Zvirevo 24:1-34
24 Usaitira shanje vanhu vakaipa,Uye usava neshungu dzekufambidzana navo,+
2 Nekuti mwoyo yavo inofungisisa zvinhu zvemhirizhonga,Uye miromo yavo inotaura nezvekukonzera dambudziko.
3 Uchenjeri hunomisa imba,+Uye ungwaru hunoisimbisa.
4 Ruzivo runoita kuti dzimba dzayo dzemukati dzizareNezvinhu zvinokosha zvemarudzi akasiyana-siyana uye pfuma inofadza.+
5 Munhu akachenjera ane simba,+Uye ruzivo runoita kuti munhu awedzere simba rake.
6 Kutungamirira kweunyanzvi* kuchaita kuti urwe hondo yako,+Uye kana vanopa mazano vakawanda panova nekukunda.*+
7 Uchenjeri hwechokwadi hauwanikwi nebenzi;+Harina zvekutaura pagedhi reguta.
8 Munhu wese anoronga mazano akaipaAchanzi muruki wemazano akashata.+
9 Mazano eupenzi* chivi,Uye vanhu vanosema museki.+
10 Kana ukaora mwoyo pazuva rekutambudzika,*Simba rako rinova shoma.
11 Nunura vaya vari kuendeswa kunofa,Uye dzora vaya vari kutatarika vachienda kunourayiwa.+
12 Kana ukati, “Asi takanga tisingazvizivi,”
Iye anoongorora mwoyo* haazvizivi here?+
Iye ari kukuona* anozvizivaUye achapa mumwe nemumwe zvinoenderana nemabasa ake.+
13 Mwanakomana wangu, idya uchi, nekuti hwakanaka;Uchi hwemumazinga hunotapira mukanwa mako.
14 Ziva kuti uchenjeri hwakakunakirawo* saizvozvo.+
Kana ukahuwana, uchava neramangwana rakanakaUye tariro yako haizoparadzwi.+
15 Usahwandira pedyo neimba yemunhu akarurama uchida kuita zvakaipa;Usaparadza nzvimbo yake yaanozororera.
16 Nekuti munhu akarurama angawa kanomwe, asi achasimuka zvakare,+Asi vakaipa vachagumburwa nedambudziko.+
17 Kana muvengi wako akawa, rega kufara,Uye kana akagumburwa, usafara nechemumwoyo;+
18 Ukadaro, Jehovha achazviona akasafara,Uye achabva arega kumutsamwira.+
19 Usagumbuka pamusana pevanhu vakaipa;Usaitira shanje vanhu vakaipa,
20 Nekuti munhu wese akaipa haana ramangwana;+Rambi revakaipa richadzimwa.+
21 Mwanakomana wangu, itya Jehovha namambo.+
Uye usashamwaridzana nevanonyunyuta,*+
22 Nekuti njodzi ichauya pavari vasingafungiri.+
Ndiani anoziva kuti vachavaparadza* sei?+
23 Mashoko ayawo ndeevakachenjera:
Kusarura pakutonga hakuna kunaka.+
24 Munhu wese anoti kune munhu akaipa, “Wakarurama,”+
Achatukwa nevanhu uye achapiwa mhosva nemarudzi.
25 Asi zvichafambira zvakanaka vaya vanomutsiura;+Vachawana makomborero ezvinhu zvakanaka.+
26 Vanhu vachatsvoda miromo yemunhu anopindura chokwadi.*+
27 Gadzirira basa rako rekunze, uye gadzirira zvinhu zvako zvese mumunda;Wozovaka imba yako.
28 Usapa mhosva muvakidzani wako pasina chikonzero.+
Usashandisa miromo yako kunyengera vamwe.+
29 Usati: “Ndichamuita zvaakandiita;Ndichamutsiva maererano nezvaakaita.”*+
30 Ndakapfuura nepamunda wesimbe,+Pamunda wemizambiringa wemunhu asina pfungwa.*
31 Ndakaona kuti wakanga wazara masora;Masora anobaya akanga ava pese pese,Uye rusvingo rwawo rwematombo rwakanga rwaputsika.+
32 Ndakazvicherechedza ndikazviisa mumwoyo;Ndakazviona uye ndakawana chidzidzo ichi:
33 Kumboti rarei, kumboti tsimwairei,Kumboti zororei wakapeta maoko,
34 Urombo huchabva hwauya pauri semauyiro anoita gororo,Uye nhamo ichauya pauri semauyiro anoita munhu akabata chombo.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “kweuchenjeri.”
^ Kana kuti “nekubudirira; nekununurwa.”
^ Kana kuti “ebenzi.”
^ Kana kuti “panguva yenhamo.”
^ Kana kuti “vavariro yemunhu.”
^ Kana kuti “kuona mweya wako.”
^ Kana kuti “hunotapira kumweya wako.”
^ Kana kuti “vanoda kuchinja zvinhu.”
^ Kureva, Jehovha namambo.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Kupindura pasina zvekutenderera kwakaita sekutsvoda.”
^ Kana kuti “Ndichamubata.”
^ Kana kuti “njere.”