Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOBHO 28-32

Jobho Aiva Muenzaniso Wekuperera Kuna Mwari

Jobho Aiva Muenzaniso Wekuperera Kuna Mwari

Jobho akanga akatsunga kutevedzera mitemo yaMwari panyaya yekuzvibata

31:1

  • Aidzora maziso ake uye aisada vamwe vakadzi kunze kwemudzimai wake chete

Jobho akaratidza muenzaniso wakanaka pamabatiro aaiita vamwe

31:13-15

  • Aiva munhu akarurama, ane ngoni uye anozvininipisa. Aifunga zvakanakira vamwe, pasinei netsika dzavo uye kuti vakanga vari varombo here kana kuti vapfumi

Jobho aiva nerupo uye aifunga zvakanakirawo vamwe

31:16-19

  • Aibatsira vamwe uye aipa varombo zvavaishayiwa