Zvirevo 30:1-33
30 Mashoko ane uremu akatorwa pane zvakataurwa naAguri mwanakomana waJake achitaura kuna Itieri, kuna Itieri naUkari.
2 Pavanhu vese ndini munhu asina zvaanoziva,+Uye handinzwisisi zvinhu zvinofanira kunzwisiswa nemunhu.
3 Handina kudzidza uchenjeri,Uye handina ruzivo runopiwa neMutsvenetsvene.
4 Ndiani akambokwira kudenga akaburuka?+
Ndiani akambounganidza mhepo mumaoko ake?
Ndiani akamboputira mvura muchipfeko chake?+
Ndiani akasimbisa* migumo yese yenyika?+
Anonzi ani uye mwanakomana wake anonzi ani, kana uchiziva?
5 Mashoko ese aMwari akachena.+
Iye inhoo kune vaya vanopotera kwaari.+
6 Usawedzera chinhu pamashoko ake,+Kuti arege kukutsiura,Ukazobudiswa pachena kuti unonyepa.
7 Pane zvinhu zviviri zvandiri kukukumbirai.
Musandinyima zvinhu izvozvo ndisati ndafa.
8 Bvisai kusataura chokwadi uye nhema pandiri.+
Musandipa urombo kana upfumi.
Ingoitai kuti ndidye zvekudya zvangu zvinondikwanira,+
9 Kuti ndirege kuguta ndikazokurambai ndichiti, “Jehovha ndianiko?”+
Uye kuti ndirege kuva murombo ndikaba ndikashoresa zita raMwari wangu.
10 Usataura zvakaipa nezvemushandi kuna tenzi wake,Kuti arege kukutuka woonekwa uine mhosva.+
11 Kune chizvarwa chinotuka baba vachoUye chisingakomboreri amai vacho.+
12 Kune chizvarwa chinozviona sechakachena+Asi chisina kucheneswa tsvina yacho.
13 Kune chizvarwa chine maziso anozvikudzaUye chine maziso anotarisa achizvikwidziridza!+
14 Kune chizvarwa chine mazino akaita semapakatwaUye chine shaya dzakaita semapanga ekuurayisa;Chinoparadza vakaderera vepanyikaNevarombo pakati pevanhu.+
15 Zvikwevaropa zvine vanasikana vaviri vanoshevedzera vachiti, “Tipei! Tipei!”
Kune zvinhu zvitatu zvisingamboguti,Zvina zvisingamboti, “Zvakwana!”
16 Guva*+ uye chibereko chisingabereki,Ivhu riri kushaya mvura,Uye moto usingamboti, “Zvakwana!”
17 Ziso rinonyomba baba uye risina basa nekuteerera amai+Richatodogorwa nemakunguo emubani,Uye vana vemakondo vacharidya.+
18 Kune zvinhu zvitatu zvinondishamisa zvikuru,Uye zvina zvandisinganzwisisi zvinoti:
19 Nzira yegondo mumatenga,Nzira yenyoka padombo,Nzira yengarava mugungwa,Uye nzira yemurume ane musikana.
20 Aya ndiwo maitiro emukadzi anoita upombwe:
Anodya, opukuta muromo wake;Anobva ati, “Hapana chakaipa chandaita.”+
21 Kune zvinhu zvitatu zvinodederesa nyikaUye zvina zvaisingagoni kutsungirira zvinoti:
22 Kana muranda ava kutonga samambo,+Kana benzi rava nezvekudya zvakawandisa,
23 Kana mukadzi anovengwa* akaroorwa,Uye kana mushandikadzi akatora nzvimbo yatenzikadzi wake.+
24 Panyika pane zvimwe zvinhu zvina zvidikidiki,Asi zvakasikwa zviine uchenjeri,* zvinoti:+
25 Masvosve, haasi zvisikwa zvine* simba,Asi anounganidza zvekudya zvawo muzhizha.+
26 Mbira,+ hadzisi zvisikwa zvine* simba,Asi dzinogadzira imba yadzo mumatombo.+
27 Mhashu,+ hadzina mambo,Asi dzese dzinofamba dzakarongeka.*+
28 Kadzvinyu kanonzi chipfira,+ kanobatirira nemakumbo ako,Uye kanopinda mumuzinda wamambo.
29 Kune zvinhu zvitatu zvinonakidza kutarisa zvichifamba,Zvinhu zvina zvinonakidza kutarisa zvichifamba zvinoti:
30 Shumba, mhuka ine simba pamhuka dzese,Isina wainotiza;+
31 Imbwa yekuvhimisa; nhongo;Uye mambo ane uto rake.
32 Kana wakazvikwidziridza zveupenzi+Kana kuti wakaronga kudaro,Bata muromo wako.+
33 Nekuti sezvo kusvina mukaka kuchibudisa ruombaUye kudzvinya mhino kuchibudisa ropa,Kudenha munhu kunoita kuti pave nekupopotedzana.+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “akasimudza.”
^ Kana kuti “Sheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “asingadiwi.”
^ Kana kuti “Asi zviine uchenjeri hwakanyanya.”
^ ChiHeb., “rudzi rune.”
^ ChiHeb., “rudzi rune.”
^ Kana kuti “dzakaita zvikwata zvikwata.”