Zvirevo 9:1-18
9 Uchenjeri hwechokwadi hwakavaka imba yahwo;Hwakaveza mbiru dzahwo nomwe.
2 Hwakapedza kuvhiya nyama yahwo;Hwakasanganisa waini yahwo;Hwakaisawo zvekudya patafura yahwo.
3 Hwakatuma vashandikadzi vahwoKuti vashevedzere vari panzvimbo dzakakwirira muguta vachiti:+
4 “Munhu wese asina ruzivo, ngaauye kuno.”
Hunoti kumunhu asina pfungwa:*
5 “Uya udye zvekudya zvanguNekunwa waini yandasanganisa.
6 Siya kusava neruzivo kwako* urarame;+Famba wakananga mberi munzira yekunzwisisa.”+
7 Munhu anoruramisa museki anozviunzira ruzvidzo,+Uye wese anotsiura munhu akaipa acharwadziswa.
8 Usatsiura museki, nekuti achakuvenga.+
Tsiura munhu akachenjera, uye achakuda.+
9 Ipa ruzivo kumunhu akachenjera, uye achawedzera kuchenjera.+
Dzidzisa munhu akarurama, uye achawedzera kudzidza.
10 Kutya Jehovha ndiko kutanga kweuchenjeri,+Uye kuziva Mutsvenetsvene+ ndiko kunzwisisa.
11 Nekuti ini ndichaita kuti mazuva ako ave mazhinji,+Uye uchawedzerwa makore kuupenyu hwako.
12 Kana ukava akachenjera, kuchenjera kwako kuchabatsira iwe pachako,Asi kana uchituka, zvichakuwana iwe wacho.
13 Mukadzi benzi anotaura nenzwi riri pamusoro.+
Haana pfungwa uye haana kana chaanoziva.
14 Anogara pachigaro, pasuo remba yakeMunzvimbo dzakakwirira dzeguta,+
15 Achishevedzera kuvanhu vari kupfuura,Vaya vari kufamba zvavo nenzira, achiti:
16 “Munhu wese asina ruzivo ngaauye kuno.”
Anotaura kuvaya vasina pfungwa* achiti:+
17 “Mvura yekuba inotapira,Uye zvekudya zvinodyirwa pakahwanda zvinonaka.”+
18 Asi havazivi kuti imba yake ndeyevashakabvu,Kuti vaenzi vake vari muGuva* rakadzika.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “njere.”
^ Kana kuti “Siyana nevasina ruzivo.”
^ Kana kuti “njere.”
^ Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.