Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

Mushandirapamwe Wekukoka Vanhu Kugungano Remunharaunda

Mushandirapamwe Wekukoka Vanhu Kugungano Remunharaunda

Gore negore, tinotarisira kunakidzwa nekunamata pamagungano edu emunharaunda. Kuti vamwe varavirewo kuti Jehovha akanaka, tinoda kukoka vakawanda sezvatinokwanisa kuti vapindewo gungano pamwe chete nesu. (Pis 34:8) Dare revakuru rimwe nerimwe richaronga kuti mapepa ekukoka vanhu ashandiswe zvakanaka.

ZVAUNOFANIRA KUYEUKA

  • Gungano rangu richaitwa rinhi?

  • Mushandirapamwe uchatanga rinhi mundima medu?

  • Misangano yebasa ichange ichiitwa nguvai?

  • Ndiri kuronga kuitei panguva yemushandirapamwe?

  • Ndiani wandiri kuronga kuzokoka?

UCHATII?

Pashure pekukwazisa saimba, unogona kuti:

“Tiri kupa vanhu mapepa ekuvakoka kugungano rinokosha zvikuru iro richaitwawo munyika dzakawanda pasi rose. Musi wacho, nguva uye nzvimbo zvakanyorwa papepa rino. Tichafara chaizvo kana mukauya kuzopinda nesu.”

UNGATEI KUTI MUNHU ARAMBE ACHIFARIRA?

Kunyange zvazvo tichida kukoka vakawanda sezvatingagona, tinofanirawo kucherechedza vanenge vafarira uye toita kuti varambe vachifarira.

Kana uri musi weMugovera neSvondo, unogona kupa munhu magazini pamwe chete nepepa rekukoka.