Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 21-27

Jobho Akaramba Mashoko Enhema

Jobho Akaramba Mashoko Enhema

Mazuva ano Satani anoshandisa nhema kuti vanhu vaJehovha vaore mwoyo. Cherechedza musiyano uripo pakati penhema dzaSatani nemafungiro aJehovha sezvinoratidzwa mubhuku raJobho. Nyorawo mamwe mavhesi emuBhaibheri anokuratidza kuti Mwari anokuda.

NHEMA DZINOTAURWA NASATANI

JEHOVHA ANOTIONA SEI?

Mwari akaoma zvekuti vashumiri vake havakwanise kuita zvinomugutsa. Hakuna chisikwa chinokwanisa kumufadza (Job 4:18; 25:5)

Jehovha anotenda zvose zvatinoedza kuita (Job 36:5)

Munhu haabatsiri kuna Mwari (Job 22:2)

Jehovha anofadzwa nebasa ratinomuitira takatendeka uye anotikomborera (Job 33:26; 36:11)

Mwari haana basa nekururama kwako (Job 22:3)

Jehovha anochengetedza vakarurama (Job 36:7)