PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 28-32
Jobho Aiva Muenzaniso Wekuperera Kuna Mwari
Jobho akanga akatsunga kutevedzera mitemo yaMwari panyaya yekuzvibata
Aidzora maziso ake uye aisada vamwe vakadzi kunze kwemudzimai wake chete
Jobho akaratidza muenzaniso wakanaka pamabatiro aaiita vamwe
Aiva munhu akarurama, ane ngoni uye anozvininipisa. Aifunga zvakanakira vamwe, pasinei netsika dzavo uye kuti vakanga vari varombo here kana kuti vapfumi
Jobho aiva nerupo uye aifunga zvakanakirawo vamwe
Aibatsira vamwe uye aipa varombo zvavaishayiwa