Zvirevo 28:1-28
28 Vakaipa vanotiza pasina ari kuvadzingirira,Asi vakarurama vane chivimbo seshumba.*+
2 Kana munyika muine zvitadzo,* machinda acho anoramba achibviswa achitsiviwa,+Asi kana muchinda achibatsirwa nemunhu ane ungwaru uye ane ruzivo, anogara kwenguva refu.+
3 Murombo anobiridzira vakaderera+Akafanana nemvura inokukura zvekudya zvese.
4 Vaya vanosiya mutemo vanorumbidza munhu akaipa,Asi vaya vanochengeta mutemo vanovagumbukira.+
5 Vanhu vakaipa havagoni kunzwisisa kutonga kwakarurama,Asi vaya vanotsvaga Jehovha vanogona kunzwisisa zvinhu zvese.+
6 Murombo anofamba mukururama kwakeAri nani pane mupfumi ane nzira dzeuori.+
7 Mwanakomana anonzwisisa anochengeta mutemo,Asi anoshamwaridzana nevanhu vanodyisa anonyadzisa baba vake.+
8 Munhu anowedzera pfuma yake nemubereko+ uye nechimbadzoAnenge achiiunganidzira uya anonzwira nyasha varombo.+
9 Munhu anoramba kuteerera mutemo,Kunyange munyengetero wake unosemesa.+
10 Munhu anotungamirira munhu akarurama kunzira yakaipa achawira mugomba rake pachake,+Asi vasina mhosva vachagara nhaka yezvakanaka.+
11 Mupfumi anozviona seakachenjera,+Asi murombo ane ungwaru anogona kumuongorora.+
12 Kana akarurama akakunda, panova nekukudzwa kukuru,Asi kana munhu akaipa akatanga kutonga, vanhu vanohwanda.+
13 Munhu anofukidza zvivi zvake haazobudiriri,+Asi wese anoreurura ozvisiya achanzwirwa tsitsi.+
14 Anofara munhu anogara akangwarira,*Asi wese anoomesa mwoyo wake achawira mudambudziko.+
15 Zvinoita shumba inohon’a nebheya riri kuda kurwisaNdizvo zvinoita mutongi akaipa achitonga vanhu vasina mubatsiri.+
16 Mutungamiriri asina ungwaru anoshandisa simba rake zvisiri izvo,+Asi uya anovenga mubereko wekubiridzira acharebesa upenyu hwake.+
17 Munhu anoremerwa nemhosva yekudeura ropa kana apfuudza upenyu hwemumwe* acharamba achitiza kusvikira muguva.*+
Ngaparege kuva nemunhu anomutsigira.
18 Munhu anofamba asina mhosva achaponeswa,+Asi ane nzira dzisina kururama achawa asingafungiri.+
19 Munhu anorima munda wake achaguta nezvekudya,Asi uya anotandanisana nezvinhu zvisingakoshi achaguta nenhamo.+
20 Munhu akatendeka achawana makomborero akawanda,+Asi uya anomhanyirira kuda kupfuma haazorambi asina mhosva.+
21 Kusarura hakuna kunaka;Asi munhu anogona kuita zvakaipa kuti apiwe chimedu chechingwa.+
22 Munhu ane ruchiva* ane shungu dzekupfuma,Asingazivi kuti urombo huchamuwira.
23 Munhu wese anotsiura mumwe munhu+ achazofarirwa zvikuru pakupedzisira+Kupfuura uya anorumbidza munhu zvekumubata kumeso.
24 Munhu wese anobira baba naamai vake oti, “Hapana chakaipa,”+Ishamwari yemunhu anoparadza.+
25 Munhu anokara anokonzera* kukakavadzana,Asi wese anovimba naJehovha achabudirira.*+
26 Munhu anovimba nemwoyo wake ibenzi,+Asi uya anofamba akachenjera achapukunyuka.+
27 Munhu wese anopa varombo haana chaachashayiwa,+Asi uya anovhara maziso ake kana avaona achatukwa kazhinji.
28 Vakaipa pavanotanga kutonga, munhu anohwanda,Asi pavanoparara, vakarurama vanowedzera.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “seshumba diki.”
^ Kana kuti “kupandukirana.”
^ Kana kuti “anogara achitya.”
^ Kana kuti “mweya wemumwe.”
^ Kana kuti “mugomba.”
^ Kana kuti “makaro.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Mweya unozvikudza unokonzera.”
^ ChiHeb., “achakodzwa.”