Zvirevo 3:1-35
3 Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu,*Uye mwoyo wako ngauchengete mirayiro yangu,
2 Nekuti zvichakuwedzera mazuva akawandaNemakore eupenyu nerugare.+
3 Usarega rudo rusingachinji nekutendeka* zvichikusiya.+
Zvisungirire muhuro mako;Zvinyore pahwendefa remwoyo wako;+
4 Uchabva wawana nyasha uye uchanzi unonyatsonzwisisaPamberi paMwari nevanhu.+
5 Vimba naJehovha+ nemwoyo wako wese,Urege kuvimba nekunzwisisa* kwako.+
6 Funga nezvake munzira dzako dzese,+Uye iye acharuramisa makwara ako.+
7 Usazviona sewakachenjera.+
Itya Jehovha ubve pane zvakaipa.
8 Izvi zvichaporesa muviri wako*Uye zvichasimbisa mapfupa ako.
9 Kudza Jehovha nezvinhu zvako zvinokosha,+Nezvibereko zvako zvekutanga* pazvinhu zvako zvaunowana;+
10 Matura ako achabva anyatsozara,+Uye munopinda waini yako yasvinwa* muchafashukira newaini itsva.
11 Mwanakomana wangu, usaramba kurayira* kwaJehovha,+Uye usasema kutsiura kwake,+
12 Nekuti Jehovha anotsiura vaanoda,+Sezvinoita baba kumwanakomana wavanofarira.+
13 Anofara munhu anowana uchenjeri+Uye munhu anowana ungwaru;
14 Kuhuwana kuri nani pane kuwana sirivha,Uye kuva nahwo* kuri nani pane kuva negoridhe.+
15 Hunokosha kupfuura matombo ekorari;*Hapana chaunoshuva kuva nacho chingaenzaniswa nahwo.
16 Upenyu hurefu huri muruoko rwahwo rwerudyi;Pfuma nekukudzwa zviri muruoko rwahwo rweruboshwe.
17 Nzira dzahwo dzinofadza,Uye makwara ahwo ese ane rugare.+
18 Ihwo muti weupenyu kune vaya vanohubata,Uye vaya vanoramba vakahubatisisa vachanzi vanofara.+
19 Jehovha akasika nyika neuchenjeri.+
Akamisa denga zvakasimba neungwaru.+
20 Neruzivo rwake mvura yakadzika yakakamurwaUye denga rine makore rakadonhedza dova.+
21 Mwanakomana wangu, usabvisa pfungwa dzako pazviri.*
Chengetedza uchenjeri hunobatsira uye gara uchishandisa pfungwa;
22 Zvichakupa* upenyu,Zvova chishongo chemuhuro mako;
23 Uchabva wafamba panzira yako wakachengeteka,Uye tsoka yako haizogumburwi.*+
24 Paunorara, unenge usina chekutya;+Ucharara, uye uchanakirwa nehope.+
25 Hauzotyi chero chinhu chinotyisa chinouya usingafungiri+Kana dutu riri kuuya pane vakaipa.+
26 Nekuti uchakwanisa kunyatsovimba naJehovha;+Achaita kuti tsoka yako isabatwa.+
27 Usarega kuitira zvakanaka vaya vanoda kubatsirwa+Kana uchikwanisa* kubatsira.+
28 Usati kumuvakidzani wako, “Chimboenda wozodzoka! Ndichakupa mangwana,”
Iwe uchigona kumupa iye zvino.
29 Usarongera muvakidzani wako zvakaipa+Iye achigara newe achifunga kuti akachengeteka.
30 Usapopotedzana nemunhu pasina chikonzero,+Kana pasina chakaipa chaakuitira.+
31 Usachiva munhu anoita zvemhirizhonga+Kana kusarudza imwe yenzira dzake,
32 Nekuti Jehovha anosema munhu anonyengera,+Asi ishamwari yepedyo yevakarurama.+
33 Kutuka kwaJehovha kuri paimba yemunhu akaipa,+Asi anokomborera musha weakarurama.+
34 Nekuti anonyomba vaya vanotsvinya,+Asi anofarira vanyoro.+
35 Vakachenjera vachawana nhaka yekukudzwa,Asi mapenzi anorumbidza kusakudzwa.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “mutemo wangu.”
^ Kana kuti “nechokwadi.”
^ Kana kuti “kusendama pakunzwisisa.”
^ ChiHeb., “guvhu rako.”
^ Kana kuti “Nezvakanakisisa.”
^ Kana kuti “muzvisviniro zvako.”
^ Kana kuti “kuranga.”
^ Kana kuti “kuva nahwo semubereko.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Zvinoratidza sekuti pari kurehwa zvataurwa mundima dzapfuura nezvaMwari.
^ Kana kuti “Zvichapa mweya wako.”
^ Kana kuti “haizoroveri pane chimwe chinhu.”
^ Kana kuti “Kana zviri musimba reruoko rwako.”