Zvirevo 29:1-27
29 Munhu anoomesa mutsipa wake* achitsiurwa kakawanda+Achazongoona atyorwa zvekusapora.+
2 Kana vakarurama vakawanda, vanhu vanofara,Asi kana munhu akaipa achitonga, vanhu vanogomera.+
3 Munhu anoda uchenjeri anoita kuti baba vake vafare,+Asi munhu anoshamwaridzana nepfambi anopfachura upfumi hwake.+
4 Kana mambo achitonga zvakarurama, nyika inogadzikana,+Asi munhu anoda zvechiokomuhomwe anoiparadza.
5 Munhu anorumbidza muvakidzani wake zvekumubata kumesoAnotambanudzira tsoka dzake mambure.+
6 Munhu akaipa anoteyiwa nezvitadzo zvake,+Asi munhu akarurama anoshevedzera nemufaro achipembera.+
7 Munhu akarurama ane hanya nekodzero dzevarombo,+Asi munhu akaipa haana kana basa nenyaya dzakadaro.+
8 Varume vanozvirumbidza vanopisa guta,+Asi vaya vakachenjera vanodzora kutsamwa.+
9 Kana munhu akachenjera akatanga kunetsana nebenzi,Panova nekukandana mashoko nekutukana asi hapana chinobuda.+
10 Varume vanoda kudeura ropa vanovenga munhu wese asina mhosva,*+Uye vanotsvaga kupfuudza upenyu hwevanhu* vakarurama.*
11 Benzi rinobudisa hasha dzaro dzese,+Asi munhu akachenjera anoramba akadzikama achidzidzora.+
12 Kana mutongi achiteerera nhema,Vashandi vake vese vachava vakaipa.+
13 Murombo nemudzvinyiriri vakafanana pakuti:*
Jehovha ndiye anoita kuti maziso avo aone chiedza.*
14 Kana mambo achitonga varombo zvakarurama,+Chigaro chake chicharamba chiripo.+
15 Shamhu* nekutsiura zvinopa uchenjeri,+Asi mwana asingarangwi anonyadzisa amai vake.
16 Kana vakaipa vakawanda, uipi hunowedzera,Asi vakarurama vachaona kuparara kwavo.+
17 Rayira* mwanakomana wako, uye achakuunzira zororo;Uye achaita kuti ufare* chaizvo.+
18 Kana pasina zviratidzo,* vanhu havadzoreki,+Asi vanofara vaya vanochengeta mutemo.+
19 Mushandi haazobvumi kururamiswa nemashoko,Nekuti kunyange zvazvo achinzwisisa, haateereri.+
20 Wakamboona munhu anokurumidza kutaura here?+
Benzi rine tariro kumupfuura.+
21 Kana muranda achitunhidzwa kubvira paudiki,Anozova munhu asingaongi muupenyu.
22 Munhu asingatani kutsamwa anomutsa gakava;+Munhu wese anokurumidza kushatirwa anopara nyaya dzakawanda.+
23 Kuzvikudza kwemunhu kuchamuninipisa,+Asi munhu wese anozvininipisa achakudzwa.+
24 Munhu anoshamwaridzana nembavha anovenga upenyu hwake.*
Anogona kunzwa kuti pari kudiwa uchapupu,* asi haatauri zvaanoziva.+
25 Kutya munhu kuzvipinza mumusungo,+Asi munhu anovimba naJehovha achadzivirirwa.+
26 Vakawanda vanoedza kunzwirwa nyaya dzavo nemutongi,*Asi Jehovha ndiye anotongera munhu zvakarurama.+
27 Munhu asina kururama anosemesa vakarurama,+Asi munhu ane nzira yakarurama anosemesa munhu akaipa.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “anoramba achiomesa musoro.”
^ Kana kuti “chaanopomerwa.”
^ Kana kuti “mweya yevanhu.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Asi munhu akarurama anotsvaga kuchengetedza upenyu hwake.”
^ ChiHeb., “vanosangana pamwe chete.”
^ Kureva kuti ndiye anovapa upenyu.
^ Kana kuti “Kurayira; Kuranga.”
^ Kana kuti “Ranga.”
^ Kana kuti “achafadza mweya wako.”
^ Kana kuti “zviratidzo zveuprofita.”
^ Kana kuti “mweya wake.”
^ Kana kuti “Anogona kunzwa mhiko yekutuka.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “kunzwirwa nyasha nemutongi.” ChiHeb., “vanotsvaga chiso chemutongi.”