo wawakarara pauri! 28  Usabvisa chiratidzo chekare chinoratidza pane muganhuChakaiswa nemadzitateguru ako.+ 29  Unoona munhu anoziva basa rake here? Achamira pamberi pemadzimambo;+Haazomiri pamberi pevanhuwo zvavo.

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “Kufarirwa.”
ChiHeb., “Zita.”
Kana kuti “Mukurumbira wakanaka unofanira.”
ChiHeb., “vanosangana pamwe chete.”
Kana kuti “orangwa.”
Kana kuti “mweya wake.”
Kana kuti “mukomana; wechidiki.”
ChiHeb., “ane ziso rakanaka.”
Kana kuti “Kuendesana kumatare.”
ChiHeb., “vausingazivi.” Ona Zvi 2:16.
Kana kuti “memukomana; mewechidiki.”
Kana kuti “yekuranga.”
Kana kuti “mweya wevaya.”
Kana kuti “Woteyera mweya wako.”